bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 21
Matthew 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2
akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri.
3
Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.”
4
Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati,
5
“Udzai mwanasikana weZioni, Tarira Mambo wako anouya kwauri, Ari munyoro, akatasva dhongi, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.”
6
Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
7
vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva.
8
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
9
Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!”
10
Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?”
11
Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
12
Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva,
13
akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.”
14
Zvino mapofu navaikamhinha vakauya kwaari mutemberi akavaporesa.
15
Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” vakafa neshungu,
16
vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?”
17
Akavasiya, akabva muguta, akaenda Bhetania, kwaakandovata.
18
Mangwanani akati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19
Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo.
20
Vadzidzi vakati vachizviona, vakashamiswa, vakati, “Muonde waoma pakarepo seiko?”
21
Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa.
22
Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.”
23
Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?”
24
Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
25
“Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’
26
Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johani muporofita.”
27
Vakapindura, vakati kuna Jesu, “Hatizivi.” Akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
28
“Zvino munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri; akaenda kuno wokutanga, akati, ‘Mwana, enda nhasi undoshanda mumunda wangu wemidzambiringa.’
29
Iye akapindura, akati, ‘Handidi;’ asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda.
30
Akaenda kuno wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati, ‘Ndinoenda, ishe;’ akasaenda.
31
“Ndoupiko kunaivavo vaviri akaita kuda kwababa vake?” Vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vateresi nezvipfeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
32
Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.
33
“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
34
“Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake.
35
Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe.
36
Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo.
37
Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’
38
Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’
39
Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya.
40
“Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?”
41
Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”
42
Jesu akati kwavari, “Hamuna kutongorava here muMagwaro paye panoti: ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naIshe, Zvinoshamisa pameso edu?’
43
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka michero yahwo. [
44
“Anowira pamusoro pebwe iri, achapwanyika asi richaparadza warinowira.]”
45
Vapristi vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anovareva ivo.
46
Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji, nokuti vakanga vachiti muporofita.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28