bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 15
2 Samuel 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
1
Mushure mezvo Abhusharomu akazvigadzirira ngoro yehondo namabhiza akava navarume makumi mashanu vokumhanya mberi kwake.
2
Aifumomuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yokusuwo guru. Aiti kana munhu auya kuzoenzanisirwa mhosva yake namambo,
3
Abhusharomu aimudaidza omubvunza kuti, “Wabva kuguta ripi iwe?” Iyewo kana aiti, “Ini muranda wenyu ndiri wedzinza rokwanhingi muIsiraeri muno,” Abhusharomu aiti kwaari, “Chinzwa iwe nyaya yako yakanaka kwazvo uye inonzwika, asi hapana akaiswa namambo kuti anzwe nyaya yako.”
4
Abhusharomu aibva ati, “Dai zvangu ndirini mutongi wenyika ino ndaiti kana munhu akauya kwandiri nenyaya kana nechichemo chake ini ndaibva ndamuenzanisira.”
5
Aitiwo kana munhu ouya kwaari kuzomugwadamira aibva amuchingidzira kwazvo maoko omubata achimutsvoda.
6
Ndozvaiita Abhusharomu kuvaIsiraeri vose vaiuya kuzotongwa namambo. Ipapo vanhu veIsiraeri vakatorwa mwoyo naAbhusharomu.
7
Mushure memakore mana, Abhusharomu akati kuna mambo, Chimbondiregai zvenyu ndiende kuHebhuroni kundozadzisa zvandakapika nemhiko kuna Tenzi.
8
Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu pandanga ndiri kuGeshuri kuAramu ndakanyatsopika nemhiko ndichiti, “Chokwadi chokwadi kana Tenzi akaita kuti ndidzokere kuJerusaremu uku ndichazvipira kunamata Tenzi.”
9
Mambo akamuti, “Enda zvako ufambe zvakanaka.” Nokudaro akasimuka akaenda kuHebhuroni.
10
Abhusharomu ndopaakabva zvino atuma nhume kumadzinza ose eIsiraeri neshoko rokuti, “Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda imi itii, ‘KuHeburoni Abhusharomu ava mambo.’ ”
11
Abhusharomu akaenda namazana maviri avarume vaakanga akoka kuJerusaremu, vakaenderamo zvavo vasina chavaiziva.
12
Abhusharomu paaingunopira zvibayiro kudaro akatumira shoko rokuti VaAhitoferi muGati jinda raDhavhidhi riuye kubva kuguta rokwaro reGiro. Kupanduka uku kwakaramba kuchingokura, uye vateveri vaAbhusharomu vakaramba vachiwanda.
13
Imwe nhume yakasvika pana Dhavhidhi ikati, “Uku mwoyo yavanhu yava pana Abhusharomu.”
14
Dhavhidhi akabva ati kumakurukota ake ose aaiva navo muJerusaremu. “Ngatisimukei titize hatingambopunyuki pana Abhusharomu. Ngatikurumidzei, nokuti angakurumidze akativinga akatibata akatipinza munyatwa akaparadza guta namapakatwa.”
15
Makurukota amambo akati kwaari, “Isu makurukota enyu mambo takagadzirira kuita zvose zvamunenge, imi mambo changamire mati zviitwe.”
16
Nokudaro mambo akabuda, mhuri yake yose ikamutevera. Akasiya varongo vake gumi vakachengeta muzinda.
17
Mambo akabuda vanhu vose vakamutevera, vakandomira vava paimba yokupedzisira.
18
Makurukota ake ose akapfuura paakanga ari vakaenda mberi pamwechete nevaKereti vose nevaPereti vose namakumi matanhatu ose avaGiti vakanga vamutevera kubva kuGati.
19
Mambo vakati kuna Itai muGiti, “Ko, chawava kuenderawo nesu chiiko? Dzokera iwe, undogaraka zvako namambo uyu, nokuti iwe uri mutorwaka iwe uye uri kutopotera zvako kuno pawakatiza kumusha kwako.
