bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 8
2 Samuel 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Gare gare Dhavhidhi akakurira vaFirisitia akavaisa pasi pake, akatorera vaFirisitia Metehagama.
2
Akakurirawo Moabhu akati vanhu vacho vati rare rare pasi. Akatora tambo akavaera katatu katatu nourefu hwayo vakangodaro achiuraya vomuchikamu chokutanga nechechipiri, vomuchikamu chechitatu akavarega vari vapenyu. VaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari.
3
Dhavhidhi akakurirawo Hadhadhiezeri, mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha paakanga achienda kundorwisa nyika yokuna Yufuratesi kuti idzokere mumaoko ake.
4
Dhavhidhi akamutorera vachayiri vengoro dzehondo, chiuru chimwechete chavachayiri navachayiri mazana manomwe pamwechete navarwi vetsoka makumi maviri echuru. Dhavhidhi akadimura matatira amabhiza ose engoro dzehondo ndokungosiya anokwanirana nezana rengoro dzehondo.
5
VaSiria vokuDhamasikusi vakauya kuzobatsira Hadhadhiezeri mambo wokuZobha. Dhavhidhi akauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri zvavaSiria.
6
Munyika yeAramu kuDhamasikusi, Dhavhidhi akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi, vaSiria vakava varanda kuna Dhavhidhi vachitotera mutero. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda.
7
Dhavhidhi akatora nhoo dzendarama dzakanga dzakatakurwa namakurukota aHadhadhiezeru akadziunza kuJerusaremu.
8
Mambo Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuBheta nokuBherotai maguta aHadhadhiezeru.
9
Mambo Toi paakanzwa kuti Dhavhidhi akakurira hondo yose yaHadhadhiezeru,
10
Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza nokuti akanga arwisa Hadhadhiezeru akamukurira. Chaivapo ndechokuti Hadhadhiezeru aigarorwisana naToi. Joramu uyu akauya nezvinhu zvesirivha nendarama nendarira.
11
Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo zvinhu izvozvi kupira kuna Tenzi pamwechete nesirivha nendarama yaakatsaurira kupira kuna Mwari yabva kunyika dzose dzaakakurira
12
dzinoti: Edhomu neMoabhu nevaAmoni nevaFirisitia neAmareki neyepazvinhu zvakapambwa zvaHadhadhiezeru mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha.
13
Dhavhidhi akazviwanira zita paakadzoka kwaakanga andorakatisa gumi rezviuru rine zviuru zvisere zvavaSiria mubani romunyu.
14
MuEdhomu akaisamo zvikwata zvikwata zvavarwi. Munyika yose zvayo yeEdhomu akaisa zvikwata zvavarwi. VaEdhomu vose zvavo vakava varanda kuna Dhavhidhi. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda.
15
Nokudaro Dhavhidhi akatonga Isiraeri yose zvayo. Dhavhidhi uyu aitonga vanhu vake zvine ruenzaniso uye nomazvo chaimo.
16
Izvozvo Joabhu mwanakomana waZeruya ainge ari mutungamiriri wehondo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhu ariye samunyori.
17
Zadhoki mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari ndovaiva vapristi, Seraya ari munyori.
18
Bhenaya mwanakomana waJehoiadha aiva mukuru mukuru wevokuchengeta mambo, maKereti nemaPereti, ukuwo vana vaDhavhidhi vakomana vari vapristi.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24