bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 16
Acts 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki.
2
Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.
3
Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki.
4
Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete.
5
Naiɀoɀo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuʋereŋgwa kwadzo zuʋa rimŋe nerimŋe.
6
Ʋakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, ʋambodziʋiswa noMŋeya Mutȿene kuparidza shoko paAsia.
7
Ɀino ʋakati ʋaȿika pakatarisana neMisia, ʋakaidza kuenda Bitinia, asi Mŋeya waJesu haana‐kuʋatendera.
8
Ʋakati ʋapfuʋura Misia, ʋakaɓurukira Troa.
9
Ciratidzo cikaʋonekwa naPauro ʋusiku; murume weMakedonia wakaŋga amire, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Yambukira Makedonia, utiɓatsire.
10
Ɀino wakati aʋona ciratidzo, pakarepo tikatȿaka kuenda Makedonia, ticiti, Mŋari watiɗana kuti tindoʋaparidzira Evaŋgeri.
11
Naiɀoɀo takabva Troa necikepe, tikaruramira Samotrake; fume maŋgwana tikaȿika Neapori;
12
tikabva’po, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedonia, raiʋa koroni yeRoma; tikagara mamŋe mazuʋa muguta iro.
13
Nezuʋa resaɓata tikaɓuɗa kunze kwesuʋo kurwizi, pataiti ʋaneŋge ʋanonyeŋgetera’po; tikagara pasi, tikaparidzira ʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po.
14
Ɀino mumŋe mukadzi, wainzi Ridia, muteŋgesi we ŋguʋo tȿuku, womusha weTiatira, wainamata Mŋari, aka ti nzwa; Ishe akazarura mŋoyo wake, kuti aterere ɀaitaurwa naPauro.
15
Wakati abapatidzwa, iye naʋeimba yake, akakumbira ɀikuru, aciti: Kana muciti ndakatenda kunaShe, pindai mumba maŋgu mugare. Akatitendisa.
16
Ɀino takati ticipinda panɀimbo yokunyeŋgetera, tikasoŋgana nomumŋe musikana waiʋa nomŋeya wokuʋuka, waiwanira ʋatenzi ʋake mari zhinji nokuʋuka kwake.
17
Iye akateʋera Pauro nesu, akaɗanidzira, aciti: Ʋanhu aʋa ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ʋanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.
18
Akaita iɀoɀo mazuʋa mazhinji. Ɀino Pauro akafa neshuŋgu, akatendeʋuka, akati kumŋeya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti uɓuɗe kwaari. Ukaɓuɗa neŋguʋa iyeyo.
19
Ɀino ʋatenzi ʋake ʋakati ʋaciʋona kuti tariro yokufumiswa kwaʋo yaenda, ʋakaɓata Pauro naSirasi, ʋakaʋakakatira kuɗare pamberi paʋaɓati,
20
ʋakaenda naʋo kuʋatoŋgi, ʋakati: Ʋanhu aʋa ʋaJuda, ʋanopesanisa guta reɗu,
21
ʋaciparidza tsika. dzatisinakutenderwa kugamucira, kana kuita, isu ʋaRoma.
22
Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋamukira ʋose, ʋatoŋgi ʋakaʋabvarurira ŋguʋo dzaʋo, ʋakaraira kuti ʋarobge neshamhu.
23
Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo.
24
Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda.
25
Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera.
26
Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka.
27
Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza.
28
Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose.
29
Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda;
30
akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
31
Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.
32
Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make.
33
Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake.
34
Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari.
35
Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya.
36
Murindi wetoroŋgo akaʋudza Pauro mashoko iwayo, aciti: Ʋatoŋgi ʋatuma shoko kuti musunuŋgurwe; naiɀoɀo ɓuɗai henyu ɀino, muende norugare.
37
Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise.
38
Mapurisa akaʋudza ʋatoŋgi mashoko iwayo; ʋakatya ʋacinzwa kuti ʋaRoma;
39
ʋakaȿika, ʋakakumbira ɀikuru kwaʋari; ʋakaʋaɓuɗisa, ndokukumbira kuti ʋabve muguta raʋo.
40
Ipapo ʋakaɓuɗa mutoroŋgo, ʋakapinda mumba maRidia; ʋakaʋona hama, ʋakaʋanyaradza, ndokuenda.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28