bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 9
Matthew 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake.
2
Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.”
3
Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.”
4
Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu?
5
Nokuti chinyiko chakareruka, kuti, ‘Wakaregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’
6
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
7
Akasimuka, akaenda kumba kwake.
8
Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai.
9
Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera.
10
Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
11
Zvino vaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?”
12
Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara.
13
Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
14
Zvino vadzidzi vaJohani vakauya kwaari, vakati, “Isu, navaFarisi, tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”
15
Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
16
“Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya.
17
Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.”
18
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.”
19
Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake.
20
Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake;
21
nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.”
22
Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.
23
Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere,
24
akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka.
25
Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
26
Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose.
27
Zvino Jesu akati achibvapo, mapofu maviri akamutevera, akadanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
28
Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!”
29
Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.”
30
Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.”
31
Asi vakabuda, vakamurumbidza munyika iyo yose.
32
Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa.
33
Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura; vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati, “Hakuna kumboonekwa zvakadai pakati pavaIsiraeri.”
34
Asi vaFarisi vakati, “Anobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.”
35
Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza vhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
36
Asi akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakaraswa, samakwai asina mufudzi.
37
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma.
38
Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28