bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 27
Acts 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 28 →
1
Ɀino kwakati kwatemŋa kuti tiende Itaria necikepe, ʋakaisa Pauro naʋamŋe ʋasuŋgwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.
2
Ɀino takati tapinda mucikepe ceAdramiteni, cakaŋga coenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedonia, waibva Tesaronika.
3
Fume maŋgwana tikaȿika Sidoni, Jurio akaitira Pauro ɀakanaka, akamutendera kuti aende kushamŋari dzake, aceŋgetwe naʋo.
4
Tikabva ipapo, tikapfuʋura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidziʋisa.
5
Ɀino tikayambuka guŋgwa reKirikia nePamfiria, tikaȿika Mira, musha weRikia.
6
Mukuru wezana akawana’po cikepe ceAreksandria, caienda Itaria, ndokutipinza’mo.
7
Ɀino takanatsofamba mazuʋa mazhinji, tikaȿika pakatarisana neKinido ticitambudzika, mhepo ɀayakaŋga isiŋgatitenderi kufamba, tikapfuʋura nenyasi kweKrita, pakatarisana neSarmoni.
8
Tikapfuʋura napo ticitambudzika, ndokuȿika pamŋe painzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9
Ɀino ŋguʋa huru yakati yapfuʋura, nokufamba neguŋgwa kwaʋa nenjodzi, nokuti ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya yakaŋga yatopfuʋura, Pauro akaʋaraira,
10
akati kwaʋari: Ʋarume, ndinoʋona kuti rwendo rweɗu rucaʋa nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, ɀisani ɀiri ɀomutoro necikepe ɓedzi, asi nokwoʋupenyu bgeɗu ʋo.
11
Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wecikepe, nomŋene waco, kupfuʋura ɀakarebga naPauro,
12
nokuti zororo ɀarakaŋga risina‐kunaka kuti ʋagare’po cando, ʋamŋe ʋazhinji ʋakati ɀirinani kuti ʋabve’po, kuti ɀimŋe ʋaŋgaȿika Fenika ʋagare’ po cando; ndiro zororo reKrita, rakaŋga rakatarira mabvazuʋa kumsoro nezasi.
13
Ɀino mhepo yezasi yakati icirira ɀishoma, ʋakati tawana ɀatakaŋga ticiʋiŋga, ʋakabva’po, ʋakafamba pedyo neKrita.
14
Ɀino gare‐gare mhepo inesimba, yainzi Yurakuro, ikaɓuruka icibva kwairi, ikatiwira.
15
Ɀino cikepe cakati ciciɓatwa, tisiŋgagoni kufamba takatarira mhepo, tikacirega, tikaramba ticiŋgotorwa.
16
Ɀino tikafamba nyasi kwecimŋe ciwi ciɗuku, cainzi Krauda, tikaŋga tokoniwa kusuŋga igwa.
17
Ʋakati ʋarisimudza, ʋakatora ɀiɓatsiro, ʋakasuŋga cikepe nenyasi; ɀino ɀaʋakatya kuti ʋacakandirwa pa jeca reSirtisi, ʋakaɗeredza maseiri, ndokuŋgotorwa
18
Fume maŋgwana, ɀatakatambura kwaɀo neɗutu remhepo, ʋakakandira nhumbi kunze;
19
ne zuʋa retatu, ʋakakandira ɀinhu ɀecikepe kunze namaʋoko aʋo.
20
Ɀino ɀatakaŋga tisina‐kuɓuɗirwa nezuʋa kana nyeredzi mazuʋa mazhinji, neɗutu guru remhepo ricirambira riri’po, takatorerwa kutarira kwose kwokuti ticaponeswa.
21
Ɀino ʋakati ʋagara ŋguʋa refu ʋasiŋgadyi, Pauro akamira pakati paʋo, akati: Ʋarume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku.
22
Asi ɀino ndinokurairai kuti mutsuŋge mŋoyo; nokuti hakunauŋgarashikirwa noʋupenyu bgake pakati penyu, asi cikepe ɓedzi.
