bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Samuel 14
2 Samuel 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
1
Joabhu mwanakomana waZeruya akazviziva kuti mwoyo wamambo wava kuna Abhusharomu.
2
Joabhu akabva atumira munhu kuTekowa kundouya nomumwe mukadzi akangwara. Akati kwaari “Ndapota unofanira kuita somunhu anochema nhamo yorufu upfeke hanzu dzinopfekwa nomunhu ari pakuchema urege kuzora muviri mafuta, uite somukadzi ava namazuva mazhinji achichema munhu akafa,
3
wozoenda kuna mambo utaure kwaari uchidaizvi.” Nokudaro Joabhu akamusoka mazwi okutaura.
4
Mudzimai wokuTekowa uyu paakasvika kuna mambo akati pasi bvurugwada akatyora uso, achimuremekedza, akati, “Ndinunureiwo mambo.”
5
Mambo akati kwaari, “Chakunetsa chii?” Iye akati, “Zvamunoona kudai, ndiri chirikadzi. Murume wangu akafa.
6
Ini muranda wenyu, ndaiva navana vangu vaviri vakamutsana musango pasina wokuvatakanutsa. Mumwe akarova mumwe wake akamuuraya.
7
Zvino mhuri yose yandimukira, ini muranda wenyu vari kuti, ‘Tipe kuno munhu akauraya mumwe wake timuuraye pamusana peropa romumwe wake waakauraya. Nokudaro vanenge votourayawo mugari wenhaka. Ipapo vanenge votondidzimira chitsiga chomoto changa chasara, zita romurume wangu rigorova, pobva porega kuwanika nowakewo anozosara panyika.’ ”
8
Mambo ndokubva ati kumukadzi uyu, “Chimbodzokera zvako kumusha kwako, ini ndichataura zvinofanira kuti zviitwe panyaya yako iyi.”
9
Mudzimai wokuTekowa akati kuna mambo, “Mhosva iyi ngaive zvayo yangu, mambo changamire neyemhuri yokwababa vangu. Ngairege zvayo kunhanhira imi mambo nevemba yenyu.”
10
Mambo akati, “Kuwana anenge angotaura kana chii zvacho, muunze kuno kwandiri haazombofa akakugunzva zvakare.”
11
Iye akati, “Ndapota zvangu, dai mambo mukapika zvenyu naTenzi, Mwari wenyu muti mutsividzi weropa arege kunge achauraya munhu, mwanakomana wangu arege kuparara.” Iye ndokuti, “NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna kana ruvhudzi zvarwo rwomwana wako ruchadonhera pasi.”
12
Mukadzi uyu akabva ati, “Mambo ndapota ndingapamhidzewo here kutaura zvimwe kwamuri changamire.” Iye akati, “Taura zvako.”
13
Mukadzi akati, “Madarirei kurongera vanhu vaTenzi zvinhu zvakadai nokuti nomutemero wamaita nyaya iyi matozvipa mhosva, sezvo imi, mambo musina kuti mwana wenyu arovera musango adzoke kuno zvakare?
14
Chedu isu tose kwava kungofa chete, tangova semvura yarasikira pasi isina angaihorere asi Mwari haangambouraya munhu anoronga kuti nyakurova wenyu iyeyo arege kuramba ari munhu akaraswa kudaro.
15
Zvino ndauya kuzotaura izvi kwamuri, mambo changamire, pamusana pokuti vanhu vakaita kuti nditye ndokubva ini muranda wenyu ndati regai nditaure namambo, zvimwe vanganzwe chichemo changu, ini muranda wake.
16
Ndaiti zvimwe mambo vanganzwe vakandinunura mumaoko omunhu anoda kundiuraya pamwechete nomwana wangu munhaka yedu iyi yatakapiwa naMwari.
17
Ini muranda wenyu ndakazvitiwo nechomumwoyo, zvichataurwa namambo changamire wangu ndozvichandigadzanisa mwoyo nokuti, mambo changamire wangu vakaita somutumwa waMwari pakusiyanisa chakanaka nechakaipa. Tenzi, Mwari wenyu ngaave nemi.”
18
Mambo akazoti kumukadzi uyu, “Rega kundivanza pane zvandava kukubvunza zvino.” Mukadzi uyu ndokuti, “Bvunzai zvenyu, mambo changamire.”
19
Mambo akati, “Hauna kutumwa naJoabhu here iwe?” Mukadzi akadavira achiti, “Chokwadi chaicho ndichocho sezvamuripo kudai, mambo changamire. Kana imi mabvunza munhu haawane pokunzvenga-nzvenga napo. Ndiro gurukota renyu Joabhu randituma. Ndiye akandisoka zvose zvandataura, ini muranda wenyu.
20
Gurukota renyu Joabhu ndiro rakaita izvi kuti mamiriro ezvinhu asanduke. Asi, changamire muri munhu akangwara somutumwa waMwari pakuziva zvinhu pasi pano.”
21
Mambo akazoti kuna Joabhu, “Chinzwa, ndakubvumidza, enda undodzosa mukomana uyu Abhusharomu uuye naye kuno.”
22
Joabhu akati pasi gwadagwa achimuremekedza. Joabhu akarumbidza mambo achiti, “Nhasi uno, ini muranda wenyu, ndazoona kuti munondida, mambo changamire nokunzwa kwamaita chichemo changu, ini muranda wenyu.”
23
Saizvozvo Joabhu akasimuka akaenda kuGeshuri akaunza Abhusharomu kuJerusaremu.
24
Zvakadaro zvazvo mambo akati, “Ngaaende kumba kwake. Kwandiri kuno uku ngaarege kutsika.” Saizvozvo Abhusharomu akaenda kumba kwake, kwamambo akaregawo kusvika.
25
MuIsiraeri yose makanga musina munhu airumbidzwa saAbhusharomu pachimiro. Kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake akanga asina chinoshoreka.
26
Aiti kana ogera musoro wake, bvudzi raaigera kupera kwegore roga roga rava kumuremera airiera. Uremo hwaro hwaiita makirogiramu maviri maererano nomwero wokwamambo.
27
Abhusharomu akabereka vana vakomana vatatu nemwana musikana mumwechete ainzi Tamari aive akanaka kwazvo.
28
Abhusharomu akagara muJerusaremu makore maviri chaiwo azere, kwamambo asingambokutsika.
29
Abhusharomu akati Joabhu auye amutume kuna mambo, asi Joabhu akaramba kuuya kwaari. Akatumirazve nhume kwaari rwechipiri asi Joabhu akaramba.
30
Abhusharomu akazoti, “Handiti munda waJoabhu uri kumuganho nowanguka, ane bhari irimo, endai muupise nomoto.” Nokudaro varanda vakandoupisa nomoto.
31
Joabhu ndokubva asimuka oenda kuna Abhusharomu kumba kwake ikoko. Akamuti, “Ko, varanda vako vapisireiko munda wangu?”
32
Abhusharomu ndokuti kuna Joabhu, “Ndakakutumiraka shoko iwe kuti uuye kuno ndikutume kuna mambo kundoti, ‘Ko, ndakabvireiko kuGeshuri? Zvaitova nani kuti ndinge ndichiriko nazvino.’ Saka zvino regai ndisvike kwamambo. Kana ndiine mhosva andiuraye zvake.”
33
Joabhu akaenda kuna mambo akamutaurira. Mambo akabva ati Abhusharomu auyeko. Saka akauya kuna mambo ndokuti gwadagwa pasi pana mambo, mambo ndokubva atsvoda Abhusharomu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24