bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 7
Acts 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai?
2
Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani,
3
akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.
4
Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino.
5
Asi haana‐kumupa nhaka imomo, kunyaŋge paaŋgatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti ucamupa iyo, iʋe yake neyaʋana ʋake ʋaizomuteʋera, asati atoŋgoʋa nomŋana.
6
Mŋari akataura, aciti, ʋana ʋake ʋacaʋa ʋatorwa kunyika yaʋamŋe; ʋacaʋaita ʋaranda, nokuʋaʋonesa nhamo makore anamazana manna.
7
Rudzi rwaʋacaʋa ʋaranda ʋarwo, ndicarutoŋgesa, ndiɀo ɀinoreʋa Mŋari; shure kwaiɀoɀo ʋacaɓuɗa, ʋacandishumira panɀimbo iyi.
8
Akamupa suŋgano yedziŋgiso. Ɀino Abrahama akaɓereka Isaka, akamudziŋgisa nezuʋa rorusere; Isaka akaɓereka Jakobo; naJakobo akaɓereka mateteguru anegumi namaʋiri.
9
Mateteguru ɀaakaŋga acigoɗora Josefa, ʋakamuteŋgesa, akaiswa Egipita; Mŋari akaʋa naye.
10
Akamurwira panhamo dzake dzose, akamuɓatsira kuti aɗikanwe naFarao, mambo weEgipita, aʋe nokucenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weEgipita noweimba yake yose.
11
Ɀino nzara ikaȿika paEgipita yose neKanani, nenhamo huru; madziɓaɓa eɗu akashaiwa ɀokudya.
12
Ɀino Jakobo, wakati anzwa kuti Egipita kuneɀiyo, pakutaŋga akatuma madziɓaɓa eɗu.
13
Pa rwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao.
14
Ɀino Josefa aka ʋa tuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu.
15
Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu;
16
ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.
17
Ɀino ŋguʋa yecipikirwa cakaŋga capikirwa Abrahama naMŋari, yakati icisweɗera, ʋanhu ʋakawanda, ʋakaita ʋazhinji muEgipita;
18
kuȿikira mumŋe mambo akamuka muEgipita, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa.
19
Iye akaɓata rudzi rweɗu namano, akatambudza madziɓaɓa eɗu, akaʋaraira kuti ʋarashe ʋacece ʋaʋo, kuti ʋarege kuraramiswa.
20
Neŋguʋa iyo Mosesi akaɓerekwa, wakaŋga akaiȿo‐naka kwaɀo; akarerwa mŋedzi mitatu mumba maɓaɓa ʋake;
21
ɀino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunoŋga, akamurera kuti aʋe mŋanakomana wake.
22
Mosesi akadzidziswa ʋucenjeri bgose bgaʋaEgipita; akaʋa nesimba pamashoko napamaɓasa ake.
23
Ɀino wakati aȿika makore anamakumi manna, mŋoyo wake ukaɗa kushanyira hama dzake, ʋana ʋaIsraeri.
24
Akaʋona mumŋe aciitirwa ɀisakarurama, ndokumurwira, akaʋuraya muEgipita, acitsiʋa wakaŋga acitambudzwa.
25
Akati, ɀimŋe hama dzake dzicanzwisisa kuti Mŋari wakaŋga aciɗa kuʋaponesa noruʋoko rwake; asi haʋana‐kunzwisisa.
26
Fume maŋgwana akaʋaʋona ʋacikakaʋara, akaidza kuʋayananisa, aciti: Ʋarume, muri hama, munoitirana ɀisakarurama neiko?
27
Ɀino iye wakaŋga aciitira wokwake ɀisakarurama akamusundira kure, aciti: Ndianiko wakakuita muɓati nomutoŋgi weɗu?
28
Unoɗa kundiʋuraya, seɀawakaʋuraya muEgipita zuro kanhi?
29
Mosesi akatiza acinzwa shoko iri, akandoʋa mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandoɓereka ʋanakomana ʋaʋiri.
