bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 19
2 Samuel 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Joabhu akataurirwa kuti mambo vari kuhwihwidza kuchema Abhusharomu.
2
Nokudaro kukurira kwakanga kwaita hondo musi iwoyo kwakasanduka kukava kusuruvara kwavanhu vose sezvo musi iwoyo vanhu vakanzwa zvichinzi mambo vari kutorwadziwa mwoyo kwazvo nezvemwanakomana wavo.
3
Varwi vakapinda muguta vachiita zvokuverevedza musi iwoyo sezvinongoita varwi vari kunyara vanenge vachitiza muhondo.
4
Izvozvo mambo akanga akabata uso achiridza mhere achiti, “Yowe, mwanagu Abhusharomu, Abhusharomu kani, mwana wangu. Nhai mwanangu we-e.”
5
Ndokubva Joabhu apinda mumba muna mambo ndokuti, “Inga nhasi manyadzisa makurukota ose enyu ari kukununurai upenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu noupenyu hwavakadzi venyu nohwavarongo venyu
6
nezvamuri kuita izvi zvokuda vari kukuvengai muchivenga vari kukudai nokuti muri kutoratidzaka pachena imi kuti hamuna basa navatungamiriri vehondo kana namakurukota. Ndinodaro nokuti dai nhasi Abhusharomu anga ari mupenyu isu tose tirisu tafa, kwamuri ndozvanga zvakanaka.
7
Saka zvino chisimukai mubude mundonyengetedza makurukota enyu nokuti ndinopika naTenzi kuti kana musina kubuda, vanhu vose vanokudzvamukai nhasi uno mosara musisina wamunaye usiku hwanhasi. Izvi ndozvingazova zvakaipisisa kwazvo pane zvose zvakambokuwirai kubvira pauduku hwenyu kusvikira pari nhasi.”
8
Mambo akasimuka akandogara pasuo guru reguta kwakasvitswa shoko kuvanhu rokuti mambo agere kusuo guru. Vanhu vose vakauya kuna mambo. Izvozvo vokwaIsiraeri vakanga vaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo.
9
Vanhu vose vaiitirana nharo mumadzinza ose eIsiraeri vachiti, “Mambo akatinunura kuvavengi vedu. Iye pachake akatinunura kuvaFirisitia asi zvino akatiza munyika muno pamusana paAbhusharomu.
10
Asika Abhusharomu watakanga tagadza umambo akafa muhondo. Ko zvino morambirei makangoti zi-i zi-i musingataure nezvokuti mambo achidzoka zvake?”
11
Mambo Dhavhidhi akatumira Zadhoki naAbhiatari vapristi shoko rokuti, “Taurirai vakuru vakuru vokwaJudha kuti madirei kuva ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake kumba kwake?
12
Imi vacho ndimi hama dzangu. Muri hama dzangu chaidzo, vanhu veropa rimwechete neni. Madirei kuva imi ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake?
13
Iti kuna Amasa, ko zvauriwezve muzukuru wangu chaiye wani weropa rimwechete neni? NaMwari chaiye ngapave nechinondiwana kana iwe usiri mutungamiriri wehondo yangu kubvira iyezvino zvichienda mberi panzvimbo yanga iri yaJoabhu.”
14
Vanhu vose vokwaJudha vakatorwa mwoyo nazvo vakaita mwoyo mumwechete vakatumira kuna mambo shoko rokuti chidzokai zvenyu kuno iyemi mose namakurukota enyu ose.
15
Saizvozvowo mambo akadzoka akasvika muna Jorodhani. Vanhu vokwaJudha vakaenda kuGirigari kundochingura mambo nokuyambutsa mambo Jorodhani.
16
Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akakurumidzawo kudzikako pamwechete nevokwaJudha kundochingurawo mambo Dhavhidhi.
17
Shimei uyu aivawo pamwechete navarume chiuru chimwechete vokwaBhenjamini. Zibha muranda wokwaSauro pamwechete navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri vakakurumidza kudzikawo kuna Jorodhani kuna mambo.
18
Vakayambuka zambuko kundotora mhuri yokwamambo yomumba nokuitawo zvainge zvichidiwa namambo. Shimei mwana wavaGera akati pasi gwadagwa pana mambo pakanga mambo oda kuyambuka Jorodhani.
19
Akati kuna mambo, “Mambo, dai mukandiregererawo mhosva yangu changamire muregewo zvenyu kufunga kukanganisa kwandakaita kwamuri zuva riya ini muranda wenyu mambo changamire pamaibva kuJerusaremu. Regai zvenyu kana kuzviisa mumwoyo
20
nokuti ini muranda wenyu ndinoziva kuti ndakatadza. Chionai kuti ndabva ndava ndini wokutanga kumhuri yose yokwaJosefi kudzika kuno kuzochingurana nemi mambo changamire.”
21
Abhishai mwanakomana waZeruya akapindura achiti, “Pamusana paizvozvo, Shimei haafanire kufa here zvaakatuka muzodzwa waTenzi?”
22
Asi Dhavhidhi akati, “Munei nazvo nhaimi vana vokwaZeruya zvamava kuita sokunge muri kuda kutorwisana neni nhasi uno? Ndiro zuva here ringaurayiwe munhu muIsiraeri irori randava kuziva racho kuti ini ndini mambo weIsiraeri?”
