bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 11
Acts 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Ɀino ʋaapostora nehama, ʋaiʋa paJudea, ʋakanzwa kuti ʋahedeni ʋakagamucira ʋo shoko raMŋari.
2
Ɀino Petro wakati akwira Jerusarema, ʋatendi ʋokudziŋgisa ʋakaita nharo naye,
3
ʋaciti: Wakapinda iwe kuʋarume ʋasina‐kudziŋgiswa, ukadya naʋo.
4
Ɀino Petro akataŋga kuʋarondedzera ɀose, ɀiciteʋedzana, aciti:
5
Ndakaŋga ndiri muguta reJopa, ndicinyeŋgetera; ndikaɓatwa mŋeya, ndikaʋona ciratidzo; cimŋe cinhu cakaɓuruka, cineŋge muceka mukuru unoɓuruswa kuɗeŋga wakasuŋgwa miromo minna, cikaȿika kwandiri;
6
ndakati ndacitarisisa, nokucerekedza, ndikaʋona mhuka dzenyika dzinamakumbo manna neɀikara, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga,
7
ndikanzwa ʋo inzwi riciti kwandiri: Simuka Petro, ɓaya, udye.
8
Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo maŋgu hamuna‐kumbopinda cinhu cisakanaka, cinetȿina.
9
Asi inzwi rakapindura rwecipiri, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ico cakanatswa naMŋari, iwe usati, hacina‐kunaka.
10
Iɀoɀi ɀakaitwa katatu, ɀose ɀikakwidzwa ɀe kuɗeŋga.
11
Ipapo, tarira, pakarepo ʋarume ʋatatu ʋamira pamberi peimba, matakaŋga tiri, ʋakaŋga ʋatumirwa kwandiri, ʋacibva Kesaria.
12
Ipapo Mŋeya wakandiʋudza, kuti ndiende naʋo, ndisiŋganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu ʋo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.
13
Iye akatiʋudza ʋo kuti wakaʋona mutumŋa amire mumba make, aciti: Tumira Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro;
14
iye ucakuʋudza mashoko aucaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.
15
Ɀino ndakati ndicataŋga kutaura, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋo, sapamsoro peɗu ʋo pakutaŋga.
16
Ini ndikaraŋgarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabapatidza nemvura, asi imi mucabapatidzwa muMŋeya Mutȿene.
17
Ɀino kana Mŋari akaʋapa cipo ico caakatipa isu, pakutenda kweɗu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigoʋa ani, waigona kudziʋisa Mŋari?
18
Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu.
19
Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamsoro paStefano, ʋakaenda kuȿikira paFenikia, neKupro, neAntiokia, ʋasiŋgatauri shoko kumunhu, asi kunaʋaJuda ɓedzi
20
Ɀino pakati paʋo paiʋa naʋamŋe ʋarume ʋeKupro neKurini; iʋo ʋakati ʋaȿika Antiokia, ʋakataura kuʋaGiriki ʋo, ʋaciparidza Ishe Jesu.
21
Ruʋoko rwaShe rukaʋa naʋo, ʋazhinji ʋakatenda, ʋakatendeʋukira kunaShe.
22
Mashoko aʋo akanzwika nekereke paJerusarema, ʋakatuma Barnabasi kuti aende Antiokia.
23
Iye wakati aȿika, akaʋona nyasha dzaMŋari, akafara; akaraira ʋose kuti ʋanamatire Ishe nomŋoyo wakasimba;
24
nokuti waiʋa murume wakanaka, azere noMŋeya Mutȿene nokutenda; ʋazhinji‐zhinji ʋakawedzerwa kunaShe.
25
Iye akaenda Tarso acindotȿaka Sauro.
26
Ɀino wakati amuwana, akaʋuya naye Antiokia. Ipapo ʋakaʋuŋgana nekereke gore rose, ʋakadzidzisa ʋanhu ʋazhinji‐zhinji; paAntiokia ʋadzidzi ʋakataŋga kunzi Ʋakristu.
27
Namazuʋa iwayo ʋaprofita ʋakaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakaenda Antiokia.
28
Mumŋe waʋo wainzi Agabo, akasimuka, ndoku ʋa ziʋisa noMŋeya kuti nzara huru icaʋa’po panyika yose; iyo ikaȿika paŋguʋa yaKraudio.
29
Ipapo ʋadzidzi ʋakatenderana, kuti mumŋe nomumŋe paaigona napo atume ɀiŋgaɓatsira hama dzigere Judea.
30
Ʋakaita kuɗaro, ʋakaɀitumira naBarnabasi naSauro kuʋakuru.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28