bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 3
2 Samuel 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Kwakaitika hondo kwenguva ndefu kwazvo pakati pemhuri yokwaSauro neyokwaDhavhidhi. Dhavhidhi akaramba achisimbarara, uku vemhuri yokwaSauro vakaramba vachiderera.
2
Dhavhidhi wakabereka vana vakomana kuHebhuroni. Dangwe rake ndiAmoni waakaberekerwa naAhinoamu wokuJezireeri.
3
Wechipiri ndiKireabhu waakaberekerwa naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari wokuKarimeri. Wechitatu ndiAbhusharomu waakaberekerwa naMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri.
4
Wechina ndiAdhoniya waakaberekerwa naHagiti. Wechishanu ndiShefatiya waakaberekerwa naAbhitari.
5
Wechitanhatu ndiItireamu wokuEgira mudzimai waDhavhidhi Ivava ndovana vaDhavhidhi vakomana vakaberekerwa muHebhuroni.
6
Hondo payaingunotsviriridza kudaro pakati pemhuri yokwaSauro nemhuri yokwaDhavhidhi, Abhuneru akanga achitoita kuti ukuru hwake hudzike midzi mumhuri yokwaSauro.
7
Zvino Sauro aiva nomurongo wake ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Ishibhosheti akabvunza Abhuneru kuti, “Wapindwa nei kubva wapinda mumba nomurongo wababa vangu?”
8
Abhuneru akashatiriswa kwazvo nezvakataurwa naIshibhosheti izvi akati, “Heya unoti ndiri mbwaka ini, yokwaJudha? Iye nhasi uno ndiri munhu ano mwoyochena kumhuri yokwaSauro, baba vako nokuvakoma navanun'una vavo, neshamwari dzavo. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Asi zvino wava kundipa mhosvaka iwe yezvomukadziwo zvake.
9
Mwari ngaandione, asve andiomesera kwazvo iyeni Abhuneru kana ndikarega kuchiitira Dhavhidhi zvaakamutsidzira,
10
zvokubvisa umambo mumba yokwaSauro agoita kuti umambo hwaDhavhidhi hudzike midzi muIsiraeri nokwaJudha, kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha.”
11
Ishibhosheti haana kana kuzokwanisa kumupindura chinhu nokuti akanga ava kumutya.
12
Abhuneru akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kundoti, “Muridzi wenyika ino ndiani? Imi neni ngatiitei chibvumirano. Zviripo ndezvizvi ini ndichakubatsirai kuunganidza Isiraeri yose kwamuri.”
13
Akati, “Zvakanaka, ngatiitei zvedu chibvumirano. Asi chinhu chimwechete chandinokumbira kwauri ndechichi chokuti: handidi kuonana newe kusatoti wauya naMikari, mukunda waSauro paunouya kuzondiona.”
14
Dhavhidhi akabva atumirawo nhume kuna Ishibhosheti mwanakomana waSauro kundoti, “Ndipe kuno mukadzi wangu, Mikari wandakaroora nezana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia.”
15
Ishibhosheti akatumirawo nhume akamutora kumurume wake Paritieri mwana wavaRaishi.
16
Asi murume wake akaendawo naye achimutevera achichema nzira yose kusvikira kuBhahurimu. Abhuneru akazomuti, “Chienda, chidzokera.” Iye ndokudzokera.
17
Abhuneru akataurirana navakuru vakuru vokwaIsiraeri kuti, “Kwenguva yapera iyi manga muchingunotsvaka kuti Dhavhidhi ave mambo wenyu.
18
Zvino dai machiita zvenyu kudaro nokuti Tenzi akatotsidzira Dhavhidhi kuti, ‘Ndichashandisa muranda wangu, Dhavhidhi kununura vanhu vangu vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia nomumaoko avavengi vavo vose.’ ”
19
Abhuneru akataurawo nevokwaBhenjamini akandosvitsawo munzeve dzaDhavhidhi kuHebhuroni, zvinhu zvose zvakanga zvakanaka mukuona kwevokwaIsiraeri nomukuonawo kwavose vedzinza rokwaBhenjamini.
20
Abhuneru akasvika kuna Dhavhidhi kuHebhuroni aina makumi maviri avarume. Dhavhidhi akaitira Abhuneru navarume vaaiva navo mabiko.
21
Abhuneru akati kuna Dhavhidhi, “Chiregai ndisimuke ndiende zvangu ndindounganidza Isiraeri yose pasi penyu mambo, changamire kuti vaite chibvumirano nemi uyewo kuti mugotonga nyika yose imi muchifadzwawo nazvo.” Naizvozvo Dhavhidhi akati Abhuneru aende zvake, Abhuneru ndokuenda zvake zvakanaka.
22
Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka.
23
Pakasvika Joabhu nehondo yose yaaiva nayo, vanhu vakataurira Joabhu kuti, “Abhuneru mwanakomana waNeru auya kuna mambo, ivo vatomurega zvavo akaenda, akatoendawo zvake zvakanaka.”
24
Joabhu akabva aenda kuna mambo akati, “Ko ndochii ichochi chamaita? Abhuneru kutouya zvake kwamuri kuno, sei imi mamurega achienda? Kuendaka kwaatoita ikoku.
25
Zivai kuti Abhuneru mwana waNeru chaichoicho chaanga avinga kuno kuzokunyengedzai nokuongorora mafambiro enyu nokuzivurura zvose zvamuri kuita.”
26
Joabhu paakangoti ibvei pana Dhavhidhi, akatuma nhume kutevera Abhuneru. Dzakadzoka naye kubva kutsime repaSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva.
27
Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura.
28
Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru.
29
Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!”
30
Ndozvakaita Joabhu nomunun'una wake Abhishai, vakauraya Abhuneru nokuti Abhuneru akanga auraya munun'una wavo Asaheri muhondo kuGibheoni.
31
Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha.
32
Vakaviga Abhuneru kuHebhuroni. Mambo vakaridza mhere vakahwihwidza kuchema vari paguva raAbhuneru, vanhu vose vakahwihwidzawo kuchema.
33
Dhavhidhi akaimba rwiyo rwengondo kuchema Abhuneru achiti: “Abhuneri kufa here chokwadi serema kudai.
34
Haunaka iwe kumbosungwa maoko; makumbo ako ngetani hadzizivi. Mufiro wako ndowa avo chete, vanofa mumaoko avakaipa.” Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema.
35
Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!”
36
Vanhu vakazviona zvikavafadza. Zvose zvakaitwa namambo zvakafadza vanhu vose.
37
Naizvozvo vanhu vose nevokwaIsiraeri vose vakazviziva zuva iroro kuti chakanga chisiri chido chamambo chokuti Abhuneru mwanakomana waNeru aurayiwe.
38
Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo?
39
Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24