bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 12
2 Samuel 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo.
2
Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga.
3
Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari.
4
Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.”
5
Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa.
6
Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.”
7
Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Iyemi ndimi munhu wacho. Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakakugadza umambo hweIsiraeri ndikakununura mumaoko aSauro.
8
Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri.
9
Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni.
10
Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’
11
Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena
12
nokuti wakazviita muchivande. Asi ini ndichazviita Isiraeri yose ichizviona, masikati machena.’ ”
13
Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Tenzi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Tenzi akuregererai chitadzo chenyu hamuchafa.
14
Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.”
15
Natani akaenda zvake kumba kwake. Tenzi akazorova nedenda mwana uye akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya akabva arwara.
16
Dhavhidhi akanamata kuna Tenzi achikumbirira mwana iyeyu. Dhavhidhi akatsanya akapinda mumba akapedza usiku akati pasi zvambarara.
17
Vakuru vakuru vemumuzinda wake vakamira paaiva vachida kuti asimuke, asi akaramba, akarambawo kudya navo.
18
Pazuva rechinomwe mwana uyu ndiye sarai. Makurukota aDhavhidhi akatya kumutaurira kuti mwana wafa vachiti, “Tarisai muone mwana paakanga achiri mupenyu takataura naDhavhidhi asi akaramba kutinzwa. Ko kuzoti iyezvino, tingamutaurire sei kuti mwana afa. Angadaro akazvikuvadza.”
19
Asi Dhavhidhi paakaona makurukota ake achiita zevezeve vari pamwechete, Dhavhidhi akabva azivawo kuti mwana wafa. Dhavhidhi akati kumakurukota ake, “Mwana wafasu?” Ivo vakati, “Watisiya uya.”
20
Dhavhidhi akati pasi kwanyanu akashamba akazvizora mafuta akapfeka dzimwe hanzu. Akapinda mumba yaTenzi akanamata. Akadzokera zvake kumba kwake. Akakumbira vakamugadzikira chokudya akadya.
21
Makurukota ake akati kwaari, “Zvamaita izvi zvinorevei? Manga muchitsanya muchichema mwana paanga achiri mupenyu. Asi pazofa mwana masimuka mukadya.”
22
Iye akati, “Mwana paanga achiri mupenyu, ndanga ndichitsanya ndichichema ndichiti hazvizikanwe zvimwe Tenzi angandinzwire tsitsi mwana akararama.
23
Asi zvino zvaashaya kudai chii chandichatsanyira? Ndingakwanise here kumuti adzokere kuno zvakare? Ini ndini ndichatoenda kwaari, asi iye kwandiri kuno haadzokeri.”
24
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda.
25
Akatumako muporofita Natani kuti amutumidze zita rokuti Yedhidhiya, akadariso ndiTenzi.
26
Izvozvo Joabhu akarwisa Rabha guta revaAmoni. Akatanga akurira muzinda wamambo waivamo.
27
Joabhu ndokubva atuma nhume kuna Dhavhidhi kundoti, “Ndakarwisa Rabha, ndikarikurira guta remvura.
28
Saka zvino chiunganidzai vamwe varwi vose mukombe guta iri murikurire. Ndingazodaro ndikarikurira ndiri ini, guta rikazodaidzwa nezita rangu.”
29
Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza varwi vose pamwechete. Akaenda kuRabha akarirwisa akarikurira.
30
Akatorera mambo weko ngundu youmambo mumusoro yairema makumi matatu amakirogiramu ane makirogiramu mana endarama yakanga iine dombo rinokosha. Yakadzikwa mumusoro waDhavhidhi. Akakukucha zvinhu zvaakapamba mugutamo zvakawanda kwazvo.
31
Akatinha vanhu vakanga varimo akavaendesa kuchibharo kundoshanda namajeko namapiki namatemo esimbi. Akavakanyisa zvidhinha. Ndozvaakaita kumaguta ose evaAmoni. Dhavhidhi navarwi vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24