bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 18
2 Samuel 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
1
Dhavhidhi akaronga varume vaaiva navo muzvikwata zvezviuru zviuru mukati mazvo zvikwata zvezana zana, ndokuisa vatungamiriri pachikwata choga choga.
2
Pazvikwata zvitatu zvaakatumira chimwe chaitungamirirwa naJoabhu, chimwe naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya, chimwewo chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Iniwo ndiri kuzoenda nemi.”
3
Vanhu vakati, “Hamufaniri kuenda, nokuti kana isu tikatiza havana hanya nesu. Kunyange vamwe vedu chikamu chepakati napakati chaicho chikafa, havanei nazvo. Asi imi ndimi makatokosha kupfuura isu tiri zviuru gumi. Zviri nani ndezvokuti imi munge muri muguta muchititumira rubatsiro.”
4
Mambo akati kwavari, “Zvamunenge maona kuti ndizvo zvakanaka ndizvo zvandichaita.” Nokudaro mambo akamira padivi kusuwo guru, varwi vose vachibuda vari mazana mazana nezviuru zviuru.
5
Mambo akaudza Joabhu naAbhishai naItai kuti, “Pamusana pangu ndibatirei zvakanaka mukomana uyu, Abhusharomu.” Mambo paaiudza vatungamiri vehondo vose nezvaAbhusharomu vanhu vose vaizvinzwa.
6
Saizvozvo hondo yakabudira vokwaIsiraeri kunze, ikarwisana navo musango rokwaEfuraimu.
7
Hondo yokwaIsiraeri yakakurirwa navanhu vokwaDhavhidhi, kwakafiwa kwazvo musi iwoyo, nezviuru makumi maviri.
8
Hondo yakapararira nenyika iyoyo yose. Sango rakaparadza vanhu vakawanda kupinda vakauraiwa namapakatwa zuva iroro.
9
Abhusharomu akaita mahwekwe navanhu vokwaDhavhidhi. Izvozvo Abhusharomu akanga akatasva nyurisi rake. Nyurusi rakasenerera napasi pamapazi makobvu ezimuoku, musoro wake wakabatirira zvakasimba kumuoku uyu. Akasara ongoti renga renga mumhepo nyurisi rati svorododo kupfuurira napasi pake.
10
Mumwe murume akazviona akataurira Joabhu kuti, “Ndaona Abhusharomu akarembera mumuoku.”
11
Joabhu akati kuna nyakumuudza, “Watii, watomuona zvako. Ko waregerereiko kumupfuudza awira pasi? Zvingadai zvandifadza ndokupa zvino gumi rezvidimbu zvemari nebhanhire resirivha nomudya.”
12
Murume uyu ndokuti kuna Joabhu, “Kunyange zvazvo zvikanzi ndini uyo ndachibata muruoko chiuru chezvidumbu zvemari yesirivha nouremo hwacho handimbofa ndakasimudzira rwangu ruoko kuuraya mwanakomana wamambo nokuti takanzwaka isu mambo vachikuudzai iyemi naAbhishai naItai kuti pamusana pangu mundichengetedzerewo zvakanaka mukomana uyu Abhusharomu.
13
Chimwewo ndechokuti dai izvozvi ndanga ndawana chimwe chandaita kwaari, kuna mambo, rina manyanga hariputirwe, imi iyemi chaiye maizongoti zvionere.”
14
Joabhu akati, “Regai ndirege kupedza nguva yangu newe zvakadai.” Akatora mapfumo matatu mumaoko akandobaya Abhusharomu pamwoyo. Izvozvo Abhusharomu akanga achiri mupenyu ari mumuoku muya.
15
Majaya gumi aitakurira Joabhu zvombo zvehondo akakomba Abhusharomu vakamuuraya akafa.
16
Joabhu akaridza hwamanda, zvikwata zvavarwi zvikabva zvadzoka zvorega kuronda vokwaIsiraeri pamusana pokuti Joabhu akanga zvino avadzivisa.
17
Vakazotora Abhusharomu vakamukanda mugomba guru mudondomo. Vakatutiramo pamusoro pake zimurwi guru guru ramabwe. VokwaIsiraeri vose vakaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo.