23
Saka mambo akati kuna Shimei, “Iwe hausi kuzofa,” mambo akatomutsidzira nemhiko.
24
Mefibhosheti muzukuru waSauro akadzikawo kundochingura mambo. Kubvira zuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka zvakanaka, Mefibhosheti uyu haana kumboshamba makumbo ake kana kudimurira ndebvu dzake kana kusuka mbatya dzake.
25
Paakabva kuJerusaremu akasvika pana mambo akati kwaari, “Wakaregerereiko kuenda neni nhai Mefibhosheti?”
26
Iye ndokuti, “Mambo wangu changamire, ini muranda wenyu ndakaremara. Saka ndakati kumuranda wangu, sungira chityaro padhongi rangu nditasve ndiendewo namambo. Asi muranda wangu Zibha akandinyengedza.
27
Akauya kwamuri imi mambo changamire akandireva ini muranda wenyu. Zvino imi mambo wangu changamire makaita somutumwa waMwari, naizvozvo, imi, itai zvamunenge muchida zvenyu.
28
Mhuri yose yokwababa vangu, chavo chavaifanira kuwana kwamuri mambo changamire rufu chete. Asi imi makatoita zvenyu kuti ini muranda wenyu ndivewo pakati pevanodya pamwechete nemi patafura. Pakadaro chii chingandipe kunge ndichakumbira zvimwe kuna mambo?”
29
Mambo akati kwaari, “Chaucharamba uchitaurira nyaya yako iyi chii? Chandinotaura ndechokuti: iwe naZibha govanai munda.”
30
Mefibhosheti akabva apindura mambo achiti, “Chiregai zvake atore wose imi mambo changamire zvamangodzoka zvakanaka kudai kumusha.”
31
Bharizirai wokuGireadhi akanga adzika kubva kuRogerimu kuzoperekedza mambo kusvika muna Jorodhani nokumuyambutsa Jorodhani irworwu.
32
Bhazirai akanga ave harahwa chaiyo, ava namakumi masere amakore. Ndiye akambopa mambo zvokudya paakanga ari kuMahanaimu akanga ari shoroma chaiyo.
33
Mambo akati kuna Bhazirai, “Handei tose kuJerusaremu ndini ndichandokuchengeta.”
34
Asi Bhazirai akadaira mambo achiti, “Mukati ndichagarawo makore mangani amungati ndichange ndichaenderawo namambo kuJerusaremu?
35
Ini ndave harahwa yemakumi masere amakore kudai nhasi uno, chandichazivawo chii, chakaipa kana chakanaka? Munofunga here kuti ini muranda wenyu chokudya chandinodya nechokunwa chandinonwa zvichiri kundinakira here? Zvokuteera varume nevakadzi vanoimba munoti ndichazvigonawo nhai? Madirei zvenyu kuti ini muranda wenyu ndive mumwe mutoro wokukuremedzai mambo changamire?
36
Ini muranda wenyu ndichayambuka Jorodhani nemi mambo ndozongoti fambe-fambei. Ko mambo muchadirei kunditsiva nomuripo wakadai?
37
Ndapota regai zvenyu ini muranda wenyu ndidzokere ndindofira zvangu kuguta rokwangu kuna makuva ababa naamai vangu. Asi muranda wenyuka uyu Kimhamu, ngaayambuke nemi mambo changamire. Ndiye wamungandoitira zvenyu zvamunenge muchida.”
38
Mambo akati, “Kimhamu ndiye achayambuka neni. Ndiye wandichaitira zvamunenge muchida ndichakuitiraiwo zvose zvamunenge muchida.”
39
Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, mambo akayambukawo. Mambo akatsvoda Bharizirai akamukomborera akabva adzokera zvake kumusha kwake.
40
Pakayambukira mambo kuGirigari, Kimhamu akaendawoko naye navanhu vose vokwaJudha nechimwe chikamu chevokwaIsiraeri. Ndivo vakayambutsa mambo.
41
Varume vose vokwaIsiraeri vakauya kuna mambo vakabvunza mambo kuti, “Ko idzo hama dzenyu idzi dzokwaJudha dzaizoita zvokukubai sei kutounza imi mambo kuno nokuyambutsa Jorodhani mhuri yokwamambo navarume vamaiva navo vokwaDhavhidhi vose?”
42
Varume vokwaJudha vose vakati kune vokwaIsiraeri, “Chatadariro ndechokuti ukama hwedu namambo iyeyuka ndohwepedyo chaizvo. Ko zvino chii chaicho chakushatirisai panyaya iyoyi? Pane chamambo chatakadya here isu, kana kuti pane chaakatipa here?”
43
Varume vokwaIsiraeri vakati kune varume vokwaJudha, “Isu tinotova nemigove gumi muumambo uhu uyewo chedu muna Dhavhidhi tinacho kutopinda imi kwazvo. Ko zvino chamakatishora chii? Hatiziri isu here takava vokutanga kutaura kuti mambo achidzoka?” Asi mhinduro yavarume vokwaJudha yakanga yakaomarara kupfuura mhinduro yavarume vokwaIsiraeri.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24