bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 19
Acts 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Ɀino Aporo aciri paKorinte, Pauro wakati agura namatiʋi enyika okumsoro, akaȿika Efeso, akawana ʋamŋe ʋadzidzi,
2
akati kwaʋari: Makagamucira Mŋeya Mutȿene pakutenda kwenyu here? Ʋakati kwaari: Kwete, hatina‐kutoŋgonzwa kuti Mŋeya Mutȿene uri’po.
3
Akati: Ko makabapatidzwa norubapatidzo rwupiko? Ʋakati: Norubapatidzo rwaJohane.
4
Ɀino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendeʋuka, aciʋudza ʋanhu kuti ʋatende kunaiye unozoʋuya shure kwake, iye Jesu.
5
Ʋakati ʋaɀinzwa iɀoɀo, ʋakabapatidzwa muzita raShe Jesu.
6
Ɀino Pauro wakati aisa maʋoko ake pamsoro paʋo, Mŋeya Mutȿene akaʋuya pamsoro paʋo, ʋakataura nendimi, ʋakaprofita.
7
Iʋaʋo ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge gumi naʋaʋiri.
8
Ɀino wakapinda musinagoge, akataura asiŋgatyi mŋedzi mitatu, acitaurirana naʋo, aciʋagombedzera namashoko oʋushe bgaMŋari.
9
Asi ʋamŋe ʋakati ʋaciwomesa mŋoyo, ʋasiŋgatereri, ʋaciɀidza Nzira iyo pamberi paʋazhinji, akabva kwaʋari, akatsaura ʋadzidzi, akataurirana naʋo zuʋa rimŋe nerimŋe mucikoro caTirano.
10
Iɀoɀo ɀikaitwa makore maʋiri; nokuɗaro ʋose ʋakaŋga ʋagere paAsia ʋakanzwa shoko raShe, ʋaJuda naʋaGiriki.
11
NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro,
12
nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa.
13
Ɀino ʋamŋe ʋaJuda, ʋaʋuki, ʋaipota‐pota, ʋakaidza kuɗana zita raShe Jesu pamsoro paʋaiʋa nemŋeya yakaipa, ʋaciti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.
14
Ʋaiʋa ʋanakomana ʋanomŋe ʋomumŋe muJuda, wainzi Skeva, muprista mukuru, ʋaiita iɀoɀo.
15
Mŋeya wakaipa ukapindura, ukati kwaʋari: Jesu ndinomuziʋa, naPauro ndinomuziʋa, asi imi ndimi ʋananiko?
16
Ipapo munhu waiʋa nomŋeya wakaipa akaʋamukira simba, akaʋakurira ʋose ʋari ʋaʋiri, akaʋakunda; nokuɗaro ʋakatiza mumba imomo, ʋasineŋguʋo, ʋakuʋadzwa.
17
Iɀoɀo ɀikazikanwa naʋose, ʋaJuda naʋaGiriki, ʋakaŋga ʋagere Efeso ʋakatya ʋose, zita raShe Jesu rikakudzwa.
18
Ɀino ʋazhinji ʋaʋakaŋga ʋatenda ʋakaʋuya, ʋakaɀireʋurura, nokurondedzera maɓasa aʋo.
19
Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu.
20
Naiɀoɀo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.
21
Iɀoɀo ɀakati ɀapedziswa, Pauro akafuŋga mumŋoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedonia neAkaya, aciti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundoʋona Roma ʋo.
22
Ɀino akatumira Makedonia ʋaʋiri ʋaʋaimushumira, ʋanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia ŋguʋa ɗuku.
23
Ɀino neŋguʋa iyo ɓope guru rikaʋa’po pamsoro peNzira iyo.
24
Nokuti mumŋe, wainzi Demetrio, mupfuri wesirveri, waiita ɀitembere ɀaDiana ɀesirveri, waifumisa ɀikuru mhizha dza’po.
25
Akaʋaʋuŋganidza iʋo pamŋe cete naʋamŋe ʋaɓati ʋeɀakaɗaro, akati: Ʋarume, munoziʋa kuti neɓasa iri tinowana fuma yeɗu.
26
Ɀino munoʋona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa ʋazhinji, pasati pari paEfeso ɓedzi, asi paneŋge paAsia yose, aciti, ɀakaitwa namaʋoko haʋazi ʋamŋari.
27
Ɀino njodzi ndiyo kuti habguzi ʋumhizha bgeɗu ɓedzi bguŋgaɀidzwa, asi kuti tembere yamŋarikadzi mukuru Diana icashoʋorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paʋukuru bgake.
28
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru!
29
Guta rikakaŋganiswa kwaɀo; ʋakamhanyira nomŋoyo mumŋe panɀimbo paitambga, ʋaɓata Gayo naAristarko, ʋarume ʋeMakedonia, ʋaiperekedza Pauro.
30
Ɀino Pauro akaɗa kupinda kuʋanhu, ʋadzidzi ʋakasamutendera.
31
Naʋamŋe ʋakuru ʋeAsia, ʋaiʋa shamŋari dzake, ʋakatuma shoko kwaari, ʋacikumbira ɀikuru kwaari kuti arege kupinda panɀimbo paitambga.
32
Ɀino ʋamŋe ʋakaɗanidzira ɀimŋe, ʋamŋe ɀimŋe ɀe; nokuti ʋuŋgano yakaŋga yanyoŋganiswa, ʋazhinji ʋasiŋgaziʋi ɀaʋakaʋuŋganira.
33
Ipapo ʋakaɓuɗisa Areksandro mukati maʋanhu ʋazhinji, ʋaJuda ʋacimusundira mberi; ɀino Areksandro akaninira noruʋoko, aciɗa kuɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu.
34
Ipapo ʋakati ʋaciʋona kuti iye muJuda, inzwi rimŋe rikamuka kunaʋose, ʋakaɗanidzira ŋguʋa dzineŋge mbiri, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru!
35
Ɀino munyori weguta wakanyaradza ʋanhu, akati: Ʋarume ʋeEfeso, munhu ndoupiko usiŋgaziʋi, kuti guta raʋaEfeso ndiwo muceŋgeti wetembere yaDiana mukuru nowo mufananidzo wakaɓuruka kuɗeŋga?
36
Ɀaɀisiŋgagoni kurambga iɀoɀi, maifanira kunyarara musiŋgaiti cinhu nokusaraŋgarira kwaɀo.
37
Nokuti maʋuya naʋarume aʋa, ʋasati ʋari mbava dzetembere kana ʋamhuri ʋamŋarikadzi weɗu.
38
Ɀino kana Demetrio nedzimŋe mhizha naye ʋanemhoȿa nomunhu, misi yokutoŋga iri’po, naʋatoŋgi ʋari’po; ŋgaʋakwirirane haʋo.
39
Asi kana mucitȿaka cimŋe cinhu pamsoro pedzimŋe mhoȿa, ɀiŋgatemŋa paʋuŋgano yakafanira.
40
Nokuti njodzi ndiyo kuti tiŋgakwirirwa pamsoro peɓope ranhasi, ɀakusinemhoȿa; kana ciri cinhu ici hatiŋgagoni kupindura pamsoro pemhere‐mhere iyi.
41
Wakati ataura iɀoɀo, akaendisa ʋuŋgano.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28