20
Iwe wakangosvikawo nezuro uno, ndiwe here wandingati utunhaire nesu ndisingazvizivi kudai kuti kwatiri kuenda ndokupi. Dzokera utorewo hama dzako uende nadzo, nemwoyo wakanaka uye nekutendeseka.”
21
Asi Itai akapindura mambo achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu nemiwo sezvamuripo kudai mambo changamire, kungave kufa kana kurarama, mambo changamire, kwamunenge muri, ini muranda wenyu ndokwandichave.”
22
Dhavhidhi ndokuti kuna Itai, “Ko chipfuuraka zvako.” Itai muGiti akabva apfuura navanhu vokwake nepwere dzaakanga anadzo.
23
Nyika yose yakahwihwi kuchema pavaingunopfuura nepo. Mambo akayambuka kakova keKidhironi vanhu vose vakafamba vachienda kurenje.
24
Abhiatari akakwidzawo ikoko, Zadhoki ndokuendawoko nevaRevhi vose vakanga vakatakura bhokisi raMwari rechitenderano. Vakaisa pasi bhokisi raMwari rechitenderano kusvikira vanhu vose vabuda muguta imomo.
25
Mambo akazoti kuna Zadhoki, “Takurai bhokisi raMwari rechitenderano mudzokere muguta. Kana Tenzi akandiitira mwoyochena wake achandidzosa ndigoriona, iro nenzvimbo yaanogara.
26
Asi kana akati, handichafadzwa newe, inga ndiri pano wani regai aite zvake kwandiri zvaanenge aona kuti zvakanaka.”
27
Mambo akatiwo kumupristi Zadhoki, “Chionaika, imi mochidzokera zvenyu zvakanaka muguta imi naAbhiatari navana venyu vakomana ava, Ahimaazi mwana wenyu imimi naJonatani mwana waAbhiatari.
28
Chinzwaika, ini ndichandomira ndiri pokuyambuka napo kuenda kurenje kusvikira ndanzwa shoko ramuchanditumira.”
29
Saizvozvo Zadhoki naAbhiatari vakadzokera nebhokisi raMwari rechitenderano kuJerusaremu vakabva vasaramo zvavo.
30
Asi Dhavhidhi akakwira makata echikomo cheMiorivhi, akafamba achisvimha misodzi akafukidza musoro asina kana shangu mumakumbo. Vanhu vose vaaiva navo vakafukidzawo musoro vakakwira vakafamba vachihwihwidza kuchema.
31
Kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko richiti, “Ahitoferi atovawo mumwe wavapanduki pamwechete naAbhusaromu.” Dhavhidhi akati, “Ndapota zvangu Tenzi. Dai zvenyu mukasandura ungwaru hwaAhitoferi mukahuita upenzi.”
32
Pakasvika Dhavhidhi pamusoro pacho painamatirwa Mwari, ndipo pakabvawo pati Hushai muAriki vhu kusvika kuzoonana naye vaine hanzu yakabvaruka ivhu riri mumusoro.
33
Dhavhidhi akati kwaari, “Ndikati ndiende newe kutozvipa nhamo kwandingaite.
34
Asi kutoti iwe wochidzokera zvako kuguta wondoti kuna Abhusharomu, mambo regai zvenyu ndive gurukota renyu sezvo ini ndanga ndiri gurukota rababa venyu mazuva apera aya. Saka zvino regai zvenyu ndichivawo gurukota renyu zvangu. Ndopaungatozondipazanisira Ahitoferi mazano ake.
35
Inga wani Zadhoki naAbhiatari vapristi vanenge vanewe ikoko. Saka zvose zvamunenge manzwa nezvokumba kwamambo mobvawo mataurira Zadhoki naAbhiatari vapristi.
36
Ikoko vane vana vavo vakomana vaviri, vana Ahimaazi mwana waZadhoki naJonatani waAbhiatari. Ndovamuchapota muchituma neshoko kwandiri kuwana chose chamunenge mangonzwa chete.”
37
Nokudaro Hushai shamwari yaDhavhidhi akadzokera kuguta akasanganidzana naAbhusharomu achitopindawo muJerusaremu.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24