bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
John 13
John 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
1
Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma.
2
Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire;
3
Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari;
4
akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno.
5
Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo.
6
Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi?
7
Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure.
8
Petro akati kwaari: Hamuŋgatoŋgoshambidzi tsoka dzaŋgu nokusiŋgaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisiŋgakushambidzi, haunomugoʋe neni.
9
Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuʋa tsoka dzaŋgu dzoga, asi maʋoko aŋgu nomusoro waŋgu ʋo.
10
Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose.
11
Nokuti wakaŋga aciziʋa uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna‐kunaka mose.
12
Ɀino wakati ashambidza tsoka dzaʋo, akatora ŋguʋo dzake, akagara ɀe, akati kwaʋari: Munoziʋa ɀandakakuitirai here?
13
Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye.
14
Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15
Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini.
16
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma.
17
Kana muciɀiziʋa iɀi, makaropafadzwa kana muciɀiita.
18
handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake.
19
Kubva ɀino ndinokuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti kana ɀiciitwa, mugotenda kuti ndini.
20
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unogamucira wandinotuma, unogamucireni, nounondigamucira ini, unogamucira wakandituma.
21
Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira.
22
Ʋadzidzi ʋakatarirana, ʋasiŋgaziʋi kuti wareʋa ani.
23
Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu.
24
Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Ti ʋudzei kuti ndianiko waanoreʋa.
25
Iye akaʋata pacifuʋa caJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko?
26
Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti.
27
Iye wakati agamucira cimeɗu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Ɀaunoita, ita ucikurumidza.
28
Asi kwakaŋga kusinomumŋe kunaʋakaŋga ʋagere naye pakudya, wakaziʋa kuti wakareʋerei iɀoɀi kwaari.
29
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu.
30
Iye akati agamucira cimeɗu, akaɓuɗa pakarepo; bgakaŋga bguri ʋusiku.
31
Ɀino wakati aɓuɗa, Jesu akati: Ɀino Mŋanakomana womunhu wakudzwa, naMŋari wakudzwa maari;
32
kana Mŋari akudzwa maari, Mŋari ucamukudza iye maari, ucamukudza pakarepo.
33
Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo.
34
Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo.
35
Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu.
36
Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akapindura, akati: kwandinoenda, hauŋganditeʋeri ɀino; asi ucanditeʋera pashure.
37
Petro akati kwaari: Ishe, handiŋgakuteʋeriyi ɀino neiko? Ndicakufirai ini.
38
Jesu akapindura, akati: Ucandifira here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Joŋgwe hariŋgariri, usati wandiramba katatu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21