bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 13
Matthew 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
1
Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa.
2
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo.
3
Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha.
4
Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya.
5
Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika.
6
“Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi.
7
Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga.
8
“Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka vana; dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.”
9
“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10
Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?”
11
Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa.
12
Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo.
13
Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa.
14
Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa, musingatongonzwisisi; Kuona, muchaona, musingatongoonesesi;
15
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’
16
“Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
17
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
18
“Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi.
19
Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira.
20
“Asi akakushwa parukangarabwe, ndiye anonzwa shoko, ndokurigamuchira pakarepo nomufaro.
21
Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
22
Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko.
23
Akakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye anobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.”
24
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25
Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda.
26
Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo.
27
Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’
28
Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’
29
Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’
30
“Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ”
31
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make;
32
iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.”
33
Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
34
Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi;
35
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.”
36
Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.”
37
Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu.
38
Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi.
39
Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari.
40
“Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.
41
Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama,
42
vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
43
Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
44
“Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo.
45
“Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka;
46
akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.
47
“Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove;
48
kana hwazara vanohukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasa.
49
Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakarurama,
50
vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”
51
(Jesu akati kwavari), “Manzwisisa izvozvo zvose here?” Vakati kwaari, “Hongu, Ishe.”
52
Akati kwavari, “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwekudenga, akafanana, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvekare papfuma yake.”
53
Jesu akati apedza mifananidzo iyo, akabvapo.
54
Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
55
Ko haasi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havazonzi Maria here, vakoma navanun'una vake havanzi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi here.
56
Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati patiri dzose here? Ko iye akagowanepi zvinhu izvozvo zvose?”
57
Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make.”
58
Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28