bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 4
2 Samuel 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Kuzoti Ishibhosheti mwanakomana waSauro anzwa kuti Abhuneru akafira kuHebhuroni zvakamupedza simba, zvikakangaidzawo vokwaIsiraeri vose.
2
Zvino mwana waSauro uyu aiva navarume vaviri vaiva vokutungamirira zvikwata zvavapambi. Mumwe ainzi Bhaana, mumwe achinzi Rekabhu vanakomana vaRimoni mumwe murume wokwaBhenjamini wokuBheeroti (nokuti Bheeroti iyi inonzi ndeye vokwaBhenjamini.
3
Bheeroti akatizira kuGitaimu, nanhasi wose achiri kugarako somutorwa).
4
Jonatani mwanakomana waSauro akanga aine mwana wake mukomana akaremara makumbo. Zvakanga zvaitika ndezvizvi: mwana uyu aine makore mashanu pakauya shoko riya rezvaSauro naJonatani richibva kuJezirieri; mureri wake akangoti nho mwana ndokutiza. Achingunotiza kudaro zvechimbichimbi, mwana ndiye pasi pu achibva aremara. Mwana uyu ainzi Mefibhosheti.
5
Zvino vana vaRimoni wokuBheeroti vanaRekabhu naBhaana vakasimuka vakandosvika kumba kwaIshibhosheti zuva richirova nhongonya iye akanga ari panguva yake yamasikati yokuzorora.
6
Vakapinda mumba yomukati vachiita sokunge vari kuda kundotora koroni vakabva vamubhovhora padumbu. Rekabhu nomunun'una wake Bhaana ndokubva vatiza.
7
Vakapinda mumba make, iye ari kutsi kwehope pamubhedha pake kudaro, vakamubaya vakamuuraya vakamudimura musoro. Vakatakura musoro wake vakararirofamba usiku hwose nomunzira yokuArabha.
8
Vakasvika nomusoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi kuHebhuroni. Vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu aida kukuurayai. Mambo changamire, Tenzi akutsivirai Sauro navana vake nhasi uno.”
9
Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vanakomana vaRimoni vokuBheeroti achiti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu akandinunura munjodzi dzose
10
kuti mumwe paakandiudza kuti, ‘Sauro afa uku,’ achifunga kuti ari kutondiunzira dama rakanaka, ndakamubata ndikamuuraya kuZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa.
11
Ndoda kutozoti apa, vanhu vakaipa vatouraya zvavo mururami mumba make ari pamubhedha wake; imi ndimi vandichaita kuti muripe ropa romunhu iyeyo nokukutsakatisai panyika kwandichaita.”
12
Dhavhidhi akabva atuma majaya ake, akavauraya akavadimura maoko netsoka, vakavasungirira pedyo nedziva kuHebhuroni. Asi musoro waIshibhosheti vakautora vakauviga muguva raAbhuneru kuHebhuroniko.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24