bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 20
2 Samuel 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Zvakangoitikawo kuti paiva nomumwe matatapure womunhu ainzi Shebha mwanakomana waBhikiri wokwaBhenjamini. Akaridza hwamanda akati, “Isu muna Dhavhidhi, mugove hatina. Hatina nhaka mumwana waJese isu. VokwaIsiraeri we-e, munhu wese ngaazive nzira aende kwake.”
2
Ipapo varume vose vokwaIsiraeri, zvokutevera Dhavhidhi vakabva vakanda pasi ndokubva votevera Shebha mwana waBhikiri. Asi varume vokwaJudha vakaramba vakati kwati kwati namambo wavo kubvira muna Jorodhani kusvikira kuJerusaremu.
3
Dhavhidhi akasvika mumuzinda wake muJerusaremu. Mambo akatora varongo vaye gumi vaakanga asiyira kuchengeta musha. Akavaisa mune imwe imba mavaichengetedzwa achivariritira asi haana kumbozopinda mumba navo. Naizvozvo vakazogara vakapfigirwa upenyu hwavo hwose vachigara sechirikadzi.
4
Mambo akazoti kuna Amasa, “Ndikokoredzere vanhu vokwaJudha vave pano mushure memazuva matatu iwe unge uri panowo.”
5
Amasa akaenda kundokokorodza vokwaJudha. Asi akanonoka nguva yaakanga anzi auye.
6
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Shebha uyu mwana waBhikiri achatipinza nhamo kupfuura Abhusharomu. Chitora makurukota okwachangamire wako umuronde angadaro akapinda mumaguta etsvingo akazotinzvenga.”
7
Varume vokwaJoabhu navaichengetedza mambo, maKereti nemaPereti nemvumba dzose chaidzo dzokurwa hondo, vakaenda vakatungamirirwa naAbhishai. Vakabuda muJerusaremu vakandoronda Shebha mwanakomana waBhikiri.
8
Pavakasvika kuzidombo guru rokuGibheoni, Amasa akasanganidzana navo. Izvozvo Joabhu akanga akapfeka hanzu dzake dzehondo, pamusoro padzo akasungira bhande muchiuno raiva nebakatwa muhara. Paakati achiti fambei bakatwa rakasvotokera pasi,
9
Joabhu ndokuti kuna Amasa, “Ko, wakadiiko munun'una?” Joabhu akabva amuti ndebvu kweshu norudyi rwake kunge kuda kumutsvoda.
10
Asi Amasa haana kucherechedza bakatwa raiva muroko rwaJoabhu. Joabhu akabva amuti naro dhuvhu mudumbu, ura hwake hukati pasi wodzvo asina kumubaya rwechipiri akabva afa. Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakabva voronda Shebha mwana waBhikiri.
11
Mumwe murume wokwaJoabhu akamira pedyo nechitunha chaAmasa ndokusheedzera achiti, “Munhu wese anenge achida Joabhu neanenge ari wokwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.”
12
Izvozvo Amasa akanga achitoumburuka muropa pakati pomugwagwa mukuru. Ani naani aisvika nepo aiti akangomuona ombomira. Murume uya paakaona kuti munhu wese ari kumbomirapo akabvisa Amasa pamugwagwa apa akandomuisa musango akamufukidza neimwewo hanzu.
13
Paakabvisa Amasa mumugwagwa vanhu vose vakanga vava kungopfuura vachienda naJoabhu kundoronda Shebha mwana waBhikiri.
14
Shebha akafamba achidevanisa nemadzinza okwaIsiraeri ose kusvika kuAbheri nokuBhetimaaka nokuvaBheri vose vakaungana vakamutevera.
15
Varwi vose vaiva naJoabhu vakauya vakamukomba muAbheri kuBhetimaaka. Vakaunganidza ivhu rikaita chinenge musana wenzou chakatsamirana norusvingo ndokubva vava kutigimura rusvingo kuti rukoromokere pasi.
16
Mumwe mukadzi akanga akangwara akadaidzira ari mugutamo achiti, “Nditeerereiwo munzwe. Itii vaJoabhu vauye apo ndimbotaurawo navo.”
17
Joabhu akaenda kwaari, iye ndokuti, “Ndimi vaJoabhu?” Joabhu akati, “Ndini.” Mukadzi akabva ati, “Chimbonzwai zvandavakutaura ini muranda wenyu.” Akati “Ndipire ndizwe.”
18
Iye ndokuti, “Makarekare vakuru vaiti, ukangobvunza zano kuAbheri, nyaya yaibva yapera.
19
Ini ndiri mumwe wavanhu vanoda rugare uye vakatendeka muIsiraeri. Asi imi muri kuda kuparadza guta rakaita saamai muIsiraeri. Chamadira kumedza nhaka yaTenzi chii?”
20
Joabhu akabva ati, “Handimbofa ndakaita zvakadaro. Zvokumedza izvo kana kuparadza kwandiri hazvimboitika izvo.
21
Hazvisiri izvo. Chiripo chete ndechokuti kune mumwe murume anonzi Shebha mwana waBhikiri wokunyika yokwaEfuraimu yamakomo akapandukira mambo Dhavhidhi. Ingoturirai murume iyeyo mumaoko medu ndinobva ndatosiyana neguta rino.” Mukadzi uyu akati, “Chiregai zvenyu muone, muchakandirwa musoro wake napamusoro porusvingo.”
22
Nouchenjeri hwake ihwohu mukadzi uyu akaenda kuvanhu vose, vakazodimura Shebha mwana waBhikiri musoro vakaukanda kuna Joabhu. Joabhu ndokubva aridza hwamanda, vanhu vake vakabva vakotonoka paguta iri munhu wese akadzokera kumusha kwake. Joabhu akabva adzokera kuJerusaremu kuna mambo.
23
Joabhu ndiye aiva ari mukuru mukuru wehondo yose zvayo yeIsiraeri. Bhenaya mwanakomana waVaJehoyadha akanga ariye mutungamiri wevaichengetedza mambo, maKereti nemaPereti.
24
Adhoramu aiva mukuru mukuru wezvebasa rechibharo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi ariye samunyori mukuru mukuru.
25
Shevha ndiye aiva munyori. Zadhoki naAbhiatari ndovaiva vapristi.
26
Ira wokuJairi aivawo mupristi waDhavhidhi.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24