bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 5
Acts 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, wakateŋgesa fuma yake, anaSafira mukadzi wake,
2
akaɀikamurira ɀimŋe pamuteŋgo, mukadzi wake aciɀiziʋa ʋo, akaʋuya nomumŋe mugoʋe, ndokuuisa pamberi paʋaapostora.
3
Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko mŋoyo wako, kuti ureʋe nhema kuMŋeya Mutȿene, nokuɀikamurira ɀimŋe pamuteŋgo womunda?
4
Iwo uciri’po, wakaŋga usi wako here? Wateŋgeswa, wakaŋga usinesimba naɀo here? Waita seiko, ɀawafuŋga cinhu ici mumŋoyo mako? Hauna‐kureʋa nhema kuʋanhu, asi kunaMŋari.
5
Ananiasi, wakati acinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akaɓuɗisa mŋeya wake; kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaɀinzwa.
6
Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuʋiga.
7
Ŋguʋa dzineŋge senhatu dzakati dzapfuʋura, mukadzi wake akapinda, asiŋgaziʋi ɀaitwa.
8
Petro akapindura kwaari, akati: Ndiʋudze kana makateŋgesa munda ne mari yakaɗai? Iye akati: Hoŋo, neyakaɗai.
9
Petro akati kwaari: Maita seiko ɀamaraŋgana kuidza Mŋeya waShe? Tarira, tsoka dzaʋakaʋiga murume wako, dziciri pamukoʋa, ʋacakutakurira ʋo kunze.
10
Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akaɓuɗisa mŋeya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuʋiga kumurume wake.
11
Kutya kukuru kukawira kereke yose naʋose ʋakaɀinzwa.
12
Ɀiratidzo neɀinoshamisa ɀizhinji ɀikaitwa pakati paʋanhu namaʋoko aʋaapostora; ʋose ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe paɓiraʋira raSoromoni.
13
Asi pakati paʋamŋe kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kuɀiisa kwaʋari; asi ʋanhu ʋaiʋakudza.
14
Ʋatendi ʋazhinji kwaɀo, ʋarume naʋakadzi, ʋairamba ʋaciwedzerwa kunaShe.
15
Nokuɗaro ʋakatakurira ʋarwere munzira dzomumusha, ʋakaʋaradzika pamibeda napanhoʋo, kuti kana Petro acisweɗera’po, kunyaŋge nomumvuri wake ɓedzi udzikatire mumŋe waʋo.
16
Naʋazhinji ʋamaguta akapoteredza Jerusarema ʋakaʋuŋgana, ʋaciʋuya naʋarwere, naʋaitambudzika nemŋeya yetȿina, ʋakaporeswa.
17
Ɀino muprista mukuru akasimuka, naʋose ʋaiʋa naye (ʋaiʋa ʋedzidziso yaʋaSaduse), ʋanegoɗo kwaɀo;
18
ʋakaɓata ʋaapostora ʋakaʋaisa mutoroŋgo maipinzwa ʋanhu ʋose.
19
Asi mutumŋa waShe wakazarura mikoʋa yetoroŋgo ʋusiku, akaʋaɓuɗisa, akati:
20
Endai, mumire mutembere mucitaura kuʋanhu mashoko ose oƲupenyu ubgu.
21
Ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakapinda mutembere maŋgwanani, ʋakadzidzisa. Ɀino muprista mukuru naʋaiʋa naye, ʋakaȿika, ʋakakokera makurukota neʋuŋgano yose yaʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakatumira ʋanhu kutoroŋgo kuzoʋuya naʋo.
22
Asi ʋaranda ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakawana ʋasi’mo mutoroŋgo; ʋakadzoka, ʋaka ʋa ʋudza iɀoɀo, ʋaciti:
23
Toroŋgo takaiwana yakazarirwa ɀakasimba kwaɀo, naʋarindi ʋakarindira pamikoʋa; asi takati ticizarura, tikasawana munhu mukati.
24
Ɀino mukuru wetembere, naʋaprista ʋakuru, ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo, ʋakakaŋganiswa pamsoro paɀo, ʋasiŋgaziʋi kuti ɀinozoɗini.
25
Ipapo mumŋe munhu akaȿika, akaʋaʋudza, aciti: Tarirai, ʋarume ʋamakaisa mutoroŋgo, ʋaʋa mutembere, ʋamire ʋacidzidzisa ʋanhu.
26
Ɀino mukuru naʋatariri ʋakaenda, ʋakaʋuya naʋo, ʋasiŋgaiti nesimba, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu, kuti ʋaŋgatakwa namabge.
27
Ʋakati ʋaȿika naʋo, ʋakaʋaisa kumakurukota. Muprista mukuru akaʋabvunza,
28
aciti: Takakurairai ɀikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, ɀino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, muciɗa kuti ropa romunhu uyu riʋuye pamsoro peɗu.
29
Ɀino Petro naʋaapostora ʋakapindura, ʋakati: Tinofanira kuterera Mŋari kupfuʋura ʋanhu.
30
Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakamutsa Jesu, iye wamakaʋuraya mucimuturika pamuti.
31
Mŋari wakamusimudza iye noruʋoko rwake rworudyi, aʋe Mutuŋgamiri noMusunuŋguri, kuti ape ʋaIsraeri kutendeʋuka nekaŋganwiro yeɀiʋi.
32
Isu tiri ɀapupu ɀamashoko iwayo; noMŋeya Mutȿene ʋo, waʋakapiwa naMŋari iʋo ʋanomuterera.
33
Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafa neshuŋgu, ʋakaɗa kuʋaʋuraya.
34
Ipapo mumŋe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa naʋanhu ʋose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti ʋanhu ʋaɓuɗiswe ciŋguʋa ciɗuku;
35
akati kwaʋari: Ʋarume ʋaIsraeri, cenjerai ɀamunoɗa kuitira ʋanhu aʋa.
36
Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, aciti, ndiri munhu mukuru, ʋanhu ʋaneŋge mazana manna ʋakamuteʋera; iye akaʋurawa, naʋose ʋaimuterera ʋakaparadzirwa, nokuparadzwa.
37
Shure kwomunhu uyu Judasi weGarirea akamuka, pamazuʋa okuʋereŋgwa, akatsausa ʋanhu kuti ʋamuteʋere; iye akaparara, naʋose ʋakamuterera, ʋakaparadzirwa.
38
Ɀino ndinoti kwamuri: Musaɓata ʋanhu aʋa, muʋarege, nokuti kana kufuŋga uku neɓasa iri ɀiri ɀaʋanhu, ɀicaparadzwa.
39
Asi kana ɀiri ɀaMŋari, hamuŋgagoni kuɀiparadza; kuti ɀimŋe muŋgaɗai mucirwa naMŋari ʋo.
40
Ʋakamunzwa; ipapo ʋakati ʋaɗana ʋaapostora, ʋakaʋaroʋa, ʋakaʋaraira kuti ʋarege kutaura nezita raJesu; ʋakaʋaregedza.
41
Ipapo ʋakaɓuɗa pamakurukota, ʋacifara, ɀaʋakanzi ʋakafanirwa iʋo kuɀidzwa nokuɗa kwezita rake.
42
Haʋana‐kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuʋa ose ɀaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzaʋo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28