bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 20
Acts 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Ƃopoto rakati ranyarara, Pauro akaɗana ʋadzidzi, akaʋaraira, ndokuwonekana naʋo, akabva aciɗa kuenda Makedonia.
2
Akagura namatiʋi enyika idzo, akaraira ʋatendi namashoko mazhinji, ndokuȿika panyika yaʋaGiriki.
3
Akati agara mŋedzi mitatu, raŋgano yakaipa ikaitwa naʋaJuda pamsoro pake, oɗa kuenda Siria necikepe, akati ndodzokera napaMakedonia.
4
Akaperekedzwa naSopatro weBerea, mŋanakomana waPiro; naAristarko naSekundo ʋeTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; ʋuye Tikiko naTrofimo ʋeAsia.
5
Iʋo ʋakatuŋgamira, ʋakatimirira paTroa.
6
Isu tikabva Firipi necikepe mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso apfuʋura; tikasika kwaʋari paTroa namazuʋa mashanu; tikagara’po mazuʋa manomŋe.
7
Ɀino nomusi wokutaŋga weviki, takaʋuŋgana kuti timeɗure ciŋgwa, Pauro akataurirana naʋo, aciɗa kuenda maŋgwana; akaramba aciparidza shoko kuȿikira pakati poʋusiku.
8
Kwakaŋga kunemŋenje mizhinji muimba yokumsoro, matakaŋga taʋuŋgana.
9
Ɀino pawindi pakaŋga pagere rimŋe jaya, rainzi Yutiko, rikaɓatwa nehope kwaɀo; ɀino Pauro, wakati aciŋgoramba aciparidza, iye akaɓatwa nehope, akawira pasi, acibva paimba yecitatu yokumsoro, akasimudzwa afa.
10
Ipapo Pauro akaɓuruka, akaɀiwisira pamsoro pake, akamufuŋgatira, akati: Musaita ɓopoto, nokuti mŋeya wake uciri maari.
11
Akakwira, akameɗura ciŋgwa, akadya, akataura naʋo ŋguʋa refu kuȿikira kuciedza, ndokuenda.
12
Ʋakaʋuya nomukomana ari mupenyu, ʋakanyaradzwa kwaɀo.
13
Asi isu takatuŋgamirira kucikepe, tikaenda Aso, ticiɗa kutora Pauro ipapo, nokuti wakaŋga araira saiɀoɀo, iye aciɗa kufamba namakumbo.
14
Takati tasoŋgana naye paAso, tikamutora, tikandoȿika Mitirene;
15
tikabva ipapo necikepe, fume maŋgwana tikaȿika pakatarisana neKiyo; fume maŋgwana tikapfuʋura napaSamo; fume maŋgwana ɀe tikaȿika Mireto.
16
Nokuti Pauro wakaŋga ati: Ndicapfuʋura Efeso necikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakaŋga acikurumidza kuti kana aiɀigona aʋe Jerusarema nezuʋa rePentekosta.
17
Ɀino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundoɗana ʋakuru ʋekereke.
18
Ʋakati ʋaȿika kwaari, akati kwaʋari: Imi munoziʋa mugarire waŋgu pakati penyu ŋguʋa dzose, kubva pazuʋa rokutaŋga randakaȿika naro paAsia;
19
ndiciɓatira Ishe nokuɀininipisa ɀikuru, nemisodzi, namaɗambudziko akandiwira neraŋgano dzakaipa dzaʋaJuda;
20
kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose;
21
ndicipupurira kwaɀo ʋaJuda naʋaGiriki, kuti ʋatendeʋukire kunaMŋari, nokutenda kunaShe weɗu Jesu.
22
Ɀino tarirai, ndinoenda Jerusarema, ndasuŋgwa mŋeya waŋgu, ndisiŋgaziʋi ɀicandiwira ikoko;
23
asi kuti Mŋeya Mutȿene unondipupurira kwaɀo muguta rimŋe nerimŋe, kuti kusuŋgwa nenhamo ɀakandigarira.
24
Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari.
25
Ɀino tarirai, ndinoziʋa kuti imi mose, ʋandakafamba pakati penyu, ndiciparidza ʋushe bgaMŋari, hamucazoʋoni ciso caŋgu.
26
Naiɀoɀo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakacena paropa ra ʋanhu ʋose.
27
Nokuti handina‐kutya kukuparidzirai kuɗa kwose kwaMŋari.
28
Ɀicenjerei imi, neɓoka rose ramakaitirwa ʋatariri ʋaro noMŋeya Mutȿene, kuti mufudze kereke yaMŋari, yaakateŋga neropa rake.
29
Ini ndinoziʋa kuti kana ndaenda, mapere anoparadza acapinda pakati penyu, asiŋgaregi ɓoka.
30
Ʋuye, napakati penyu pamene pacamuka ʋarume, ʋacataura ɀinopesanisa, kuti ʋatsause ʋadzidzi ʋaʋateʋere.
31
Naiɀoɀo rindai, muraŋgarire kuti makore matatu handina‐kurega ʋusiku namasikati kuraira mumŋe nomumŋe nemisodzi.
32
Ɀino ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba roku ku ʋakisai, noku ku pai nhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene ʋose.
33
Handinakucocora sirveri, kana ndarama, kana ŋguʋo dzomunhu mumŋe.
34
Munoziʋa imi mumene, kuti maʋoko awa akaɓatira kushaiwa kwaŋgu nokwaʋanhu ʋandaiʋa naʋo.
35
Paɀinhu ɀose ndakakuratidzai, kuti muciɓata muciɗai, munofanira kuɓatsira ʋasinesimba, nokuraŋgarira mashoko aShe Jesu, seɀaakataura amene aciti: Kupa kunomufaro caiwo kupfuʋura kugamucira.
36
Wakati ataura iɀoɀo, akafugama, akanyeŋgetera naʋo ʋose.
37
Ʋakacema ɀikuru ʋose; ʋakawira pamutsipa waPauro, ʋakawonekana naye nokumuȿeta,
38
ʋaneshuŋgu kwaɀo neshoko raakataura rokuti haʋacazoʋoni ciso cake. Ipapo ʋakamuperekedzera kucikepe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28