bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 17
2 Samuel 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Zvimwewo zvakataurwa naAhitoferi kuna Abhusharomu ndezvokuti, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndiende usiku hwanhasi kundoronda Dhavhidhi,
2
ndimusvikire akaneta arasa mwoyo ndigomupazamisa musoro, vanhu vose vaanavo vamudzvamuke kutiza. Iye mambo wacho chete ndiye wandichapfuudza,
3
ndigodzoka navanhu vacho vose kwamuri somuroora ari kuuya kumusha kwomurume wake. Chenyu imimika kupfuudza munhu mumwechete chete, vanhu vose vobva vapinda zvavo murunyararo.”
4
Zano iri rakafadza Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri.
5
Abhusharomu akabva ati, “Chimbotidaidziraiwo Hushai wokuAriki tinzwewo zvaanoreva.”
6
Pakauya Hushai kuna Abhusharomu, Abhusharomu akati kwaari, “Zano ratapiwa naAhitoferi nderiri toritevera here? Kana risiri iro, ko iwe unotiwo kudii?”
7
Hushai akati kuna Abhusharomu, “Zano rapiwa naAhitoferi rwendo runo harina kunaka.”
8
Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe.
9
Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’
10
Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo.
11
Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo,
12
tigomusvikira paanenge ari ipapo toti paari ware ware sedova riri kudonhera pasi zvokuti iye navanhu vose vaanavo parege kuwanikwa kunyange nomumwe anopunyuka.
13
Kana akapotera mune rimwe guta, pakadaro apo Isiraeri yose inoti tambo kokoto kuvinga guta racho torikwekweretsera mubani kudzamara pasara pasisina kunyange katombo zvako.”
14
Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa.
15
Hushai akazonyevera Zadhoki naAbhiatari vapristi achiti, “Zano ranga rapiwa naAhitoferi kuna Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri nderiri, iniwo randazopa nderiri.
16
Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.”
17
Izvozvo Jonatani naAhimaazi vakanga vakamira kuEnirogeri. Mumwe muranda wechikadzi ndiye aitopota achindovanyevera, ivowo vachindozvisvitsa kuna mambo Dhavhidhi nokuti ivo havaifanira kuonekwa vachipinda muguta.
18
Asi mumwe mukomana akavaona akandozvisvitsa kuna Abhusharomu, vakomana vaye vari vaviri vakakurumidza kubvapo vakaenda kumba kwomumwe murume akanga ane mugodhi wemvura muchivanze chake kuBhaurimu vakapindamo.
19
Mudzimai akafukidza pamuromo wemugodhi wemvura akabva ayanika mbesanwapo nokudaro hazvina akaziva.
20
Makurukota aAbhusharomu paakasvika kumudzimai uyu pamusha apa vakati, “Ahimazi naJonatani vari kupi?” Mukadzi uyu ndokuvati, “Vayambuka kakova ako.” Vakavatsvaka vakavashaya vakadzokera Jerusaremu.
21
Pavakangoti endei, varume vaye vakabva vabuda mumugodhi wemvura uya vakandotaurira mambo Dhavhidhi. Vakabaira Dhavhidhi zanhi, vachiti, “Chitosimukai mukurumidze kuyambuka rwizi nokuti uku vaAhitoferi vapa vanhu zano kuti pawane chinoitwa kwamuri.”
22
Dhavhidhi akabva asimuka navanhu vose vaaiva navo vakayambuka Jorodhani. Kunze kwakazosara kwoedza kusisina kana nomumwe akanga asara kumhiri asina kuyambuka.
23
Ahitoferi paakaona kuti zano rake harina kuteverwa, akati padhongi rake kata achibva aenda kumusha, kuguta rokwake. Akasiya aronga zvomumusha make ndokubva azvisungirira akafa, ndokuvigwa muguva rababa vake.
24
Dhavhidhi akasvika kuMahanaimu. Abhusharomuwo akayambuka Jorodhani navarume vose vokwaIsiraeri.
25
Abhusharomu akanga asarudza Amasa kuti ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaiva yaJoabhu. Amasa uyu akanga ari mwanakomana womumwe murume wechiIshimaeri ainzi Itira akanga akaroora Abhigari mwana wavaNahashi aiva mukoma nomunun'una naZeruya amai vaJoabhu.
26
VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo mudunhu rokwaGireadhi.
27
Pakasvika Dhavhidhi kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana wavaNahashi wokuRabha muAmoni naMakiri mwanakomana waAmieri wokuRodhebhari pamwechete naBharizirai muGireadhi wokuRogerimu
28
vakaunza mibhedha namadhishi, nehari nekoroni nebhari nembesanwa dzakakangwa nebhinzi nenyemba
29
kwouya uchi nomukaka wakakora nehwai nechizi yavakawana kuzvipfuwo zvavo zvokuti Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vawane chokudya, nokuti vaiti kurenje uku vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24