bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 17
Matthew 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
2
Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza.
3
Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye.
4
Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
5
Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.”
6
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zvavo, vakatya zvikuru.
7
Jesu akaswedera, akavabata, akati, “Simukai, musatya.”
8
Vakati vachitarira, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi.
9
Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati, “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.”
10
Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?”
11
Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.”
12
Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.”
13
Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi.
14
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati,
15
“Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura.
16
Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.”
17
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.”
18
Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo.
19
Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”
20
Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [
21
Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.]
22
Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu;
23
vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo.
24
Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira muripo wetemberi vakauya kuna Petirosi, vakati, “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wetemberi here?”
25
Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?”
26
Akati, “Kuvatorwa.” Jesu akati kwavari, “Saka vana vakasununguka.
27
“Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28