bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 2
2 Samuel 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.”
2
Saizvozvo Dhavhidhi akakwidza kuendako pamwechetewo namadzimai ake maviri, vana Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi iya yaNabhari wokuKarimeri.
3
Dhavhidhi akaendako navanhu vake vaaiva navo munhu wose aine mhuri yake. Vakagara mumaguta okuHebhuroni.
4
Varume vokwaJudha vakauyako vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaJudha. Pavakataurira Dhavhidhi kuti, “Varume vokuJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro,”
5
Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita.
6
Tenzi ngaachikuitirai mwoyochena avewo zvake akatendeseka. Iniwo ndichakuitirai zvakanaka pamusana pokuti makaita izvozvi.
7
Saka zvino chishingai mwoyo, muve vanhu vane chivindi, changamire wenyu, Sauro zvaakafa uyewo vokwaJudha zvavakandigadza umambo hwokwawo kuti ndivatonge.”
8
Izvozvo Abhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yaSauro akanga atora Ishibhosheti mwanakomana waSauro akaenda naye kuMahanaimu.
9
Akamuita mambo wokuGireadhi newevaAsheru nokuJezirieri nokwaEfuraimu nokwaBhenjamini neIsiraeri yose zvayo.
10
Ishibhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakumi mana amakore paakatangisa kutonga Isiraeri. Akatonga kwamakore maviri. Asi vokwaJudha vainge vachitevera Dhavhidhi.
11
Dhavhidhi aiva mambo wokwaJudha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu kuHebhuroni.
12
Abhuneru mwanakomana waNeru namakurukuta aIshibhosheti mwanakomana waSauro vakabva kuMahanaimu vakaenda kuGibheoni.
13
Joabhu mwanakomana waZeruya namakurukuta okwaDhavhidhi vakabuda vakandosangana navo kudziva rokuGibheoni. Vakagara pasi vakati vamwe kumhiri uku vamwe kumhiri uku padziva ipapo.
14
Abhuneru akati kuna Joabhu, “Regai mamwe majaya edu amirisane ativaraidze.” Joabhu akati, “Ngavamirisane zvavo.”
15
Ivo vakandomirisana vakati uku gumi navaviri vokwaBhenjamini naIshibhosheti mwanakomana waSauro; uku gumi navaviri vokumakurukota aDhavhidhi.
16
Munhu oga oga akati dzvi musoro womumwe waakanga akamirisana naye, akati nebakatwa zwi parutivi pewaakanga akamirisana naye vachibva vati pamwechete pasi rikiti. Naizvozvo nzvimbo iyi yakatumidzwa zita rokuti “Guraramapakatwa.” Iri kuGibheoni.
17
Zuva irori kwakarwiwa hondo inotyisa. Abhuneru navarume vokwaIsiraeri vakakurirwa nevokumakurukota okwaDhavhidhi.
18
Ipapo paiva navanakomana vaZeruya vatatu vaiti: Joabhu naAbhishai naAsaheri. Zvino Asaheri uyu aiva mhene chaiyo pakumhanya.
19
Asaheri akadzingirirana naAbhuneru akaramba akati naye tande asina kwaaitsaukira, achitevera Abhuneru chete.
20
Abhuneru akacheuka ndokuti, “Ndiwe here Asaheri?” Iye akati, “Ndini.”
21
Abhuneri akamuti, “Tsaukira zvako kurudyi kana kuruboshwe uwane rimwe jaya raungabate uripambe.” Asi Asaheri akaramba angoti tsvome tsvome naye chete.
22
Abhuneru ndokutizve kuna Asaheri, “Rega zvokundidzingira izvi. Unodirei kuti ndikupatitsire pasi? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?”
23
Asi Asaheri akaramba angoti naye naye chete. Naizvozvo Abhuneru akabva amuti neshure dhuvhu nomusisi zvokuti pfumo rakati bherevere ndokubuda nokumusana, achibva ati pasi mbonye mbonye, ndiye pakarepo fatata kufa. Vose vakanga vati unga unga paakawira vakamira vakati kanha kutarira.
24
Asi Joabhu naAbhishai vakaramba vachingodzingirirana naAbhuneru. Kuzoti zuva rodoka vakasvika kuchikomo cheAma chokunge tava kuda kusvika kuGia munzira yokurenje reGibheoni.
25
VokwaBhenjamini vakaunganidzana kuna Abhuneru vakaita chikwata chimwechete, vakandomira pamusoro pechikomo.
26
Abhuneru akadaidzira kuna Joabhu achiti, “Ko iro bakatwa rokuuraya vanhu risisakandwe pasi, ndohwava upenyu here? Hauzive here kuti magumo acho anorwadza kwazvo? Kusvikira rini chaizvo usati wati vanhu vokwako vadzoke varege kuronda hama dzavo?”
27
Joabhu akati, “NaMwari chaiye mupenyu, dai wanga usina kutaura saizvozvo chokwadi varume ava vaitosvikira mangwana mangwanani vachingoronda chete hama dzavo idzodzo.”
28
Nokudaro Joabhu akaridza hwamanda vanhu vose vakamira vakabva varega kuronda vokwaIsiraeri ndokubva varega kuramba vachirwa.
29
Abhuneru navanhu vake vakararirofamba usiku ihwohwo nomuArabha vakayambuka Jorodhani vakafamba mangwanani ose vakasvika kuMahanaimu.
30
Joabhu akadzoka mukuronda Abhuneru. Paakaunganidza vanhu vose pamwechete pakaonekwa kuti kuvanhu vokwaDhavhidhi, varume gumi navapfumbamwe pakanga pasina tisingaverengere Asaheri.
31
Asi ivo vokumakurukota okwaDhavhidhi vakanga vauraya vanhu vokwaBhenjamini mazana matatu avarume ana varume makumi matanhatu evokwaAbhuneru.
32
Vakatora Asaheri vakamuviga muguva rababa vake kuBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakararirofamba usiku hwose vakaedzerwa vava kuHebhuroni.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24