18
Zvakanga zvaitika ndezvokuti Abhusharomu paaiva achiri mupenyu akanga atora shongwe yebwe akazvimisira shongwe iyoyo mubani rokwaMambo nokuti aiti handina mwana mukomana angazomutsiridza zita rangu. Akatumidza shongwe iyoyo nezita rake, ndokusaka ichinzi Shongwe yaAbhusharomu nanhasi uno.
19
Ahimaazi mwanakomana wavaZadhoki akati, “Regai ndimhanyire kuna mambo ndisvitse shoko iri rakanaka kudai rokuti Tenzi avanunura mumaoko avavengi vavo.”
20
Joabhu akamuti, “Haungaende neshoko iri iye nhasi uno asi kutoti ungazoenda neshoko racho rimwe zuva zvaro. Asi nhasi haufaniri kuenda neshoko nokuti afa uyu mwanakomana wamambo.”
21
Joabhu akabva ati kune mumwe wechiKushi, “Iwe chienda undotaurira mambo zvawaona.” MuKushi uya akakotamira Joabhu kumuremekedza ndokubva amhanyirako.
22
Ahimaazi mwana wavaZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Chauya chauya, regai zvangu ndimhanye nditevere muKushi uyu.” Joabhu akati, “Uchamhanyireiko mwanangu iwe uchitoonawo zvako kuti hapana mubayiro waunowana neshoko irori.”
23
Iye ndokuti, “Chauya chauya regai ndimhanye.” Saizvozvo iye akamuti, “Chimhanya.” Ahimaazi akamhanya nokunzira iri kwakati sandara akabva apfuura muKushi uye.
24
Izvozvo Dhavhidhi akanga akagara pakati pemisuwo mikuru miviri yeguta. Munhu aichengetedzapo akakwira pamusoro pesuo guru reparusvingo. Paakati tarisei akabva aona mumwe murume achimhanya ari oga oga.
25
Wokuchengetedzapo uya akadaidzira kutaurira mambo. Mambo akati, “Kana ari oga oga kudaro munhu ane shoko rakanaka.” Murume uya akaramba achiuya kudzamara asvika pedyo.
26
Muchengetedzi wepo uyu akaona zvakare mumwe murume achimhanya. Muchengetedzi akadaidzira kune aiva pasuo guru achiti, “Ona mumwezve uyo ari kumhanya ari oga oga.” Mambo ndokuti, “Naiyeyowo ari kuuya neshoko rakanaka.”
27
Muchengetedzi akati, “Mumhanyiro weari mberi wacho ndiri kuona kunge mumhanyiro waAhimaazi mwana wavaZadhoki.” Mambo akati, “Uyo munhu ane mwoyo wakanaka uyo uyewo anounza shoko rakanaka.”
28
Ahimaazi akadaidzira kuna mambo achiti, “Uku zvose muchete.” Akakotamira mambo achimuremekedza akati, “Tenzi, Mwari wenyu ngaarumbidzwe aisa mumaoko enyu vanhu vanga vakakupandukirai mambo changamire.”
29
Mambo akati, “Ko mukomana uyu Abhusharomu akadii?” Ahimaazi akati, “Ini muranda wenyu pandatumwa negurukota renyu Joabhu, ndangoona vanhu vachiita bvongonyera asi handizive kuti paitikei.”
30
Mambo ndokuti, “Chimboenda umire apo.” Akabvapo akandoti mbikiti kumira pakadaro apo.
31
WechiKushi uye akabva asvikawopo. MuKushi uyu akati, “Ndauya neshoko rakanaka mambo changamire. Tenzi aisa mumaoko enyu vose vanga vakakupandukirai.”
32
Mambo akabvunza muKushi uyu kuti, “Ko mukomana, Abhusharomu akadii?” MuKushi ndokupindura achiti, “Mambo changamire dai vavengi venyu navose vanokupandukirai vachida kukuitirai zvakaipa vakaita hwomukomana iyeyu.”
33
Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.”
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24