bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 18
Matthew 18
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?”
2
Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo,
3
akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga.
4
Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga.
5
Ani naani anogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, anogamuchira ini.
6
“Asi ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.
7
“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe.
8
“Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri.
9
Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri.
10
“Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga. [
11
Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzoponesa charasika.]
12
“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here?
13
“Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika.
14
Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.
15
“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.
16
Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
17
Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi.
18
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga.
19
Ndinoti kwamurizve, kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.
20
Nokuti apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.”
21
Zvino Petirosi akauya akati kwaari, “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndakairegerera? Kusvikira kanomwe here?”
22
Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.
23
Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake.
24
Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari.
25
Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa
26
Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’
27
Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete.
28
“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’
29
Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’
30
“Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete.
31
Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa.
32
Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.
33
Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’
34
Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.”
35
Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana asingaregerere mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wose.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28