bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 12
Acts 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Ɀino neŋguʋa ineŋge iyeyo mambo Herode akatambanudza maʋoko ake kuti atambudze ʋamŋe ʋekereke;
2
akaʋuraya Jakobo, mukuru waJohane, nomunondo.
3
Ɀino wakati aciʋona kuti ɀafadza ʋaJuda, ndokupfuʋura akaɓata Petro ʋo. Aiʋa mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso.
4
Ɀino wakati amuɓata, akamusuŋga mutoroŋgo, akamuisa kumapoka manna, rimŋe nerimŋe rinaʋarwi ʋanna, kuti ʋamurinde, aciti amuise pamberi paʋanhu, kana paseka yapfuʋura.
5
Naiɀoɀo Petro akaceŋgetwa mutoroŋgo; asi wakaŋga acinyeŋgetererwa ɀikuru nekereke kunaMŋari.
6
Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa.
7
Ipapo, tarira, mutumŋa waShe akamira’po, ciedza cikapenya mumba; akaroʋa Petro parutiʋi, ndokumumutsa, aciti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamaʋoko ake.
8
Mutumŋa akati kwaari: Ɀisuŋge ciʋuno, usuŋgire shaŋgu dzako. Akaita saiɀoɀo. Akati kwaari: Fuka ŋguʋo yako, unditeʋere.
9
Akaɓuɗa, akamuteʋera, asiŋgaziʋi kuti ɀirokwaɀo ɀinoitwa nomutumŋa; asi wakati ndinoʋona ciratidzo.
10
Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo.
11
Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda.
12
Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera.
13
Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera.
14
Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo.
15
Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake.
16
Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa.
17
Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe.
18
Ɀino kwakati kwaedza, ɓope guru rikaʋa’po pakati paʋarwi, ʋaciti Petro wanzinwi.
19
Herode wakati amutȿaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa ʋarindi, akaraira kuti ʋandoʋurawa. Ɀino akaɓuruka Judea, akaenda Kesaria, akandogara’ ko.
20
Ɀino akatsamŋira ɀikuru ʋanhu ʋeTire neSidoni; iʋo ndokuʋuya kwaari ʋose pamŋe cete, ʋakaita ʋushamŋari naBrasto, mutariri weimba yamambo, ʋakakumbira rugare, nokuti nyika yaʋo yaipiwa ɀokudya ne nyika yamambo.
21
Ipapo nezuʋa rakaŋga ratarwa, Herode akafuka ŋguʋo dzoʋumambo, akagara pacigaro cake coʋushe, akataura kwaʋari.
22
Ipapo ʋanhu ʋakaɗanidzira ʋaciti: Inzwi raMŋari, harizi romunhu.
23
Pakarepo mutumŋa waShe ukamuroʋa, nokuti wakaŋga asinakukudza Mŋari; akadyiwa nehonye, akafa.
24
Asi shoko raMŋari rakakura, rikawanda.
25
Ɀino Barnabasi naSauro, ʋakati ʋapedzisa ɓasa raʋo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakaenda naJohane, wainzi Marko.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28