bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 24
Matthew 24
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi.
2
Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.”
3
Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?”
4
Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
5
Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji.
6
Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.
7
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.
8
“Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
9
“Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
10
Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana.
11
“Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji.
12
Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda.
13
Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa.
14
Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
15
“Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze);
16
zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo;
17
ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make;
18
naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake.
19
“Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo;
20
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata.
21
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
22
“Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
23
“Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda.
24
Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo.
25
“Tarirai, ndagara ndakuudzai.
26
Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda.
27
“Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.
28
Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora.
29
“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa.
30
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31
“Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.
32
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
33
Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova.
34
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
35
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36
“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.
37
Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.
38
Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka,
39
vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.
40
Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe achatorwa, mumwe akasiyiwa.
41
Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa.
42
Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.
43
Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.
44
Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri.
45
Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
46
“Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
47
Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, achamugadza kuti ave mutariri wezvose zvaanazvo.
48
Asi kana muranda uyo akaipa akataura mumwoyo make, achiti, ‘Ishe wangu anonoka;’
49
akatanga kurova vamwe varanda vanoshanda pamwechete naye, akadya, akanwa pamwechete navanoraradza,
50
ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingamutariri, nenguva yaasingazivi;
51
akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwechete navanyengeri; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28