bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 9
2 Samuel 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Dhavhidhi akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?”
2
Zvino kwakanga kuno mumwe muranda weimba yaSauro ainzi Zibha, vakamudaidza kuti auye kuna Dhavhidhi. Mambo akamubvunza kuti, “Ndiwe Zibha here? Iye akati, ‘Ndiye uno muranda wenyu changamire.’ ”
3
Mambo akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena waMwari?” Zibha akati kuna mambo, “Hongu kuchino mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dzose dziri mbiri.”
4
Mambo Dhavhidhi ndokubva ati kwaari, “Zvino ari kupiko?”
5
Zibha ndokuti kuna mambo, “Ari kuRodhebhari, kumba kwaMakiri, mwanakomana waAmieri.”
6
Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani mwana waSauro, akauya kuna Dhavhidhi akasvikomugwadamira achimuremekedza. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti,” Iye akati, “Ndini muranda wenyu changamire.”
7
Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.”
8
Iye akamugwadamira kumuremekedza akati, “Ko iyeni muranda wenyu ndiri chiiwo zvangu, kwamuri iyemi, imbwawo zvangu yakafa kudai, wamungabva matarisawo kudai.”
9
Mambo akadaidza Zibha muranda waSauro akamuti, “Zvose zvokwaSauro nemhuri yake yose ndazvipa kumwanakomana watenzi wako.
10
Zvino iwe navanakomana vako navaranda vako munofanira kumurimira munda muchimuigira zvinobva mumundamo kuitira kuti mwanakomana watenzi wako awane chokudya. Asi Mefibhosheti uyu mwanakomana watenzi wako achange achidya chokudya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navana vakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.
11
Zibha akati kuna mambo, “Changamire mambo, zvose zvamati ini muranda wenyu ndiite ndozvandichaita.” Nokudaro Mefibhosheti akazenge ava kudya pamwechete naDhavhidhi pateburu yake sezvakangoitawo mumwe mwanakomana wamambo.
12
Mefibhosheti aiva nomwana muduku mukomana ainzi Mika. Vose vaigara mumusha waZibha vakabva vava varanda vaMefibhosheti.
13
Naizvozvo Mefibhosheti akagara muJerusaremu nokuti ainge achidya pamwechete namambo pateburu yake. Izvozvo akanga akaremara makumbo ake ose ari maviri.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24