bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 10
Acts 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
1
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
2
munhu, wainamata nowaitya Mŋari, iye naʋeimba yake yose, waipa ʋanhu ɀipo ɀizhinji, nokunyeŋgetera kunaMŋari misi yose.
3
Ɀino neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe yezuʋa akaʋona kwaɀo, neɀaakaratidzwa, mutumŋa waMŋari acipinda kwaari, aciti kwaari: Kornerio!
4
Iye akamutarisisa, akatya, akati: Cinyiko Ishe? Akati kwaari: minyeŋgetero yako neɀipo ɀako ɀakwira pamberi paMŋari, ɀaraŋgarirwa.
5
Ɀino tuma ʋarume Jopa kundoɗana Simoni, unotumidzwa Petro.
6
Unogara nomumŋe unonzi Simoni, musuki wamatebge, imba yake iri paguŋgwa.
7
Ɀino mutumŋa, wakataura naye, wakati abva, akaɗana ʋaranda ʋake ʋaʋiri nomurwi wakarurama pakati paʋaisimushumira,
8
akaʋaʋudza ɀose, ndokuʋatumira Jopa.
9
Ɀino fume maŋgwana ʋaciri parwendo, ʋaʋa pedyo neguta, Petro akakwira pamsoro peimba kundonyeŋgetera neŋguʋa ineŋge yecitanhatu.
10
Akaziya kwaɀo, akaɗa kudya; ɀino ʋakati ʋacagadzira, akaɓatwa mŋeya;
11
akaʋona ɗeŋga razarurwa, necimŋe cinhu ciciɓuruka somuceka mukuru unoɓurusirwa pasi wakasuŋgwa miromo minna.
12
Maiʋa nemhuka dzose dzinamakumbo manna neɀinokambaira ɀenyika, neshiri dzeɗeŋga.
13
Inzwi rikaʋuya kwaari, riciti: Simuka Petro, ɓaya, udye.
14
Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina‐kutoŋgodya cinhu cisakanaka, cinetȿina.
15
Ipapo inzwi rikaʋuya ɀe kwaari rwecipiri, riciti: Cakanatswa naMŋari, usati, cinetȿina iwe.
16
Iɀoɀo ɀikaitwa katatu, cinhu cikakwidzwa pakarepo kuɗeŋga.
17
Ɀino Petro wakati acakaŋganiswa mumŋoyo make, kuti ciratidzo caakaŋga aʋona caireʋei, tarira ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naKornerio, ʋamira pasuʋo ʋacibvunza imba yaSimoni;
18
ʋakaɗana, ʋakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agere’po.
19
Ɀino Petro, acafuŋga ciratidzo, Mŋeya akati kwaari: Tarira, ʋarume ʋatatu ʋanokutȿaka.
20
Ɀino simuka, uɓuruke, uende naʋo, usiŋganyunyuti, nokuti ndini ndaʋatuma.
21
Ipapo Petro akaɓurukira kuʋarume aʋo, akati kwaʋari: Tarirai, ndini wamunotȿaka; shoko ramaʋuyira ndereiko?
22
Ʋakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mŋari, unorumbidzwa norudzi rwose rwaʋaJuda, wakarairwa naMŋari nomutumŋa mutȿene, kuti akuɗanei kuzoʋuya mumba make, kuti anzwe mashoko kwamuri.
23
Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po. Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
24
Fume ɀe maŋgwana akapinda Kesaria. Ɀino Kornerio wakaŋga akaʋamirira, akakokera hama dzake neshamŋari dzake dzaiɗikanwa.
25
Ɀino Petro wakati acipinda, Kornerio akamuciŋgamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata.
26
Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu ʋo.
27
Ɀino wakati acataura naye, akapinda, akawana ʋazhinji ʋakaʋuŋgana,
28
akati kwaʋari: Imi munoziʋa kuti haɀina‐kufanira kuti muJuda afambidzane nomunhu worumŋe rudzi, kana kuʋuya kwaari. Asi Mŋari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana‐kunaka, kana kuti unetȿina;
29
naiɀoɀo ndaʋuya, ndisiŋgarambi, ɀandaɗanwa; ɀino ndinobvunza kuti mandiɗanireiko.
30
Kornerio akati: Aʋa mazuʋa manna kuȿikira ŋguʋa ino, ini ndakaŋga ndicinyeŋgetera mumba maŋgu neŋguʋa yepfumbamŋe; ipapo ndikaʋona murume amire pamberi paŋgu, aneŋguʋo dzinopenya,
31
akati: Kornerio, kunyeŋgetera kwako kwanzwika, neɀipo ɀako ɀaraŋgarirwa naMŋari.
32
Naiɀoɀo citumira ʋanhu Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebge, paguŋgwa.
33
Naiɀoɀo ndakakurumidza kutuma kwamuri; ɀino maita ɀakanaka, ɀamaʋuya. Ɀino isu tose tiri pano pamberi paMŋari, kuti tinzwe ɀose ɀamarairwa naShe.
34
Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoʋona kuti Mŋari haazi mutsauri waʋanhu;
35
asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, aciita ɀakarurama, unogamucirwa naye.
36
Ndiro shoko, raakatuma kuʋana ʋaIsraeri, aciparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe waʋose).
37
Imi munoziʋa shoko iro rakaparidzwa paJudea rose, rakataŋga paGarirea, shure kwokubapatidza kwakaparidzwa naJohane;
38
raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye.
39
Nesu tiri ɀapupu ɀaɀose, ɀaakaita munyika yaʋaJuda nomuJerusarema; ndiye waʋakaʋuraya, ʋacimuturika pamuti.
40
Ndiye wakamutswa naMŋari nezuʋa retatu, akamupa simba kuti aʋonekwe pacena;
41
akasaʋonekwa naʋanhu ʋose, asi neɀapupu ɀakagara ɀatsaurwa naMŋari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuʋakafa.
42
Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa.
43
Ʋaprofita ʋose ʋanomupupurira kuti nezita rake mumŋe nomumŋe unotenda kwaari ucapiwa kaŋganwiro yeɀiʋi.
44
Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko.
45
Ɀino ʋatendi ʋokudziŋgisa, ʋakaŋga ʋaʋuya naPetro, ʋakashamiswa, nokuti cipo coMŋeya Mutȿene cakaŋga caɗururwa pamsoro paʋahedeni ʋo;
46
nokuti ʋakaʋanzwa ʋacitaura ne dzimŋe ndimi, ʋacirumbidza Mŋari. Ipapo Petro akapindura, akati:
47
Kunomunhu here uŋgadziʋisa mvura, kuti aʋa, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene sesu, ʋarege kubapatidzwa?
48
Ɀino akaraira kuti ʋabapatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo ʋakakumbira kwaari, kuti ambogara mamŋe mazuʋa.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28