bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 8
Acts 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
1
Sauro wakaŋga acitenda kuʋurawa kwake. Ɀino neŋguʋa iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa ɀikuru, ʋakaparadzirwa ʋose kunyika yeJudea neSamaria, ʋakasara ʋaapostora ɓedzi.
2
Ʋarume ʋakarurama ʋakaʋiga Stefano, ʋakamucema ɀikuru.
3
Ɀino Sauro akaparadza kereke, acipinda mudzimba dzose, acikakata ʋarume naʋakadzi, nokuʋaisa mutoroŋgo.
4
Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa, ʋakapotenyika, ʋaciparidza shoko.
5
NaFiripo wakaɓurukira kuguta reSamaria, akaʋaparidzira Kristu.
6
Ʋanhu ʋazhinji ʋakaterera nomŋoyo mumŋe ɀairebga naFiripo, ʋacinzwa nokuʋona ɀiratidzo ɀaakaŋga aciita.
7
Nokuti mŋeya yetȿina yakaɓuɗa kuʋazhinji ʋaiʋa nayo, iciɗanidzira nenzwi guru; naʋazhinji ʋakaŋga ʋakafa mitezo naʋaikamhina ʋakaporeswa.
8
Mufaro mukuru ukaʋa’po paguta iro.
9
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume, wainzi Simoni, waiʋa ŋaŋga kare paguta iro, waishamisa ʋanhu ʋeSamaria, aciɀiita munhu mukuru.
10
Ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, ʋakamuterera, ʋaciti: Uyu munhu isimba guru raMŋari.
11
Ʋakamuterera, nokuti wakaŋga aʋashamisa noʋuŋaŋga bgake ŋguʋa huru.
12
Ɀino ʋakati ʋatenda Firipo, waiparidza mashoko oʋushe bgaMŋari nezita raJesu Kristu, ʋakabapatidzwa ʋarume naʋakadzi.
13
Naiye Simoni akatenda ʋo, ndokubapatidzwa ʋo, akagara naFiripo; akashamiswa, aciʋona ɀiratidzo namaɓasa esimba makuru, akaŋga aciitwa.
14
Ɀino ʋaapostora ʋaiʋa paJerusarema, ʋakati ʋanzwa kuti ʋaSamaria ʋakaŋga ʋagamucira shoko raMŋari, ʋakatuma Petro naJohane kwaʋari.
15
Iʋo ʋakaɓurukira’ko, ʋakaʋanyeŋgeterera kuti ʋapiwe Mŋeya Mutȿene;
16
nokuti wakaŋga asina‐kuɓurukira pamsoro pomumŋe waʋo; ʋakaŋga ʋaŋgobapatidzwa muzita raShe Jesu ɓedzi.
17
Ipapo ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro paʋo, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene.
18
Ɀino Simoni wakati aciʋona kuti Mŋeya Mutȿene wapiwa nokuiswa kwamaʋoko aʋaapostora, akaʋuya kwaʋari nemari,
19
aciti: Ndipei neni ʋo simba iri, kuti wandineŋge ndiciisa maʋoko pamsoro pake, apiwe Mŋeya Mutȿene.
20
Ɀino Petro akati kwaari: Sirveri yako ŋgaiparadzwe newe, nokuti wakafuŋga kuteŋga cipo caMŋari nemari.
21
Haunomugoʋe, kana cikamu, pacinhu ici, nokuti mŋoyo wako haunakururama pamberi paMŋari.
22
Naiɀoɀo tendeʋuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti ɀimŋe ukaŋganwirwe muraŋgariro womŋoyo wako.
23
Nokuti ndinoʋona kuti wapinda munduru inoʋaʋa, napakusuŋgwa kusakarurama.
24
Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire ɀikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa necimŋe caiɀoɀo ɀamareʋa.
25
Ɀino ʋakati ʋapupura kwaɀo nokutaura shoko raShe, ʋakadzokera ɀe Jerusarema, ʋaciparidza Evaŋgeri mumisha mizhinji yaʋaSamaria.
26
Ɀino mutumŋa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema iciɓurukira Gaza; iyo nyika irenje.
27
Akasimuka, akaenda; ɀino kwakaŋga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwaɀo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waiceŋgeta fuma yake yose, wakaŋga aʋuya Jerusarema kuzonamata;
28
wakaŋga acidzoka, agere muŋgoro yake aciraʋa muprofita Isaya.
29
Mŋeya akati kunaFiripo: Sweɗera, urambire paŋgoro iyo.
30
Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa aciraʋa muprofita Isaya, akati: Unonzwisisa ɀaunoraʋa here?
31
Iye akati: Ndiŋgagona seiko, kana mumŋe asiŋgandiɗudziri? Akakumbira ɀikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.
32
Ɀino paakaŋga aciraʋa paRugwaro paiti: Wakaiswa pakuɓayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuʋeʋuri waro, Saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake;
33
Pakuɀidzwa kwake kutoŋgwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucarondedzera rudzi rwake? Nokuti ʋupenyu bgake bgunobviswa panyika.
34
Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undiʋudze kuti muprofita unoreʋa aniko aciɗaro? Unoɀireʋa iye amene, kana mumŋe?
35
Ipapo Firipo akashamisa muromo wake, akataŋga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
36
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, ʋakaȿika panemvura; muranda akati: Heyi mvura; cinyiko ciŋgadziʋisa ndirege kubapatidzwa?
37
[Firipo akati: Kana ucitenda nomŋoyo wako wose, ɀiŋgaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari.]
38
Akaraira kuti ŋgoro imire; ʋakaɓurukira ʋose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubapatidza.
39
Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa mumvura, Mŋeya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuʋona ɀe; nokuti wakafamba rwendo rwake, acifara.
40
Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika aciparidza Evaŋgeri pamaguta ose, kuȿikira paKesaria.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28