bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 19
Matthew 19
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Jesu akati apedza mashoko iwayo, akabva Gariria, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani.
2
Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
3
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?”
4
Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?”
5
Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe.
6
Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
7
Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?”
8
Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.
9
Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
10
Vadzidzi vakati kwaari, “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.”
11
Asi iye akati kwavari, “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa.
12
Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”
13
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa.
14
Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.”
15
Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
16
Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”
17
Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”
18
Akati kwaari, “Ipiko?” Jesu akati, “Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema;
19
kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
20
Jaya rikati kwaari, “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ko chipi chandinoshayiwa?”
21
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”
22
Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rasuwa kwazvo; nokuti rakanga rine pfuma zhinji.
23
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga.
24
“Ndinoti kwamurizve, ngamera ingarerukirwa kupinda paburi petsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
25
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?”
26
Jesu ndokuvatarira, akati kwavari, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.”
27
Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?”
28
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
29
Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yohupenyu husingaperi.
30
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28