bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 12
Matthew 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya.
2
VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.”
3
Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye;
4
kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi?
5
Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murayiro weSabata mutemberi, vasina mhosva?
6
Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano.
7
Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva.
8
Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”
9
Akabvapo, akapinda musinagoge ravo.
10
Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva.
11
Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here?
12
Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.”
13
Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe.
14
Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei.
15
Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose,
16
akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena,
17
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
18
“Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga.
19
Haangarwi, haangaiti mhere-mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa.
20
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde.
21
Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”
22
Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo.
23
Vanhu vazhinji vose vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haasi mwanakomana waDhavhidhi here?”
24
Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati, “Munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri, muchinda wemweya yakaipa.”
25
Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri.
26
NaSatani kana achibudisa Satani, anozvipesanisa; ushe hwake huchamira seiko?
27
“Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Saka ivo vachava vatongi venyu.
28
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo hushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
29
“Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake.
30
Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
31
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi.
32
Ani naani anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, acharegererwa asi anotaura shoko rakaipa pamusoro peMweya Mutsvene, haaregererwi, kana panguva ino, kana pane inouya.
33
“Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo.
34
Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo.
35
“Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.
36
Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.
37
Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.”
38
Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.”
39
Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona.
40
Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu.
41
Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; asi tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
42
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
43
“Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo, uchirishayiwa.
44
“Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa.
45
Zvino unoenda, ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuura nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvowo norudzi urwu rwakaipa.”
46
Akati achataura navanhu vazhinji, tarira, mai vake navanun'una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye.
47
Mumwe akati kwaari, “Havo mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi.”
48
Akapindura, akati kuna iye amuudza, “Mai vangu ndianiko, navanun'una vangu ndivanaaniko?”
49
Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati, “Tarirai, mai vangu navanun'una vangu!
50
“Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye mukoma nomunun'una, nehanzvadzi, namai kwandiri.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28