bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 20
Matthew 20
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
“Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemidzambiringa vashandi.
2
Akati atenderana navashandi kuvapa dhenari pazuva, akavatuma kumunda wake wemidzambiringa.
3
“Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa,
4
akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemidzambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda.
5
Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve.
6
Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’
7
Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemidzambiringa.’
8
Ava madekwana, mwene womunda wemidzambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubayiro wavo, uchitanga kunowokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’
9
“Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari.
10
Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari.
11
Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba,
12
vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’
13
Akapindura, akati kunomumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here?
14
Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe.
15
Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ”
16
“Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
17
Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira,
18
“Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
19
“Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.”
20
Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari.
21
Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.”
22
Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”
23
Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”
24
Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe.
25
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo.
26
Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
27
Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28
Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
29
Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
30
Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
31
Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
32
Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
33
Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.”
34
Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28