bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 25
Matthew 25
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
1
“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani.
2
Vashanu vavo vakanga vasina hanya, vashanu vakanga vakachenjera.
3
“Nokuti vasina hanya vakatora mwenje yawo, vakasatora mafuta.
4
Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
5
Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata.
6
“Pakati pohusiku vakanzwa mheremhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’
7
Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
8
Vasina hanya vakati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’
9
Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’
10
Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa.
11
“Pashure vaya vamwe vasikana vakasvika, vakati, ‘Ishe, Ishe, tizarurireiwo!’
12
“Akapindura, akati, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handikuzivii imi.’ ”
13
“Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.
14
“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake.
15
Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.
16
Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.
17
Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri.
18
Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
19
“Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.
20
Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’
21
Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’
22
Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’
23
Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’
24
“Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha;
25
zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’
26
Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha;
27
saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda.
28
Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi.
29
Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.
30
Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’
31
“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya;
32
namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi.
33
Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
34
“Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.
35
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira;
36
ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’
37
“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa?
38
Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai?
39
Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’
40
“Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’
41
Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake.
42
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa;
43
ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’
44
Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’
45
Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’
46
Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28