bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 13
2 Samuel 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Mushure maizvozvi zvakazoitika ndezvokuti Abhusharomu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanaka kwazvo yainzi Tamari yakadiwa nomumwewo mwanakomana waDhavhidhi ainzi Amunoni.
2
Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake.
3
Zvino Amunoni akanga aine shamwari yake yechikomana yainzi Jonadhabhu mwana waShimea mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu uyu akanga ari munhu akasvinuka zvikuru kwazvo.
4
Akati kuna Amunoni, “Mwana wamambo kudai unosuruvarirei mangwanani oga oga? Haundiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Mwoyo wangu uri pana Tamari, hanzvadzi yomukoma wangu Abhusharomu.”
5
Jonadhabhu akamurunya kuti, “Enda pamubhedha wako urare unge munhu arwara. Kana baba vako vazokutaurira woti kwavari, madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondipawo zvokudya, andibikirewo zvokudya ndiripo ndichiona, ndidye iye akandibatira.”
6
Amunoni akandorara akanyepera kurwara. Pakauya mambo kuzomumaira, Amunoni akati kwaari, “Madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondibikira zvingwa zviviri ndichiona, ndidye akandibatira.”
7
Dhavhidhi akabvawo atumira shoko kumba kuna Tamari rokuti, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umubikire zvokudya.”
8
Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni kuya kwaakanga ari, arere. Akakanya mukanyiwa akaumba zvingwa iye achiona akabva abika zvingwa izvi.
9
Tamari akatora pani akamuperekera chingwa asi akaramba kudya. Amunoni akati, “Vamwe vose ngavabude muno mandiri!” Saizvozvowo munhu wose akabudamo maaiva.
10
Amunoni ndokuti kuna Tamari, “Ndiigirewo zvokudya mumba muno kuti ndidye wakandibatirawo.” Tamari akatorawo zvingwa zvaakanga abika zviye ndokuigira hanzvadzi yake Amunoni mumba make.
11
Asi paakati achisvika nazvo pedyo naye kuti achidya, akabva amuti kachi akamuti, “Hanzvadzi uya tirare tose.”
12
Tamari akamuti, “Aiwa hanzvadzi! Rega kundibata chibharo. Zvakadai hazvifaniri kuitwa muIsiraeri. Usaite urombe hwakadai.
13
Ko unoti ndinganyarire kupi? Kana uriwe ndopauchabva wava rimwe zirombe chairo muIsiraeri. Zvinoka ndateterera zvangu, dai wataura zvako namambo nokuti haangarambe kuti ndive wako.”
14
Asi akaramba kumunzwa uye aiva ane simba kupfuura iye akamumanikidza akatadza naye.
15
Amunoni akabva amuvenga zvokuvenga zviya zvokuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwakanga kwakura kupfuura kumuda kwaaita. Amunoni uyu ndokumuti, “Simuka, chibva pano.”
16
Asi iye akati, “Kweteka hanzvadzi, nokuti kundidzinga kwawava kuita uku chinhu chakaipa kutopinda zvawaita kwandiri.” Asi haana kumunzwa.
17
Amunoni akadaidza jaya akati “Buritsa mukadzi uyu muno mandiri uise chihuri.”
18
Izvozvo akanga akapfeka mujiza wake murefu una maoko marefu nokuti vakunda vamambo vainge vachine umhandara vaipfeka mijiza yakadaro. Muranda wake akabva amuburitsa panze ndokuisa chihuri.
19
Tamari akazvidira dota mumusoro akabvarura mujiza uye waakanga akapfeka akabata gotsi ndokuti mhere povo kuchema achienda kudaro.
20
Hanzvadzi yake, Abhusharomu akamuti, “Asi Amunoni hanzvadzi yako atorana newe here? Chinyarara zvako hanzvadzi, inga ihanzvadzi yako wani. Rega zvako kuzvidya mwoyo nazvo.” Nokudaro Tamari akazogara ari munhu akasuruvara kwazvo pamba pehanzvadzi yake Abhusharomu.
21
Zvose izvi pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akaviruka nehasha.
22
Asi Abhusharomu haana chakaipa kana chakanaka chaakatara kuna Amunoni nokuti akanga atoita daka naAmunoni nokuti akanga abata hanzvadzi yake, Tamari chibharo.
23
Mushure memakore maviri azere, Abhusharomu akanga ana vaveuri vake vehwai kuBhaarihazori pedyo nokwaEfuraimu. Abhusharomu akakokako vanakomana vamambo.
24
Abhusharomu akasvika kuna Mambo akati, “Changamire, ini muranda wenyu ndine vaveuri vehwai. Zvino ndiri kukumbira kuti imi mambo namakurukota enyu tiende tose ikoko neni muranda wenyu.”
25
Asi akati kuna Abhusharomu, “Kwete, mwanangu hatingaendiko tose tose, tingadaro tikakuremedza.” Abhusharomu akaramba ongovavarira kumukumbira; asi iye akaramba kuenda akamuti afambe zvake zvakanaka.
26
Abhusharomu ndokuti, “Kana musingaende chiregai tiende nomunun'una wangu, Amunoni.” Mambo akamuti, “Chaunodira kuenda naye chacho chii?”
27
Asi Abhusharomu akaramba avavarira kumukumbira kusvikira abvumira Amunoni navamwe vanakomana vamambo vose kuti vaende zvavo naye.
28
Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.”
29
Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza.
30
Vachiri munzira, kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko raiti, “Abhusharomu auraya vanakomana vose vamambo hakuna nomumwe wavo asara.”
31
Mambo akabvarura hanzu dzake akati pasi zvambarara. Makurukota ake ose akanga akamukuta akabvarurawo hanzu dzawo.
32
Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo.
33
Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.”
34
Izvozvo Abhusharomu akanga atotiza. Rimwe jaya rakanga richichengetedzapo rakatarisa onei mhomho yavanhu ichiuya nokunzira yeseri kwake ichiteremuka mugomo.
35
Jonadhabhu akati kuna mambo, “Havoka vanakomana vamambo vari kuuya avo sezvandamboreva ini muranda wenyu, ndozvabva zvaitika izvi.”
36
Achangoti pedzei kutaura vanakomana vamambo vaya vakabva varoverera kusvika, ndiye mhere povo. Mambowo namakurukota ake vakachema zvakanyanya kwazvo.
37
Izvozvo Abhusharomu akanga atotizira kuna Tarimai mambo wokuGeshuri mwanakomana waAmihudhi. Dhavhidhi akaita mazuva achichema mwanakomana wake.
38
Naizvozvo Abhusharomu akatizira kuGeshuri akagarako makore matatu.
39
Mambo Dhavhidhi akava nechisuwo chokuona Abhusharomu nokuti shungu yake yokuchema Amunoni yakanga zvino yapera nokuti akanga azvionawo kuti kufa kwaakatoita uku.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24