bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 28
Matthew 28
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona bwiro.
2
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.
3
Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
4
Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.
5
Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa.
6
Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa.
7
“Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.”
8
Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake.
9
Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira.
10
Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.”
11
Zvino vachiri munzira, vamwe vagariri vakasvika muguta, vakaudza vapristi vakuru zvose zvakaitwa.
12
Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
13
vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’
14
Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.”
15
Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi.
16
Zvino vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Gariria, kugomo ravakarayirwa naJesu.
17
Vakati vachimuona, vakamupfugamira, asi vamwe vakanyunyuta.
18
Ipapo Jesu akasvika, akataura kwavari, akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.
19
Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene;
20
muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28