bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 21
Acts 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Ɀino takati taparadzana naʋo, tikabva necikepe, tikarurama, tikaȿika Kose; fume maŋgwana tikaȿika Rode; tikabva’po, tikaȿika Patara.
2
Takati tawana’po cikepe, caiyambukira Finikia, tikapinda mukati maco, tikaenda.
3
Takati taʋona Kupro, tikaisiya kuruɓoshwe, ticienda Siria, tikaȿika Tire; nokuti cikepe caifanira kututunura mutoro ipapo;
4
ɀino takati tawana’ po ʋadzidzi, tikagara’po mazuʋa manomŋe; iʋo ʋakati nomŋeya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema.
5
Ɀino takati tapedza’ po mazuʋa, tikabva, tikaenda; iʋo ʋose, naʋakadzi naʋana, ʋakatiperekedza kuȿikira taɓuɗa paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyeŋgetera.
6
Tikawonekana, isu tikaenda kucikepe, iʋo ʋakadzokera kumusha kwaʋo.
7
Isu takati tapedza rwendo ticibva Tire, tikaȿika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuʋa rimŋe naʋo.
8
Fume maŋgwana tikabva’po, tikaȿika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevaŋgeri, mumŋe waʋanomŋe, tikagara naye.
9
Iye wakaŋga anaʋakunda ʋanna, mhandara, ʋaiprofita.
10
Ɀino takati ticigara’po mazuʋa mazhinji, mumŋe muprofita, wainzi Akabo, akaɓuruka acibʋa Judea,
11
akaʋuya kwatiri, akatora banhire raPauro, akaɀisuŋga makumbo namaʋoko ake, akati: Mŋeya Mutȿene unoreʋa kuɗai: Saiɀoɀo ʋaJuda paJerusarema ʋacasuŋga murume, mŋene webanhire iri, nokumuisa pamaʋoko aʋahedeni.
12
Takati ticinzwa iɀoɀo, isu naʋamŋe ʋaipapo tikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema.
13
Ipapo Pauro akapindura, akati: Munoiteiko, mucicema nokuputsa mŋoyo waŋgu? Nokuti ini handina‐kuɀigadzirira kusuŋgwa ɓedzi, asi kunyaŋge kufira zita raShe Jesu paJerusarema.
14
Ɀino wakati aciramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuɗa kwaShe ŋgakuitwe.
15
Mazuʋa iwayo akati apera, tikaroŋgedza, tikakwira Jerusarema.
16
Na ʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye.
17
Ɀino takati ticiȿika Jerusare ma, hama dzikatigamucira nomufaro.
18
Fume maŋgwana Pauro akapinda nesu kunaJakobo; naʋakuru ʋakaŋga ʋari’po ʋose.
19
Akaʋakwazisa, ndokuʋarondedzera, cimŋe necimŋe, ɀakaitwa naMŋari pakati paʋahedeni neɓasa rake.
20
Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakakudza Mŋari, ʋakati kwaari: Hama, unoʋona kuti ʋari’po ʋaneɀuru ɀamazana ɀizhinji ɀaʋaJuda ʋakatenda; ʋose ʋanoshiŋgairira murairo;
21
ɀino ʋakaʋudzwa kuti iwe unodzidzisa ʋaJuda ʋose, ʋari pakati paʋahedeni, kuti ʋarambe Mosesi, uciti, ʋarege kudziŋgisa ʋana ʋaʋo, kana kufamba netsika dzomurairo.
22
Ɀino toɗiniko? Ʋacanzwa haʋo kuti waȿika.
23
Naiɀoɀo ita iɀi ɀatinotaura kwauri: Tinaʋarume ʋanna ʋakaɀisuŋga nokupika;
24
uʋatore, uɀinatse pamŋe cete naʋo, uʋaripire, ʋagoʋeʋura misoro yaʋo; ipapo ʋose ʋacaziʋa, kuti haazi mashoko eɀokwaɗi, aʋakaʋudzwa pamsoro pako; asi kuti iwe ʋo unofamba ɀakanaka, uciceŋgeta murairo umene.
25
Asi kana ʋari ʋahedeni ʋakatenda, taka ʋa nyorera, ticiti ʋaɀidzore paneɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge.
26
Ipapo Pauro akatora ʋarume aʋo, akaɀinatsa pamŋe cete naʋo nezuʋa rakateʋera, akapinda mutembere, kuti aziʋise kupera kwamazuʋa okunatsa, kuȿikira mumŋe nomumŋe aɓayirwa ciɓayiro.
27
Ɀino mazuʋa manomŋe akati opera, ʋaJuda ʋeAsia ʋakamuʋona mutembere, ʋakamutsa ʋanhu ʋazhinji, ʋakamuɓata,
28
ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene.
29
Nokuti ʋakaŋga ʋaʋona Trofimo muEfeso, anaye muguta, ʋakati ɀimŋe Pauro wapinda naye mutembere.
30
Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo.
31
Ɀino ʋakati ʋacitȿaka kumuʋuraya, shoko rikakwira kumukuru wecuru camazana, kuti Jerusarema rose ranyoŋganiswa.
32
Iye akatora pakarepo ʋarwi naʋakuru ʋezana, akaɓuruka acimhanyira kwaʋari; iʋo ʋakati ʋaciʋona mukuru wecuru camazana naʋarwi, ʋakarega kuroʋa Pauro.
33
Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko.
34
Ɀino ʋamŋe pakati paʋazhinji ʋakaɗanidzira cimŋe cinhu, ʋamŋe cimŋe cinhu; ɀino iye asiŋgagoni kuziʋa ɀokwaɗi nokuɗa kweɓopoto, akaraira kuti ʋamuise kuimba yaʋarwi.
35
Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji;
36
nokuti ʋanhu ʋazhinji ʋakateʋera, ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Mubvisei!
37
Ɀino oɗa kupinzwa muimba yaʋarwi, Pauro akati kumukuru wecuru camazana: Ndiŋgataura cimŋe nemi here? Iye akati: Unoziʋa ciGiriki here?
38
Ko hauzi uya muEgipita, wakaɗeya kukaŋganisa ʋanhu paŋguʋa yapfuʋura, akaenda naʋaʋurayi ʋaneɀuru ɀinna kurenje here?
39
Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu.
40
Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati:
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28