23
Nokuti ʋusiku bguno mutumŋa waMŋari, wandiri wake, nowandinoshumira ʋo, wakamira neni,
24
akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mŋari wakakupa ʋose ʋanofamba newe mucikepe.
25
Naiɀoɀo, ʋarume, tsuŋgai mŋoyo, nokuti ndinotenda Mŋari, kuti ɀicaitika seɀandakaʋudzwa.
26
Asi tinofanira kukandirwa panecimŋe ciwi.
27
Ɀino ʋusiku bgegumi noʋunna bgakati bgaȿika, ticaŋgotorwa‐torwa mu guŋgwa re Adria, pakati poʋusiku ʋafambisi ʋecikepe ʋakati ʋosweɗera kuneimŋe nyika.
28
Ʋakayera kudzika kwemʋura, ʋakawana pakaita mafadomi makumi maʋiri; ʋakapfuʋura ɀishoma, ndokuyera ɀe, ʋakawana pakaita mafadomi anegumi namashanu.
29
Ɀino ʋakatya kuti ɀimŋe ticawira pamabge, ʋakakanda ɀimiso ɀinna neshure kwecikepe, ʋakacema ʋaciti kuedze.
30
Ɀino ʋafambisi ʋakati ʋaciɗa kutiza mucikepe, ʋakaɓurusira igwa muguŋgwa, ʋaciita saʋaneŋge ʋokanda ɀimiso kumuromo waco.
31
Pauro akati kumukuru wezana naʋarwi: Hamuŋgararami kana aʋa ʋasiŋgagari mucikepe.
32
Ipapo ʋarwi ʋakagura maɓote egwa, ʋakarirega, rikawa.
33
Ɀino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira ɀikuru kwaʋari ʋose kuti ʋadye, aciti: Nhasi raʋa zuʋa regumi nerecinna, ramakagara muciɀinyima kudya, musiŋgadyi cinhu.
34
Saka ndinokumbira ɀikuru kuti mudye, nokuti ndiɀo ɀicakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumŋe rucaparadzwa pamusoro womumŋe wenyu.
35
Wakati areʋa iɀoɀo, akatora ciŋgwa, akaʋoŋga Mŋari pamberi paʋo ʋose, akacimeɗura, ndokutaŋga kudya iye.
36
Ipapo ʋakatsuŋga mŋoyo ʋose, ʋakadya ʋo ʋamene.
37
Isu tose taiʋa mucikepe, taiʋa mazana maʋiri namakumi manomŋe naʋatanhatu
38
Ɀino ʋakati ʋaguta, ʋakarerusa cikepe, ʋacikandira ɀiyo muguŋgwa.
39
Kwakati kwoedza, ʋakasaziʋa nyika; asi ʋakaʋona zororo raiʋa nejeca, ʋakaraŋgana kana ɀaibvira kuitika, kuti ʋaise cikepe pariri.
40
Ipapo ʋakagura ɀimiso, ʋakaɀisiya muguŋgwa, ʋakasunuŋgura ɀisuŋgo ɀaisuŋga ɀokudzoresa naɀo, ʋakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, ʋakaruramira kumhenderekedzo.
41
Ɀino ʋakati ʋaciȿika paiɗira makuŋgwa maʋiri, ʋakagumirisa cikepe pasi; muromo waco ukaɓatwa kwaɀo usiŋgazunuŋguki, asi rutiʋi rwaco rweshure rukavunika nesimba remʋura.
42
Ɀino ʋarwi ʋakati ɀirinani kuti ʋasuŋgwa ʋaʋurawe, kuti ʋamŋe ʋarege kutiza ʋacishambira.
43
Asi mukuru wezana wakaɗa kuponesa Pauro, akaʋadziʋisa ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita; akaraira kuti ʋanogona kushambira, ʋataŋge kuɀiwisira mumʋura, ʋaɓuɗe kunyika;
44
ʋamŋe, ʋasara, ʋaɓuɗe ʋamŋe pamatanda, ʋamŋe paneɀimŋe ɀinhu ɀecikepe. Naiɀoɀo ɀakaitika kuti ʋose ʋakaȿika kunyika ʋari ʋapenyu.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28