bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 1
John 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
1
Pakutaŋga Shoko rakaŋga riri’po, Shoko rakaŋga riri kunaMŋari, Shoko rakaŋga riri Mŋari.
2
Ireri pakutaŋga rakaŋga riri kunaMŋari.
3
Ɀinhu ɀose ɀakaitwa naye; kunze kwake hakuna‐kuitwa kunyaŋge cinhu cimŋe cakaitwa.
4
Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu.
5
Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda.
6
Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane.
7
Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye.
8
Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza.
9
Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika.
10
Wakaŋga ari panyika, asi nyika haina‐kumuziʋa.
11
Wakaʋuya kuneɀake, asi ʋanhu ʋake haʋana‐kumugamucira.
12
Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake;
13
aʋo ʋasina‐kuɓerekwa neropa, kana nokuɗa kwenyama, kana nokuɗa kwomurume, asi naMŋari.
14
Shoko rakazoʋa nyama, rikagara pakati peɗu, (tikaʋona kubginya kwake, kubginya sokwowakaɓerekwa mumŋe cete waƂaɓa), azere nenyasha neɀokwaɗi.
15
Johane akamupupurira, akaɗanidzira, aciti: Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Uyo, unoʋuya shure kwaŋgu, wakaʋa’po mberi kwaŋgu; nokuti wakanditaŋgira.
16
Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha.
17
Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, nyasha neɀokwaɗi ɀakaʋuya naJesu Kristu.
18
Hakunomunhu wakatoŋgoʋona Mŋari; Mŋari wakaɓerekwa ari mumŋe woga, uri pacifuʋa caƂaɓa, ndiye waka mu ziʋisa isu.
19
Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi ʋaJuda ʋakatumira kwaari ʋaprista naʋaRevi, ʋacibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko?
20
Akatenda pacena, haana‐kuramba, akatenda pacena, aciti: Handizi Kristu.
21
Ʋakamubvunza, ʋaciti: Asi kuɗiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muprofita here? Akapindura, akati: Kwete.
22
Ɀino ʋakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura ʋakatituma. Unoɀiti aniko?
23
Akati: Ndini inzwi rounoɗana murenje, riciti: Ruramisai nzira yaShe; seɀakarebga nomuprofita Isaya.
24
Aʋa ʋakaŋga ʋatumŋa ʋaiʋa ʋaʋaFarise.
25
Ʋakamubvunza, ʋakati kwaari: Kana usi Kristu, kana Eria, kana muprofita uya, unogobapatidzireiko?
26
Johane akapindura, akati: Ini ndinobapatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumŋe wamusiŋgaziʋi;
27
ndiye unoʋuya shure kwaŋgu, wandisina‐kufanira kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu yake.
28
Iɀoɀi ɀakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridani, kwaibapatidza Johane.
29
Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika.
30
Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira.
31
Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri.
32
Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake.
33
Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene.
34
Ini ndikaʋona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mŋanakomana waMŋari.
35
Aʋa maŋgwana ɀe Johane wakaŋga amire naʋadzidzi ʋake ʋaʋiri;
36
akatarisisa Jesu acifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari!
37
Iʋaʋo ʋadzidzi ʋaʋiri, ʋakamunzwa acitaura, ʋakateʋera Jesu.
38
Jesu akatendeʋuka akaʋaʋona ʋaciteʋera, akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rabi (ndokuti Mudzidzisi, kana ɀicishandurwa), munogarepiko?
39
Akati kwaʋari: Ʋuyai, muʋone. Ʋakaenda, ʋakandoʋona kwaaigara, ʋakagara naye zuʋa iro; yakaŋga iri ŋguʋa ineŋge yegumi.
40
Mumŋe waiʋaʋo ʋaʋiri, ʋakaŋga ʋanzwa Johane, ʋakamuteʋera, waiʋa Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro.
41
Iye akataŋga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana ɀicishandurwa).
42
Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mŋanakomana waJona, ucanzi Kefasi (ɀinoshandurwa, ɗombo).
43
Aʋa maŋgwana akaɗa kuenda Garirea, akawana Firipo; Jesu akati kwaari: Nditeʋere.
44
Firipo wakaŋga ari weBetsaida, guta raAndreasi naPetro.
45
Firipo akawana Natanaeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa ɀake naMosesi pamurairo naʋaprofita, iye Jesu weNazareta, mŋanakomana waJosefa.
46
Natanaeri akati kwaari: Kunecinhu cakanaka ciŋgabva Nazareta here? Firipo akati kwaari: Ʋuya, uʋone.
47
Jesu akaʋona Natanaeri aciʋuya kwaari, akamuti: Tarirai, muIsraeri waɀokwaɗi, usinokunyeŋgera maari.
48
Natanaeri akati kwaari: Mandiziʋirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akuɗana, uri munyasi momuʋonde, ndakakuʋona.
49
Natanaeri akamupindura, akati: Rabi, ndimi Mŋanakomana waMŋari, ndimi Ishe waIsraeri.
50
Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuʋona munyasi momuʋonde here? Ucazoʋona ɀikuru kunaiɀoɀi.
51
Akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucaʋona kuɗeŋga kwazarurwa, naʋatumŋa ʋaMŋari ʋacikwira, nokuɓurukira pamsoro poMŋanakomana womunhu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21