bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 9
Acts 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Asi Sauro aciŋgoraŋgarira kutyisa nokuʋuraya ʋadzidzi ʋaShe, wakaenda kumuprista mukuru,
2
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa.
3
Ɀino wakati ari parwendo, osweɗera pedyo neDamasko, kamŋe‐kamŋe ciedza cakabva kuɗeŋga cikamupenyera pamatiʋi ose,
4
akawira pasi, akanzwa inzwi riciti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
5
Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso.
6
Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita.
7
Ʋarume ʋaiʋa parwendo naye, ʋakamira ʋanyerere, ʋacinzwa inzwi, asi ʋasiŋgaʋoni munhu.
8
Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko.
9
Akaita mazuʋa matatu, asiŋgaʋoni, asiŋgadyi, asiŋganwi cinhu.
10
Ɀino paDamasko pakaŋga panomumŋe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari neɀaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!
11
Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyeŋgetera;
12
naiye wakaʋona murume, unonzi Ananiasi acipinda, aciisa maʋoko ake pamsoro pake, kuti aʋone ɀe.
13
Ɀino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa naʋanhu ʋazhinji ɀomunhu uyu, kuti wakaitira ʋatȿene ʋenyu paJerusarema ɀakaipa ɀizhinji;
14
napano unesimba raakapiwa naʋaprista ʋakuru, kuti asuŋge ʋose ʋanonamata nezita renyu.
15
Asi Ishe akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanaŋgurwa neni, kuti aende nezita raŋgu kuʋahedeni, namadzimambo, nokuʋana ʋaIsraeri;
16
nokuti ndicamuratidza ɀose, ɀaacafanira kutamburira nokuɗa kwezita raŋgu.
17
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakaɀiratidza kwauri munzira yawakaʋuya nayo, wakandituma, kuti uʋone ɀe, uzadzwe noMŋeya Mutȿene.
18
Pakarepo pameso ake pakabva ɀinhu ɀineŋge mafunhurwa, akaʋona ɀe; akasimuka, ndokubapatidzwa;
19
akadya ɀokudya, ndokusimbiswa. Akagara naʋadzidzi paDamasko mamŋe mazuʋa.
20
Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari.
21
Ʋose ʋakaɀinzwa ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi iye waiparadza ʋaiɗana kuzita iri paJerusarema here, akaʋuyira iɀoɀo pano, kuti aende naʋo ʋakasuŋgwa kuʋaprista ʋakuru?
22
Asi Sauro wakaramba acisimbiswa, akakunda ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere Damasko, aciratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
23
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apera, ʋaJuda ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye.
24
Asi kuraŋgana kwaʋo kwakazikanwa naSauro. Ʋakarinda ʋo masuʋo masikati noʋusiku, kuti ʋamuʋuraye.
25
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamutora ʋusiku, ʋakamuɓurasa naparuȿiŋgo, ʋamuisa mudeŋgu.
26
Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi.
27
Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi.
28
Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo,
29
akaparidza nezita raShe asiŋgatyi. Akataura nokuita nharo naʋaJuda ʋaitaura ciGiriki; asi iʋo ʋakaidza kumuʋuraya.
30
Ɀino hama dzakati dziciɀiziʋa, dzikamuɓurusira Kesaria, ndokumutumira Tarso.
31
Ɀino kereke yakaŋga inorugare paJudea rose, neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, icifamba icitya Ishe, icinyaradzwa noMŋeya Mutȿene.
32
Ɀino Petro wakati acipote‐nyika kwose, akaɓurukira ʋo kuʋatȿene ʋakaŋga ʋagere Rida.
33
Akawana’po mumŋe munhu, wainzi Eneasi, wakaŋga aʋete panhoʋo makore masere, mitezo yake yakafa.
34
Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uɀiwarire nhoʋo dzako! Akasimuka pakarepo.
35
Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere Rida neSaroni ʋakamuʋona, ʋakatendeʋukira kunaShe.
36
Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo.
37
Ɀino namazuʋa iwayo iye akarwara, ndokufa. Ʋakati ʋamushambidza, ʋakamuisa muimba yokumsoro.
38
Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri.
39
Ipapo Petro akasimuka, akaenda naʋo. Wakati aȿika, ʋakamuisa kuimba yokumsoro; cirikadzi dzose dzikamira naye dzicicema, ʋakamuratidza ɀokufuka neŋguʋo, dzaʋakaŋga ʋaitirwa naDorkasi, aciri naʋo.
40
Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara.
41
Akamuɓata noruʋoko rwake, akamusimudza; akaɗana ʋatȿene necirikadzi, akamuisa pamberi paʋo ari mupenyu.
42
Ɀikazikanwa naʋose paJopa; ʋazhinji ʋakatenda kunaShe.
43
Ipapo akagara mazuʋa mazhinji paJopa, kunomumŋe Simoni, musuki wamatebge.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28