bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 24
Acts 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Ɀino mazuʋa mashanu akati apfuʋura, Ananiasi, muprista mukuru, akaɓuruka naʋamŋe ʋakuru, nomumŋe mureʋeri, wainzi Terturo; ʋakamhaŋarira Pauro kumuɓati.
2
Iye akati aɗanwa, Terturo akataŋga kumupomera mhoȿa aciti: Ɀatinoʋona rugare rukuru nemi, norudzi urwu ɀarunoruramisirwa mhoȿa nokuɓata kwenyu kwakanaka;
3
tinoɀigamucira nemitoʋo yose napanɀimbo dzose nokuʋoŋga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira ɀikuru.
4
Asi, ɀandisiŋgaɗ’i kukunonosai, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti mutinzwei neŋgoni dzenyu ɀishomanene.
5
Nokuti takaʋona kuti murume uyu wakashata kwaɀo, unomutsa ɓope paʋaJuda ʋose panyika dzose, ari mutuŋgamiriri weɓoka raʋaNazareni.
6
Iye wakaidza ʋo kushatisa tembere, tikamuɓata, [ticiɗa kumutoŋga nomurairo weɗu.
7
Asi Risia, mukuru wecuru camazana, ndokuʋuya, akamubvisa mumaʋoko eɗu nesimba guru,
8
akaraira ʋanomupomera kuti ʋaʋuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, mucagona kuziʋa iɀoɀo ɀose ɀatakamukwirira naɀo.
9
NaʋaJuda ʋakabvumira ʋo pakumhaŋara, ʋakasimbisa kuti ɀinhu iɀoɀo ndiɀo.
10
Ɀino muɓati wakati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Ɀandinoziʋa kuti maʋa mutoŋgi waʋanhu aʋa makore mazhinji, ndinoɀiɗaʋirira nomufaro,
11
nokuti munzwe kuti mazuʋa acigere kupfuʋura gumi namaʋiri, kubvira paŋguʋa yandakakwira Jerusarema kundonamata.
12
Haʋana‐kundiwana ndiciita nharo mutembere nomunhu, kana kumutsa ɓope mumasinagoge kana muguta;
13
haʋaŋgagoni ʋo kusimbisa kwamuri iɀo ɀaʋanondipomera naɀo ɀino.
14
Asi ndinotenda haŋgu kwamuri, kuti ndinoshumira Mŋari wamadziɓaɓa eɗu neNzira, yaʋanoti idzidziso yakatsauka, ndicitenda ɀose ɀomurairo neɀakanyorwa paʋaprofita;
15
ndinetariro kunaMŋari, iyo yaʋanotenda ʋo ʋamene, kuti kucaʋa’po kumuka kwaʋakafa kwaʋakarurama naʋasakarurama.
16
Pacinhu ici ndinoidza ɀikuru kuti misi yose ndiʋe nehana isinemhoȿa kunaMŋari nokuʋanhu.
17
Ɀino makore mazhinji akati apfuʋura, ndakaʋuya neɀipo neɀiɓayiro kuʋanhu ʋaŋgu.
18
Ndiɀoɀo ɀaʋakandiwana ndiciita mutembere, ndanatswa, ndisinaʋanhu ʋazhinji, kana ɓopoto;
19
asi ʋamŋe ʋaJuda ʋeAsia ʋaiʋa’po, — iʋo ʋaifanira kuʋa pano pamberi penyu, kundipomera mhoȿa, kana ʋaiʋa necinhu neni.
20
Kunyaŋge naʋaʋa ŋgaʋareʋe ʋamene cisakarurama caʋakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota,
21
asi shoko iri ɓedzi, randakaɗanidzira, ndimire pakati paʋo, ndiciti: Ndinotoŋgwa nhasi pamsoro pokumuka kwaʋakafa.
22
Asi Feriksi, ɀaakaziʋisisa ɀakanaka Nzira iyo, akaʋaʋetsa, aciti: Kana Risia, mukuru wecuru camazana aɓurukira pano, ndicanatso‐bvunzisisa mhaka yenyu.
23
Akaraira mukuru wezana kuti Pauro aceŋgetwe, arerusirwe, ʋuye kuti ʋarege kudziʋisa mumŋe wokwake kumushumira.
24
Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Feriksi akaȿika, nomukadzi wake Drusira, waiʋa muJuda, akaɗana Pauro, akamunzwa pamsoro pokutenda kunaKristu Jesu.
25
Ɀino wakati acitaura ɀokururama, nokuɀidzora, nokutoŋga kunoʋuya, Feriksi akatya ɀikuru, akapindura, akati: Enda hako ɀino; kana ndikazoʋa neŋguʋa yakanaka, ndicakuɗana.
26
Wakati ʋo ɀimŋe ucazopiwa mari naPauro; naiɀoɀo wakamuɗana kazhinji, acitaura naye.
27
Asi makore maʋiri akati apera, Porkio Festo akapinda panɀimbo yaFeriksi, ɀino Feriksi aciɗa kufadza ʋaJuda, akasiya Pauro akasuŋgwa.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28