bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 23
2 Samuel 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Aya ndiwo mazwi okupedzesera aDhavhidhi. Shoko raDhavhidhi mwana waJese shoko romurume akakwidziridzwa pamusoro muzodzwa waMwari waJakobho muimbi weIsiraeri wepamwoyo.
2
Mweya waTenzi ari kutaura nomandiri shoko rake riri mumuromo mangu.
3
Mwari weIsiraeri ataura iye Bako reIsiraeri anditi: “Kana munhu achitonga vanhu zvine ruenzaniso achitonga achitya Mwari,
4
anoita sechiedza chemambakwedza sokupenya kunoita zuva, semangwanani asina kana kakore nechiedza chacho nemvura yokunaya ruswiswi runobva rwamera pasi.”
5
Handiti ndiwo mamiriro akaita imba yangu naMwari here nokuti akaita neni chitenderano chinogara nokusingapere? Zvinhu zvose akatozvironga kare akatozvisimbisa. Angazorega here kuti ndibudirire achindiitirawo zvido zvangu?
6
Asi vasina hanya naMwari vose vachakukurwa seminzwa, isingaitwi zvokubatwa namaoko.
7
Asi kana munhu oibata anotozviita nesimbi kana nerwiriko rwepfumo. Pairi ipapo ndopainororomeserwa nomoto.
8
Aya ndomazita emagamba aiva naDhavhidhi okurwa: kunoti Jashebhabhashebheti wokuTakemoni, pautatu hwavo ndiye aiva mukuru mukuru. Akarwisa mazana masere avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete.
9
Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho mwanakomana waAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi pavaitafurira vaFirisitia vakanga vaunganidzanako kuzorwa hondo ndokubva varwi veIsiraeri vatiza.
10
Iye akamira akauraya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta asisagone kurega bakatwa rake muchanza pamusana pechinyamunhari. Tenzi akaita basa guru kwazvo rokuti vakunde zuva iroro asi vakazodzokerazve kuzopamba zvinhu pazvitunha.
11
Aimutevera wacho ndiShama, mwanakomana waAgee wokuHarari. Pakanga vaFirisitia vaunganidzana pamwechete kuRehi paiva nomunda uzere nyemba, vamwe vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia.
12
Asi Shama akamira mukati momunda iwoyo achiudzivirira akauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuti vakunde.
13
Munguva yokukohwa, pavakuru vakuru makumi matatu, vamwe vavo vatatu vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu izvozvo chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chadzika matendhe mubani rokuvaRefaimu.
14
Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBheterehemu.
15
Dhavhidhi akanzwa nenyota akati, “Dai pangowana mumwe anondonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBheterehemu riri pedyo nesuo guru raro.”
16
Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe avaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rekuBheterehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaiteurira pasi kuna Tenzi
17
achiti, “Tenzi we-e handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai iropaka iri ravanhu vaendako vachitopinza upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo kuinwa akaramba. Izvozvi izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa nemagamba matatu aya.
18
Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira mbiri yakada kuita seyevatatu vaye.
19
Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru mukuru wavo. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika.
20
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzeri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.
21
Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko, asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro.
22
Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira mbiri yakada kuita seyemagamba matatu aya.
23
Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya vaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika Dhavhidhi akamuita mukuru mukuru wevokumuchengetedza iye mambo.
24
Asaheri munun'una waJoabhu aivawo mumwe wamakumi matatu iwaya uye Erihanani mwanakomana waDhodho wokuBheterehemu:
25
kwouya Shama wokuHarodhi naErika wokuHarodhi
26
naHerezi wokuPariti naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekoa
27
kwouyawo Abhiezeru wokuAnatoti naMebhunai wokuHusha
28
naZarimoni muAhohi uye Maharai wokuNetofa
29
uyewo Herebhu mwanakoma waBhaana wokuNetofa naItai mwanakomana waRibhai wokuGibhea kwaBhenjamini
30
kwoti Bhenaya wokuPireatoni naHidhai wokumakoronga okuGaashi
31
naAbhiaribhoni wokuAribha naAzimavheti wokuBhahurimu,
32
kwotiwo Eriyahibha wokuShaaribhoni kwouya vanakomana vaJasheni naJonatani
33
mwanakomana waShama wokuHarari naAhihamu mwanakomana waSharari wokwakare kuHarari,
34
kuchizoti Erifereti mwanakomana waAhashibhai wokuMaaka naEriamu mwanakomana waAhitoferi wokuGiro
35
naHeziro wokuKarimeri naPaarai wokuAribhu,
36
kuchitiwo Igari mwanakomana waNatani wokuZobha naBhani wokwaGadhi
37
naZereki muAmoni naNaharai wokuBheeroti ndiye aiva wokutakurira Joabhu mwanakomana wavaZeruya zvombo zvehondo
38
kwozoti Ira wokuItira naKarebhu wokwakareko kuItira
39
naUriya muHiti. Vose pamwechete vaiva vanhu makumi matatu navanomwe.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24