bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 22
Acts 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu pamberi penyu ɀino.
2
Iʋo ʋakati ʋacinzwa, kuti wotaura naʋo norurimi rweciHeberu, ʋakanyanya kunyarara. Iye akati:
3
Ini ndiri muJuda, ndakaɓerekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadziɓaɓa eɗu, ndicishiŋgairira Mŋari, semi mose nhasi;
4
ndikatambudza ʋe Nzira iyi kuȿikira pakuʋuraya, ndicisuŋga ʋarume naʋakadzi nokuʋaisa mutoroŋgo,
5
muprista mukuru seɀaaŋgandipupurira ʋo namakurukota ose; ndikapiwa ŋwadi naʋo kuhama, ndikaenda Damasko kuti ndiise Jerusarema aʋo ʋaigara’ko, ʋakasuŋgwa, kuti ʋarobge.
6
Ɀino ndakati ndicifamba, ndosweɗera Damasko, aneŋge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose neciedza cikuru, caibva kuɗeŋga.
7
Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
8
Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.
9
Ɀino ʋaiʋa neni ʋakaʋona ciedza, asi haʋanakunzwa inzwi rowakataura neni.
10
Ndikati: Ndoɗiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Damasko; apo ucaʋudzwa ɀose ɀakatarwa kuti uɀiite.
11
Ɀino ɀandakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona nokupenya kweciedza ico, ndikasesedzwa noruʋoko naʋaiʋa neni, ndikaȿika Damasko.
12
Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mŋari seɀinoreʋa murairo, waipupurirwa ɀakanaka naʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋagere’po,
13
akaʋuya kwandiri, akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, ciʋona! Neŋguʋa iyo ndikamuʋona.
14
Iye akati: Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakakusanaŋgura, kuti uziʋe kuɗa kwake, nokumuʋona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make.
15
Nokuti iwe ucaʋa capupu cake kuʋanhu ʋose ceɀawakaʋona neɀawakanzwa.
16
Ɀino ucanonokereiko? Simuka, ubapatidzwe, usukwe ɀiʋi ɀako, uɗane zita rake.
17
Ɀino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndicinyeŋgetera mutembere, ndikaita sokuɓatwa mŋeya,
18
ndikamuʋona, aciti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema ɀino‐ɀino, nokuti haʋaŋgagamuciri kupupura kwako pamsoro paŋgu.
19
Ipapo ndikati: Ishe, ʋanoziʋa ʋamene kuti ini ndaiisa mutoroŋgo, nokuroʋa mumasinagoge, aʋo ʋaitenda kwamuri;
20
ʋuye, musi wakaɗururwa ropa raStefano, capupu cenyu, neni ʋo ndakaŋga ndimire’po, ndicibvumira, ndikaceŋgeta ŋguʋo dzaʋaimuʋuraya.
21
Ipapo akati kwandiri: Enda, ndicakutuma kure kuʋahedeni.
22
Ʋakamuterera kuȿikira pashoko iro; ipapo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: wakaɗai ŋgaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.
23
Ʋakaɗanidzira, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pasi, ʋacikushira ivu kuɗeŋga,
24
mukuru wecuru camazana akaraira, kuti aiswe kuimba yaʋarwi, aciti abvunzwe nokurobga ɀikuru, kuti aziʋe mhoȿa yaʋakaŋga ʋamupopoterera kuɗai.
25
Ɀino ʋakati ʋamusuŋga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakaŋga amire’po: Makatenderwa kuroʋa munhu uri muRoma, asina‐kutoŋgwa here?
26
Ɀino mukuru wezana wakati aciɀinzwa, akaenda kumukuru wecuru camazana, akamuʋudza akati: Munoɗa kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma.
27
Mukuru wecuru camazana akaʋuya akati kwaari: Ndiʋudze, uri muRoma here? Akati: Hoŋo.
28
Mukuru wecuru camazana akati: Ini ndakateŋga simba iri rokuʋa muRoma nomuteŋgo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaɓerekwa ndiri muRoma.
29
Ɀino ʋakaŋga ʋomubvunzisisa, ʋakabva kwaari pakarepo, nomukuru wecuru camazana wakatya ʋo aciziʋa kuti iye muRoma, ʋuye nokuti wakaŋga amusuŋga.
30
Ɀino fume maŋgwana, aciɗa kuziʋa kwaɀo kuti ʋaJuda ʋakamupomera mhoȿa yei, akamusunuŋgura, akaraira kuti ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋaʋuŋgane, akaɓurusa Pauro, ndokumuisa pamberi paʋo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28