bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 15
Matthew 15
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Zvino vaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati,
2
“Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?”
3
Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4
“Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’
5
Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’
6
haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu.
7
Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti,
8
‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni.
9
Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ”
10
Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise.
11
Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
12
Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”
13
Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.”
14
“Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”
15
Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.”
16
Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here?
17
Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze?
18
Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu.
19
Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari;
20
ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”
21
Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
22
Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.”
23
Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.”
24
Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.”
25
Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.”
26
Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
27
Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”
28
Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.
29
Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGariria, akakwira mugomo, akagarapo pasi.
30
Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa.
31
Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri.
32
Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”
33
Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?”
34
Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.”
35
Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi;
36
akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
37
Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere.
38
Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi.
39
Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Shona Bible , revised ) Study Bible
→