bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 18
Acts 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Shure kwaiɀoɀo, Pauro wakabva Atene, akaȿika Korinte;
2
akawana mumŋe muJuda, wainzi Akwira, worudzi rwaʋePonto, acaŋgobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakaŋga araira kuti ʋaJuda ʋose ʋabve Roma); akaenda kwaʋari;
3
ɀino ɀaakaŋga aneɓasa rimŋe naʋo, akagara naʋo ʋaciɓata; nokuti ɓasa raʋo raiʋa rokuita matente.
4
Saɓata rimŋe nerimŋe akataurirana naʋo musinagoge, akaidza kugombedzera ʋaJuda naʋaGiriki.
5
Ɀino Sirasi naTimotio ʋakati ʋacizoɓuruka ʋacibʋa Makedonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, acipupurira ʋaJuda kwaɀo kuti Jesu ndiye Kristu.
6
Ɀino ʋakati ʋaci mu dziʋisa, noku mu tuka, akazuza ŋguʋo dzake, akati kwaʋari: Ropa renyu ŋgariʋe pamsoro penyu; ndakacena, kubva ɀino ndicaenda kuʋahedeni.
7
Akabva’po, akapinda mumba momumŋe, wainzi Tito Justo, wainamata Mŋari, imba yake yaiʋa pedyo nesinagoge.
8
NaKrispo, mukuru wesinagoge, akatenda kunaShe naʋeimba yake yose; naʋazhinji ʋeKorinte ʋakanzwa, ʋakatenda, ʋakabapatidzwa.
9
Ɀino Ishe akati kunaPauro ʋusiku neciratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara;
10
nokuti ini ndinewe; hapanomunhu uŋgakumukira akakuitira ɀakaipa, nokuti ndinaʋanhu ʋazhinji muguta rino.
11
Akagara’po gore rimŋe nemŋedzi mitanhatu, acidzidzisa shoko raMŋari pakati paʋo.
12
Ɀino Gario wakati aʋa muɓati weAkaya, ʋaJuda ʋakamukira Pauro nomŋoyo mumŋe, ʋakaʋuya naye pacigaro cokutoŋga,
13
ʋaciti: Uyu unogombedzera ʋanhu kuti ʋanamate Mŋari nenzira isiŋgatenderwi nomurairo.
14
Ɀino Pauro wakati oɗa kushamisa muromo wake, Gario akati kuʋaJuda: Ƌai yaiʋa mhoȿa yeɀisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuʋa nomŋoyo murefu kwamuri, imi ʋaJuda.
15
Asi kana dziri nharo pamsoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhoȿa iyo; ini handiɗi kuʋa mutoŋgi waiɀoɀo.
16
Akaʋadziŋga pacigaro cokutoŋga.
17
Ɀino ʋose ʋakaɓata Sosteni, mukuru wesinagoge, ʋakamuroʋa pamberi pecigaro cokutoŋga; asi Gario haana‐kuʋa nehanya necinhu cimŋe caiɀoɀo.
18
Pauro wakati agara’po mazuʋa mazhinji, akawonekana nehama, akabva’po, akaenda Siria necikepe, anaPrisira naAkwira, aʋeʋura musoro wake paKenkrea, nokuti wakaŋga apika.
19
Ʋakaȿika Efeso, akaʋasiya’po; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana naʋaJuda.
20
Ɀino ʋakati ʋacikumbira kuti agare naʋo ŋguʋa refu, haana‐kutenda;
21
asi wakawonekana naʋo, aciti: Ndicadzokera ɀe kwamuri, kana Mŋari aciɗa, akabva paEfeso necikepe.
22
Wakati aȿika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaɓurukira Antiokia.
23
Wakati agara’po ŋguʋa, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia acidziteʋedzanisa, acisimbisa ʋadzidzi ʋose.
24
Ɀino mumŋe muJuda wainzi Aporo, worudzi rwapaAreksandria, murume wakaŋga akadzidza ɀikuru, wakaȿika Efeso; wakaŋga anesimba pamagwaro.
25
Uyu wakaŋga adzidziswa nzira yaShe, akashiŋgaira nomŋeya, acitaura nokunatso‐dzidzisa ɀaJesu, aciziʋa rubapatidzo rwaJohane ɓedzi.
26
Iye akataŋga kutaura musinagoge asiŋgatyi. Ɀino Prisira naAkwira ʋakati ʋamunzwa, ʋakamutora, ʋakanatsomuɗudzira nzira yaMŋari.
27
Ɀino wakati aciɗa kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, ʋakanyorera ʋadzidzi kuti ʋamugamucire. Ɀino wakati aȿika, akaɓatsira ɀikuru iʋo ʋakatenda nenyasha.
28
Nokuti wakakunda ʋaJuda nesimba pacena, aciratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28