bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 4
John 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
1
Ɀino Ishe wakati aziʋa kuti ʋaFarise ʋakaŋga ʋanzwa kuti Jesu wakaita nokubapatidza ʋadzidzi kupfuʋura Johane,
2
(kunyaŋge Jesu wakaŋga asiŋgabapatidzi amene, asi ʋadzidzi ʋake),
3
akabva Judea, akaenda ɀeGarirea.
4
Wakaŋga acifanira kupfuʋura neSamaria.
5
Ɀino akaȿika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nenyika yakaŋga yapa Jakobo mŋanakomana wake Josefa.
6
Tsime raJakobo rakaŋga riri’po. Ɀino Jesu aneta nokufamba, ndokuŋgogara ɀake patsime. Yaiʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu.
7
Ɀino mumŋe mukadzi weSamaria akaȿika’po kuzocera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeiʋo, ndinwe.
8
Nokuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda muguta kundoteŋga ɀokudya.
9
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria).
10
Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.
11
Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko?
12
Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo?
13
Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe.
14
Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
15
Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano.
16
Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano.
17
Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume.
18
Nokuti watoʋa naʋarume ʋashanu; uyo, waunaye ɀino, haazi murume wako; apo wareʋa ɀokwaɗi.
19
Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoʋona kuti muri muprofita.
20
Madziɓaɓa eɗu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa.
21
Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti ŋguʋa inoʋuya, yamusiŋgazonamati Ƃaɓa pagomo iri, kana paJerusarema.
22
Imi munonamata camusiŋgaziʋi; isu tinonamata catinoziʋa, nokuti ruponeso runobva kuʋaJuda.
23
Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata.
24
Mŋari ndiMŋeya; ʋanomunamata, ʋanofanira kumunamata mumŋeya neɀokwaɗi.
25
Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose.
26
Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
27
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaȿika, ʋakashamiswa ʋaciʋona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyaŋge ɀakaɗaro hakuno mumŋe wakati: Munotȿakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
28
Ipapo mukadzi akasiya ciroŋgo cake, akaenda muguta, akati kuʋanhu:
29
Ʋuyai muʋone munhu, wakandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?
30
Ʋakaɓuɗa muguta, ʋakaenda kwaari.
31
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋake ʋakafano‐munyeŋgetera, ʋaciti: Rabi, cidyai.
32
Iye akati kwaʋari: Ini ndineɀokudya, ɀandinodya, ɀamusiŋgaziʋi.
33
Ɀino ʋadzidzi ʋakataurirana, ʋaciti: Kasi mumŋe wamuʋigira ɀokudya kanhi?
34
Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake.
35
Ko imi hamuti: Kwasara mŋedzi minna, kuceka kwaȿika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, ʋonai minda, kuti yatoibvira kuceka.
36
Unoceka unopiwa muɓairo, unoʋuŋganidza ɀiɓereko muʋupenyu bgusiŋgaperi; kuti unokusha nounoceka ʋafare ʋose.
37
Nokuti shumo ndeyaɀokwaɗi, inoti: Mumŋe unokusha, mumŋe aciceka.
38
Ndakakutumai kundoceka ɀamusakaɓatira; ʋamŋe ʋakaɓata, ɀino imi mapinda paneɀaʋakaɓatira iʋo.
39
Ɀino ʋaSamaria ʋazhinji ʋeguta iro ʋakatenda kwaari neshoko romukadzi, wakapupura, aciti: Wandiʋudza ɀose ɀandakaita.
40
Ɀino ʋaSamaria ʋakati ʋaciȿika kwaari, ʋakamunyeŋgetera kuti agare naʋo; akagara’po mazuʋa maʋiri.
41
Naʋamŋe ʋazhinji ʋakatenda neshoko rake.
42
Ʋakati kumukadzi: Haticatendi nokureʋa kwako; taɀinzwira timene, tinoziʋa kuti uyu ndiye Muponesi wenyika ɀirokwaɀo.
43
Mazuʋa maʋiri akati apfuʋura, akabva’po; akaenda Garirea
44
Nokuti Jesu amene wakapupura, kuti muprofita haakudzwi munyika yake.
45
Ɀino wakati aciȿika Garirea, ʋaGarirea ʋakamugamucira, nokuti ʋakaŋga ʋaʋona ɀose ɀaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naiʋo ʋakaŋga ʋaenda ʋo kumutambo.
46
Ɀino Jesu wakaȿika ɀe paKana yeGarirea, paakaŋga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakaŋga panomumŋe mutariri washe, mŋanakomana wake wakaŋga acirwara paKapernaume.
47
Iye wakati acinzwa kuti Jesu wabva Judea, waȿika Garirea, akaenda kwaari, akamunyeŋgetera kuti aɓuruke kundoporesa mŋanakomana wake; nokuti wakaŋga wotandadza.
48
Ɀino Jesu akati kwaari: Kana musiŋgaʋoni ɀiratidzo neɀishamiso, hamuŋgatoŋgotendi.
49
Mutariri washe akati kwaari: Ishe, ɓurukai henyu, mŋana waŋgu asati afa.
50
Jesu akati kwaari: Enda hako, mŋanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebga naJesu kwaari, akaenda.
51
Wakati acaɓuruka, ʋaranda ʋake ʋakasoŋgana naye, ʋakati: Mŋana wenyu mupenyu.
52
Ɀino akaʋabvunza ŋguʋa yaakataŋga kunaya nayo. Ʋakati kwaari: Zuro neŋguʋa yecinomŋe fiviri yakabva kwaari.
53
Ɀino ɓaɓa ʋakaziʋa kuti ndiyo ŋguʋa Jesu yaakati kwaari: Mŋanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose.
54
Ici ndico ciratidzo cecipiri cakaitwa naJesu, abva Judea, aȿika Garirea.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21