bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 16
2 Samuel 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe.
2
Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.”
3
Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?” Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.”
4
Mambo akabva ati kuna Zibha, “Chinzwa, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinokuremekedzai mambo changamire. Dai mwoyochena wenyu kwandiri wangoramba wakadaro.”
5
Mambo Dhavhidhi paakasvika kuBhahurimu, akavingwa nomumwe murume wekumhuri yokwaSauro ainzi Shimei mwanakomana waGera. Akanyatsomubudira achimutuka,
6
achikanda matombo kuna Dhavhidhi nokumakurukota ose amambo Dhavhidhi nokuvanhu vose. Izvozvo varwi vehondo vano chaivo vokwamambo vakanga vakamukuta kurudyi nokuruboshwe.
7
Shimei aimutuka achiti, “Iwe! Ibva kuno! Ibva! Mhondi yomunhu! Munhu pasina!
8
Tenzi akatsividza ropa remba yokwaSauro wawakatorera chigaro chokutonga. Tenzi azopa umambo mwanakomana wako Abhusharomu. Yhaa! Wazozviona. Waparara iwe nokuti uri mhondi yomunhu.”
9
Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko uyu imbwa zvayo yakafa kudai angatukireiko mambo changamire? Regai ndimuvinge ndimudimure musoro.”
10
Asi mambo akati, “Munei nazvo nhaimi vana vaZeruya? Zvimwe kudaro ari kundituka pamusana pokuti Tenzi amuti, tuka Dhavhidhi, ndiani zvino angabvunze kuti, ‘Ko izvozvi uri kuitirei?’ ”
11
Dhavhidhi akati kuna Abhishai nokumakurukota ake ose, “Hamuoniwo here kuti mwana wangu chaiye wokubereka ari kuda kuparadza upenyu hwangu. Ko kutozoti uyu wokwaBhenjamini zvake? Muregei akadaro. Regai atuke zvake nokuti Tenzi ndiye aita kuti adaro.
12
Zvichida Tenzi achaona dambudziko rangu akandiitira zvakanaka pamusana pokunyombwa kwandiri kuitwa.”
13
Dhavhidhi navanhu vake vakapinda zvavo munzira, uku Shimei achifambawo nomujinga mechikomo akavambirana naye achingomunyomba achimupotsera matombo nokumumbumurira guruva.
14
Mambo navanhu vose vakasvika kuna Jorodhani vaneta akambozorora ipapo.
15
Izvozvo Abhusharomu navanhu vose, varume vokwaIsiraeri vakasvika kuJerusaremu, Ahitoferi aivawo naye.
16
Pakasvika Hushai, muAriki, shamwari yaDhavhidhi iya kuna Abhusharomu yakati, “Zvoumambo hwenyu ngazvigare zvakadaro, ngazvirambe zvakadaro mambo!”
17
Abhusharomu akati kuna Hushai, “Ndiko kuvimbika here kushamwari yako nhai ikoku? Waregerei kuenda neshamwari yako?”
18
Hushai akati kuna Abhusharomu, “Bodo, nokuti anenge asarudzwa naTenzi navanhu ivava pamwechete navarume vose vokwaIsiraeri ndiye wangu iyeyo, uye ndiyewo wandinogara naye.
19
Uyezve ndiani wandingashandirewo kusatoti mwanakomana wake? Sokushandira kwandaingoita baba venyu ndokushandirawo kwandichaitira imi.”
20
Abhusharomu ndokuchizoti kuna Ahitoferi, “Tipewo zano, toitei?”
21
Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo”
22
Vanhu vakabva vadzikira Abhusharomu tendhe padenga remba, Abhusharomu akatorana navarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachiona.
23
Pamazuva iwayo mazano aipiwa naAhitoferi aifanana nomunhu ainge abvunza kuna Mwari. Ndizvo zvakanga zvakaita mazano aAhitoferi kuna Dhavhidhi naAbhusharomu.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24