30
Ɀino makore makumi manna akati apera, mutumŋa akaʋonekwa naye murenje regomo reSinai, mumuraɀo womŋoto mugwenzi.
31
Mosesi akati aciɀiʋona, akashamiswa neɀaakaʋona; ɀino akati acisweɗera kuzocerekedza, inzwi raShe rikanzwika, riciti:
32
Ndini Mŋari wamadziɓaɓa ako, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo. Ipapo Mosesi akaɗeɗera, akatya kucerekedza.
33
Ɀino Ishe akati kwaari: Bvisa shaŋgu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivu dɀene.
34
Ndakaʋona haŋgu kwaɀo kutambudzika kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndakanzwa kugomera kwaʋo, ndaɓuruka kuzoʋarwira; ɀino ʋuya ndikutume Egipita.
35
Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri.
36
Iye akaʋaɓuɗisa, akaita ɀinoshamisa neɀiratidzo munyika yeEgipita, napaGuŋgwa Dɀuku, nomurenje, makore anamakumi manna.
37
Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni.
38
Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa.
39
Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo.
40
Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye.
41
Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo.
42
Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi: Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro Makore makumi manna murenje, imi, imba yaʋaIsraeri here?
43
Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani, Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate; Ndicakutamisai mberi kweBabironi.
44
Madziɓaɓa eɗu aiʋa netabernakeri yoʋucapupu murenje, yakaŋga yakaʋakwa seɀaakaraira iye, wakataura naMosesi, aciti aiite nomufananidzo waakaʋona.
45
Yakati yagamucirwa namadziɓaɓa eɗu, ʋakapinda nayo naJoshua munyika yaʋahedeni, ʋakadziŋgwa naMŋari pamberi pamadziɓaɓa eɗu, kuȿikira pamazuʋa aDavidi;
46
iye akanzwirwa nyasha pamberi paMŋari, akakumbira kuʋakira Mŋari waJakobo pokugara.
47
Soromoni akamuʋakira imba.
48
Asi Wokumsoro‐soro haagari mudzimba dzakaʋakwa namaʋoko, seɀaɀakarebga nomuprofita, aciti:
49
Ƌeŋga ndico cigaro caŋgu coʋushe, Nenyika citsiko cetsoka dzaŋgu; Mucandiʋakira imba yakaɗiniko? Ndiɀo ɀinoreʋa Ishe; Kana nɀimbo yandiŋgazorora pairi ndeipi?
50
Ko ruʋoko rwaŋgu haruna‐kuita iɀoɀi ɀose here?
51
Imi ʋemitsipa mikukutu, musinakudziŋgiswa pamŋoyo nenzeʋe, munogara mucidziʋisa Mŋeya Mutȿene; samadziɓaɓa enyu, nemi ʋo.
52
Ndoupiko pakati paʋaprofita, usina‐kutambudzwa namadziɓaɓa enyu? Ʋakaʋuraya aʋo ʋaiparidza kuʋuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuʋuraya ɀino.
53
Iyemi, makapiwa murairo seɀawakarairwa naʋatumŋa, mukasauceŋgeta.
54
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakamugeɗa‐geɗera meno.
55
Asi iye azere noMŋeya Mutȿene, akatarisisa kuɗeŋga, akaʋona kubginya kwaMŋari, naJesu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari,
56
akati: Tarirai, ndinoʋona ɗeŋga rakazarurwa, noMŋanakomana womunhu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari.
57
Ɀino ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋakadziʋira nzeʋe dzaʋo, ʋakamhanyira kwaari ʋose pamŋe cete;
58
ʋakamuɓuɗisira kunze kweguta, ndokumutaka namabge; ɀapupu ɀikaisa ŋguʋo dzaɀo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.
59
Ʋakataka Stefano, aciɗana aciti: Ishe Jesu, gamucirai mŋeya waŋgu.
60
Akafugama, akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ishe, musaʋapa mhoȿa yeciʋi ici. Akati areʋa iɀoɀo, akaʋata rufu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28