bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 15
John 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
1
Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi.
2
Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko.
3
Imi matonatswa neshoko randakareʋa kwamuri.
4
Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri.
5
Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu.
6
Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe.
7
Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa.
8
Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu.
9
Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu.
10
Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo.
11
Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.
12
Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi.
13
Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake.
14
Im muri hama dzaŋgu, kana muciita ɀandinokurairai ini.
15
Handicakuidziyi ʋaranda; nokuti muranda haaziʋi ɀinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti ɀose ɀandakanzwa kunaƂaɓa ʋaŋgu, ndakakuziʋisai iɀo.
16
Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico.
17
Ndiɀoɀi ɀandinokurairai, kuti muɗane.
18
Kana nyika icikuʋeŋgai, muziʋe kuti yakandiʋeŋga ini, isati yakuʋeŋgai imi.
19
Kana maiʋa ʋenyika, nyika yaiɗa ʋayo; ɀino ɀamusati muri ʋenyika, asi ini ndakakusanaŋgurai panyika, saka nyika inokuʋeŋgai.
20
Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo.
21
Asi iɀi ɀose ʋacakuitirai nokuɗa kwezita raŋgu, nokuti haʋaziʋi wakandituma.
22
Ƌai ndisina‐kuʋuya, ndikataura naʋo, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino haʋanepembedzo yeɀiʋi ɀaʋo.
23
Unondiʋeŋga, unoʋeŋga naƂaɓa ʋaŋgu ʋo.
24
Ƌai ndisina‐kuita pakati paʋo maɓasa asina‐kumboitwa nomumŋe munhu, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino ʋakaʋona, nokundiʋeŋga ini naƂaɓa ʋaŋgu.
25
Asi ɀakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo waʋo, riitike, rinoti: Ʋakandiʋeŋga ndisinemhoȿa.
26
Kana Munyaradzi aʋuya, wandicatuma kwamuri, acibva kunaƂaɓa, iye Mŋeya waɀokwaɗi, unoɓuɗa kunaƂaɓa, ucandipupurira.
27
Nemi ʋo pupurai, nokuti maiʋa neni kubva pakutaŋga.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21