bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 1
2 Samuel 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi adzoka kwaakanga andorakatisa kuuraya vaAmareki Dhavhidhi akambogara mazuva maviri muZikiragi.
2
Pazuva rechitatu racho, ndiye vhu mumwe murume achibva kumatendhe okwaSauro, aine hembe dzakabvaruka, nehuruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akati pasi gwadagwa achimuremekedza.
3
Dhavhidhi akati kwaari, “Unobva kupi?” Iye akamupindudra achiti, “Ndapunyuka kumatendhe eIsiraeri.”
4
Dhavhidhi akati kwaari, “Tipire tinzwe, zvafamba sei?” Iye akapindura achiti, “Vanhu vatiza kuhondo. Uye vamwe vavo vakawanda kwazvo varakatiswa, vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.”
5
Dhavhidhi ndokuti kujaya iri rokuuya neshoko kwaari, “Ko wazviziva sei kuti Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa?”
6
Jaya rakamuudza rikati kwaari, “Ndakangosvikawo zvangu nokugomo reGiribhoa, onei, Sauro aripo akazendamira pfumo rake ukuwo ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vachiti tsvome tsvome naye.”
7
Paakati cheu kutarisa shure, akandiona ndokubva andidaidza, ini ndokuti, “Ndokuno changamire.”
8
Iye ndokunditi, “Ndiwe aniko iwe?” Ini ndikati, “Ndiri muAmareki.”
9
Iye akanditi, “Uya umire pandiri pano uchindipedzisa zvako nokuti ndatambura ini asi mweya wangu warambirira mandiri.
10
Saizvozvowo ndakandomira paakanga ari ndokubva ndamupedzisa nokuti ndakanga ndanyatsoona kuti haamborarama namawiro aakanga akaita pasi kudaro. Ndakatora ngundu yakanga iri mumusoro make netsambo yaiva muruoko rwake. Ndauya nazvo kwamuri changamire.”
11
Dhavhidhi akati ndu hembe dzake akadzibvarura neshungu, ndozvakaitawo vamwe varume vose vaaiva navo.
12
Vakachema Sauro nomwanakomana wake Jonatani navanhu vaTenzi nemhuri yose yeIsiraeri nokuti vakanga varakatiswa kuuraiwa namapakatwa. Vakahwihwidza kuchema vakatsanya kusvikira manheru.
13
Dhavhidhi akati kujaya riya rokumutaurira, “Ko iwe unobva kupi?” Iye akati, “Ini ndiri mwana womumwe muuyi, muAmareki.”
14
Dhavhidhi ndokuti kwaari, “Chakakupa kurega kutya kusimudzira ruoko rwako kuparadza muzodzwa waTenzi chii?”
15
Dhavhidhi akabva adaidza rimwe jaya akati, “Naye munhu uyu, mupfuudze.”
16
Akabva amuponda akafa. Dhavhidhi akati kwaari, “Rufu rwako ndorwokuzviparira nokuti muromo wako wawataura wokutoti zvako, ‘Ndakauraya muzodzwa waTenzi’ wakuparira.”
17
Dhavhidhi akagurukuta kuchema Sauro nomwana wake Jonatani achiimba rwiyo rwengondo.
18
Akati rudzidziswe vedzinza rokwaJudha. Zvino ngondo yacho ino iyi yakanyorwa muBhuku raJashari, rinoti:
19
“Vanodadisa Isiraeri vacho vachiti kata kata kufa, vachiti kata kata pamitunhu yenyu yakatunhumara. Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai?
20
Dai mangorega zvenyu kuzvitaura kuGati, kunyange zvako kuzviparidzira muAshikeroni. Vanasikana vavaFirisitia vangadaro vakapembera kufara. Vanasikana vavanhu vasina kudzingiswa vakazvitutumadza.
21
“Imi makomo eGiribhoa pamusoro penyu, dova ngarirege kudonherapo, kana mvura ngairege kunayapo, parege kuva neminda inopa mbeswa zhinji; nokuti nhoo dzamagamba dzakafumurirwa ipapo. Nhoo yaSauro, zvokuzorwa mafuta zvakapera.
22
Museve waJonatani wakanga usingadzoke, usina ropa rewainge wauraya. Bakatwa raSauro haraidzoka risina mafuta amagamba.
23
“Sauro naJonatani kuvanhu, vaiva vepamoyo chaivo. Naivowo pachavo vari vanhu vakanaka. Upenyu hwavo hwose kusvikira parufu, havana kumbopararana. Pakumhanya gondo raisara pasi, pasimba dziri mvumba chaidzo kupfuura shumba.
24
“Imi vanasikana veIsiraeri, chemai Sauro ndiye aikupfekedzai hanzu tsvuku dzamandiriri, aiisa zvishongo zvendarama pazvipfeko zvenyu.
25
“Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata mukati mehondo kudai? Jonatani chaiye achiti rashu, kufa pamitunhu yenyu yakatunhumara.
26
“Zvako zvandishungurudza mwoyo, mukoma wangu Jonatani kwandiri, wanga uri wapamwoyo chaiye. Kundida kwako kwanga kusingatauriki, kwaikunda rudo rwavanhukadzi.
27
“Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai, zvombo zvenyu zvehondo kuparara kudai?”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24