bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 14
Matthew 14
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
Nenguva iyo ishe Herodhi, akanzwa mukurumbira waJesu,
2
akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.”
3
Nokuti Herodhi akanga abata Johani, akamusunga, akamuisa mutorongo, nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake.
4
Nokuti Johani akati kwaari, “Hauna kutenderwa kuti uve naye.”
5
Zvino akanga achida kumuuraya, asi akatya vanhu vazhinji, nokuti vaimuti muporofita.
6
Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhi.
7
Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti, “Ndichamupa chipi nechipi chaanenge achakumbira.”
8
Zvino iye, akati arayirwa namai vake, akati, “Ndipei pano mundiro musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
9
Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe.
10
Akatuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.
11
Vakauya nomusoro wake uri mundiro, musikana akaupiwa; iye akaenda nawo kunamai vake.
12
Vadzidzi vake vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga; ndokuenda kundoudza Jesu.
13
Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka.
14
Zvino akati achibuda muigwa, akaona vanhu vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15
Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.”
16
Asi Jesu akati kwavari, “Havafaniri havo kuenda; imi muvape zvavangadya.”
17
Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.”
18
Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”
19
Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
20
Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere.
21
Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi.
22
Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji.
23
Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.
24
Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
25
Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
26
Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya.
27
Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.”
28
Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.”
29
Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.
30
Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino akati otanga kunyura, akadanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
31
Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Iwe unokutenda kuduku, wakona kutenda neiko?”
32
Vakati vapinda muigwa, mhepo ikanyarara.
33
Ipapo vakanga vari muigwa vakamupfugamira, vachiti, “Zvirokwazvo, ndimi Mwanakomana waMwari!”
34
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
35
Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; vakauya kwaari navose vairwara;
36
vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguo yake; vose vakabata vakaporeswa.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28