bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 23
Acts 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 24 →
1
Ɀino Pauro wakati acitarisisa kumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndakafamba pamberi paMŋari nehana yakarurama kuȿikira zuʋa ranhasi.
2
Ipapo Ananiasi, muprista mukuru, akaraira ʋakaŋga ʋamire naye, kuti ʋamuroʋe muromo.
3
Ipapo Pauro akati kwaari: Mŋari ucakuroʋa iwe, ruȿiŋgo rwakaceneswa; ugere’ po kuti unditoŋge nomurairo, ɀino woraira kuti ndirobge, uciɗarika murairo here?
4
Ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati: Ko unotuka muprista mukuru waMŋari here?
5
Pauro akati: Hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: usataura ɀakaipa pamsoro pomuɓati waʋanhu ʋako.
6
Ɀino Pauro wakati aciʋona kuti ʋamŋe ndiʋaSaduse naʋamŋe ʋaFarise, akaɗanidzira mumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndiri muFarise, mŋanakomana waʋaFarise, ndinotoŋgwa pamsoro petariro nokumuka kwaʋakafa.
7
Wakati aɗaro, kupesana kukaʋa’po pakati paʋaFarise naʋaSaduse; ʋuŋgano ikaparadzana.
8
Nokuti ʋaSaduse ʋaiti hapana‐kumuka kwaʋakafa, kana mutumŋa, kana mŋeya; asi ʋaFarise ʋaitenda iɀoɀo ɀose.
9
Ɀino ɓope guru rikaʋa’po; ʋamŋe ʋanyori ʋokuʋaFarise ʋakasimuka, ʋakaita nharo, ʋaciti: Hatiʋoni cinhu cakaipa kumunhu uyu; ɀimŋe mŋeya wakataura naye, kana mutumŋa.
10
Ɀino kupesana kukuru kuciɗa kumuka, mukuru wecuru camazana akatya kuti Pauro uŋgabvamburwa naʋo, akaraira ʋarwi kuti ʋaɓuruke, ʋamubvute pakati paʋo, ʋamuise muimba yaʋarwi.
11
Ʋusiku bgakateʋera, Ishe akamira naye, akati: Tsuŋga mŋoyo, seɀawakandipupurira kwaɀo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma ʋo.
12
Ɀino kwakati kwaedza, ʋaJuda ʋakaita raŋgano, ʋakaɀisuŋga nokupika, ʋaciti, haʋaŋgadyi kana kunwa kuȿikira ʋaʋuraya Pauro.
13
Ʋakaŋga ʋaita raŋgano iyo, ʋakapfuʋura makumi manna.
14
Aʋa ʋakaenda kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, ʋakati: Taɀisuŋga nokupika kukuru, kuti hatiŋgadyi cinhu, kuȿikira taʋuraya Pauro.
15
Naiɀoɀo ɀino imi, namakurukota, muziʋise mukuru wecuru camazana, kuti amuɓurusire kwamuri, muciita somunoɗa kunatso‐bvunzisisa mhoȿa yake; isu taɀigadzira kuti timuʋuraye, asati asweɗera.
16
Ɀino mŋanakomana wehanɀadzi yaPauro akanzwa ɀokuʋandira kwaʋo, akaenda, akapinda mumba maʋarwi, akaʋudza Pauro.
17
Ipapo Pauro akaɗana mumŋe waʋakuru ʋezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wecuru camazana; nokuti uneshoko raanoɗa kumuʋudza.
18
Naiɀoɀo akamutora, akaenda naye kumukuru wecuru camazana, akati: Pauro musuŋgwa, wakandiɗana, akakumbira, kuti ndiʋuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoɗa kukuʋudzai.
19
Mukuru wecuru camazana akaɓata ruʋoko rwake, akaenda naye ʋari ʋoga, akamubvunza ʋari ʋoga, akati: Uneshoko reiko, raunoɗa kundiʋudza?
20
Iye akati: ƲaJuda ʋakatenderana Kukumbira kwamuri, kuti muɓuruse Pauro kumakurukota maŋgwana, muciita somunoɗa kunatso‐bvunzisisa mhoȿa yake.
21
Naiɀoɀo musaʋatenda; nokuti pakati paʋo kunaʋarume ʋanopfuʋura makumi manna ʋanomuʋandira ʋakaɀisuŋga nokupika, kuti haʋaŋgadyi, kana kunwa, kuȿikira ʋamuʋuraya; ɀino ʋakaɀigadzira, ʋakatarira tendero inobva kwamuri.
22
Naiɀoɀo mukuru wecuru camazana akaendisa jaya, akamuraira, aciti: Usaʋudza munhu, kuti wandiziʋisa iɀoɀo.
23
Ɀino akaɗana ʋakuru ʋezana ʋaʋiri, akati: Gadzirai ʋarwi ʋanamazana maʋiri, naʋanotaȿa mabiza ʋanamakumi manomŋe, naʋanamapfumo ʋanamazana maʋiri, ʋaende Kesaria neŋguʋa yecitatu yoʋusiku;
24
mu ʋa tȿakire ɀipfuwo, kuti ʋataȿise Pauro, ʋagonatso‐muisa kumuɓati Feriksi.
25
Akanyora ŋwadi yakaŋga iciti:
26
Kraudio Risia, kunaFeriksi, muɓati wakakurumbira kwaɀo, kwaziwai!
27
Uyu munhu wakaɓatwa naʋaJuda, akaŋga oɗo‐kuʋurawa naʋo, ini ndikaȿika naʋarwi, ndikamurwira, ɀandakanzwa kuti muRoma.
28
Ɀino ndakati ndiciɗa kuziʋa mhoȿa yaʋakamukwirira nayo, ndikamuɓurusira kumakurukota aʋo;
29
ndikawana kuti wakwirirwa pamsoro pamashoko omurairo waʋo, asi asinemhoȿa yecinhu ciŋgafanira rufu kana kusuŋgwa.
30
Ɀino ndakati ndaʋudzwa, kuti ʋoɗa kuʋandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira ʋanomukwirira kuti ʋataure pamberi penyu mhoȿa yake.
31
Ɀino ʋarwi ʋakatora Pauro seɀaʋakarairwa, ʋakamuisa Antipatri ʋusiku.
32
Fume maŋgwana ʋakarega ʋataȿi ʋamabiza, kuti ʋaende naye, iʋo ʋakadzokera kuimba yaʋarwi.
33
Ʋaya ʋakati ʋaȿika Kesaria, ʋakapa muɓati ŋwadi, ʋakaisa ʋo Pauro pamberi pake.
34
Wakati araʋa, akabvunza kuti ndowenyika ipi; ɀino wakati anzwa kuti ndoweKirikia,
35
akati: Ndicakunzwa kwaɀo, kana ʋanokukwirira ʋaȿika ʋo; akaraira kuti aceŋgetwe mumba maHerode.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28