bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Acts 3
Acts 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
1
Ɀino Petro naJohane ʋakakwira kutembere neŋguʋa yokunyeŋgetera yepfumbamŋe.
2
Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere.
3
Iye wakati aciʋona Petro naJohane ʋoɗa kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe cipo.
4
Ɀino Petro akamutarisisa, naJohane ʋo, akati: Titarire.
5
Akaʋatarira, aciti ndicapiwa cinhu naʋo.
6
Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi candinaco ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, cifamba.
7
Akamuɓata ruʋoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake neɀiziso ɀetsoka dzake ɀakasimba.
8
Akavazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda naʋo mutembere, akafamba acipembera, acirumbidza Mŋari.
9
Ʋanhu ʋose ʋakamuʋona acifamba, acirumbidza Mŋari.
10
Ʋakamuziʋa, kuti ndiye waigarira ɀipo pamukoʋa Wakanaka wetembere; ʋakakatyamara ɀikuru nokushamiswa neɀaakaitirwa.
11
Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo.
12
Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari?
13
Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuʋatoŋgi mukamuramba pamberi paPirato, iye atoŋga kuti asunuŋgurwe.
14
Asi imi makaramba uyo Mutȿene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muʋurayi;
15
mukaʋuraya Muʋambi woʋupenyu; iye, wakamutswa naMŋari kuʋakafa; iye, watiri ɀapupu ɀake isu.
16
Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoʋona, nowamunoziʋa; ʋuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa ɀakanaka kuɗai pamberi penyu mose.
17
Asi ɀino, hama dzaŋgu, ndinoziʋa kuti makaɀiita nokusaziʋa, saʋaɓati ʋenyu ʋo;
18
asi saiɀoɀo Mŋari wakapedzisa ɀaakamboreʋa nomuromo waʋaprofita ʋose, kuti Kristu wake ucazotambudzika.
19
Naiɀoɀo tendeʋukai, mudzoke, kuti ɀiʋi ɀenyu ɀidzimŋe, kuti ŋguʋa dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dziȿike;
20
atume Kristu, iye Jesu, wakagadzwa kare nokuɗa kwenyu;
21
iye unofanira kugamucirwa kuɗeŋga kuȿikira ŋguʋa yokugadzirwa kweɀinhu ɀose, yakarebga naMŋari nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene kubva pakutaŋga.
22
Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mŋari wenyu, ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; mucamuterera paɀose, ɀaanotaura kwamuri.
23
Ɀino mumŋe nomumŋe kana asiŋgatereri Muprofita uyo, ucaparadzwa kwaɀo pakati paʋanhu.
24
Naʋaprofita ʋose kubva kunaSamueri, naʋakamuteʋera, naiʋo ʋose ʋakataura nokuparidza ɀamazuʋa ano.
25
Imi muri ʋanakomana ʋaʋaprofita, naʋesuŋgano, yakaitwa naMŋari namadziɓaɓa enyu, aciti kunaAbrahama: Marudzi ose enyika acaropafadzwa muʋana ʋako.
26
Mŋari wakataŋga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, acidzora mumŋe nomumŋe wenyu paɀakaipa ɀenyu.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28